< 以赛亚书 16 >

1 你们当将羊羔奉给那地掌权的, 从西拉往旷野,送到锡安城的山。
Tumirai mutero wamakwayana kumutongi wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni.
2 摩押的居民在亚嫩渡口, 必像游飞的鸟,如拆窝的雏。
Kufanana neshiri dzadzungaira dzichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni.
3 求你献谋略,行公平, 使你的影子在午间如黑夜, 隐藏被赶散的人,不可显露逃民。
“Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri.
4 求你容我这被赶散的人和你同居。 至于摩押,求你作他的隐密处, 脱离灭命者的面。 勒索人的归于无有, 毁灭的事止息了, 欺压人的从国中除灭了,
Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.” Mutambudzi achasvika kumagumo, uye kuparadza kuchapera; mudenhi achatsakatika panyika.
5 必有宝座因慈爱坚立; 必有一位诚诚实实坐在其上, 在大卫帐幕中施行审判, 寻求公平,速行公义。
Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa; mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi, uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira, uye achikurumidza kuita zvakarurama.
6 我们听说摩押人骄傲, 是极其骄傲; 听说他狂妄、骄傲、忿怒; 他夸大的话是虚空的。
Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu, namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake, kuzvikudza kwake nokuvirima kwake, asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
7 因此,摩押人必为摩押哀号; 人人都要哀号。 你们摩押人要为吉珥·哈列设的葡萄饼哀叹, 极其忧伤。
Naizvozvo vaMoabhu voungudza, vanoungudzira Moabhu pamwe chete. Chemai musuwe nokuda kwavarume veKiri Hareseti.
8 因为希实本的田地 和西比玛的葡萄树都衰残了。 列国的君主折断其上美好的枝子; 这枝子长到雅谢延到旷野, 嫩枝向外探出,直探过盐海。
Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vendudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yaimbosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa.
9 因此,我要为西比玛的葡萄树哀哭, 与雅谢人哀哭一样。 希实本、以利亚利啊, 我要以眼泪浇灌你; 因为有交战呐喊的声音 临到你夏天的果子, 并你收割的庄稼。
Saka ndinochema, sokuchema kweJazeri, nokuda kwemizambiringa yeSibhima. Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare, ndichakudiridza nemisodzi! Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyaradzwa.
10 从肥美的田中夺去了欢喜快乐; 在葡萄园里必无歌唱,也无欢呼的声音。 踹酒的在酒榨中不得踹出酒来; 我使他欢呼的声音止息。
Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho.
11 因此,我心腹为摩押哀鸣如琴; 我心肠为吉珥·哈列设也是如此。
Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira, mukati kati mangu munorira nokuda kweKiri Hareseti.
12 摩押人朝见的时候,在高处疲乏,又到他圣所祈祷,也不蒙应允。
Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira, anenge achingozvinetsa pachake; paanoenda kuimba yake kunonyengetera, zvinenge zvisina chazvinobatsira,
13 这是耶和华从前论摩押的话。
Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu.
14 但现在耶和华说:“三年之内,照雇工的年数,摩押的荣耀与他的群众必被藐视,余剩的人甚少无几。”
Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”

< 以赛亚书 16 >