< 以赛亚书 1 >

1 当乌西雅、约坦、亚哈斯、希西家作犹大王的时候,亚摩斯的儿子以赛亚得默示,论到犹大和耶路撒冷。
Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUzia naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha.
2 天哪,要听!地啊,侧耳而听! 因为耶和华说: 我养育儿女,将他们养大, 他们竟悖逆我。
Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika! Nokuti Jehovha akataura achiti, “Ndakarera vana ndikavakudza, asi ivo vakandimukira.
3 牛认识主人, 驴认识主人的槽, 以色列却不认识; 我的民却不留意。
Nzombe inoziva vatenzi vayo, nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo, asi Israeri haizivi, vanhu vangu havanzwisisi.”
4 嗐!犯罪的国民, 担着罪孽的百姓; 行恶的种类, 败坏的儿女! 他们离弃耶和华, 藐视以色列的圣者, 与他生疏,往后退步。
Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha; vakashora Mutsvene waIsraeri vakamufuratira.
5 你们为什么屡次悖逆, 还要受责打吗? 你们已经满头疼痛, 全心发昏。
Mucharambireiko muchingorohwa? Munorambireiko muchimukira Jehovha? Musoro wenyu wose wakuvadzwa, mwoyo wenyu wose warwadziwa.
6 从脚掌到头顶, 没有一处完全的, 尽是伤口、青肿,与新打的伤痕, 都没有收口,没有缠裹, 也没有用膏滋润。
Kubvira pasi porutsoka rwako kusvikira panhongonya yomusoro wako hapana pakukutu, anongova maronda nokurwadziwa namavanga akazaruka, asina kusukwa kana kusungwa kana kuzorwa mafuta.
7 你们的地土已经荒凉; 你们的城邑被火焚毁。 你们的田地在你们眼前为外邦人所侵吞, 既被外邦人倾覆就成为荒凉。
Nyika yenyu yaparadzwa, Maguta enyu apiswa nomoto; minda yenyu iri kutorwa navatorwa pamberi penyu chaipo, nyika yaparadzwa sapanoparadza vatorwa.
8 仅存锡安城, 好像葡萄园的草棚, 瓜田的茅屋, 被围困的城邑。
Mwanasikana weZioni asiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, seimba mumunda wamanwiwa, seguta rakakombwa.
9 若不是万军之耶和华给我们稍留余种, 我们早已像所多玛、蛾摩拉的样子了。
Dai Jehovha Wamasimba Ose asina kutisiyira vakapunyuka, tingadai takafanana neSodhomu, tingadai takaita seGomora.
10 你们这所多玛的官长啊, 要听耶和华的话! 你们这蛾摩拉的百姓啊, 要侧耳听我们 神的训诲!
Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhomu; teererai kumurayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora!
11 耶和华说: 你们所献的许多祭物与我何益呢? 公绵羊的燔祭和肥畜的脂油, 我已经够了; 公牛的血,羊羔的血,公山羊的血, 我都不喜悦。
“Zvibayiro zvenyu zvizhinji, zvinyiko kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvibayiro zvinopiswa zvawandisa, zvamakondobwe namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; Handifadzwi neropa renzombe, ramakwayana nerembudzi.
12 你们来朝见我, 谁向你们讨这些, 使你们践踏我的院宇呢?
Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu, ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri, naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu?
13 你们不要再献虚浮的供物。 香品是我所憎恶的; 月朔和安息日,并宣召的大会, 也是我所憎恶的; 作罪孽,又守严肃会, 我也不能容忍。
Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuhwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.
14 你们的月朔和节期,我心里恨恶, 我都以为麻烦; 我担当,便不耐烦。
Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa nomweya wangu. Zvava mutoro kwandiri; ndaneta nokuzvitakura.
15 你们举手祷告,我必遮眼不看; 就是你们多多地祈祷,我也不听。 你们的手都满了杀人的血。
Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera, ini ndichakuvanzirai chiso changu; kunyange mukawanza munyengetero, handisi kuzokunzwai. Maoko enyu azere neropa;
16 你们要洗濯、自洁, 从我眼前除掉你们的恶行, 要止住作恶,
shambai muzvinatse. Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu! Regai kuita zvakaipa,
17 学习行善, 寻求公平, 解救受欺压的; 给孤儿伸冤, 为寡妇辨屈。
dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.
18 耶和华说: 你们来,我们彼此辩论。 你们的罪虽像朱红,必变成雪白; 虽红如丹颜,必白如羊毛。
“Chiuyai zvino titaurirane,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange zvivi zvenyu zviri zvitsvuku zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
19 你们若甘心听从, 必吃地上的美物,
Kana muchida uye muchiteerera muchadya zvakanakisa zvenyika;
20 若不听从,反倒悖逆, 必被刀剑吞灭。 这是耶和华亲口说的。
asi kana muchiramba uye muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo.” Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.
21 可叹,忠信的城变为妓女! 从前充满了公平, 公义居在其中, 现今却有凶手居住。
Tarirai guta rakatendeka rava chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisira; kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara mhondi!
22 你的银子变为渣滓; 你的酒用水搀对。
Sirivha yako yava nengura, waini yako yakavhenganiswa nemvura.
23 你的官长居心悖逆, 与盗贼作伴, 各都喜爱贿赂, 追求赃私。 他们不为孤儿伸冤; 寡妇的案件也不得呈到他们面前。
Machinda ako vapanduki, ishamwari dzembavha; vose vanoda fufuro, uye vanomhanyira zvipo. Havana hanya nokudzivirira nherera; mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo.
24 因此,主—万军之耶和华、 以色列的大能者说: 哎!我要向我的对头雪恨, 向我的敌人报仇。
Naizvozvo Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti, “Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, nokuzvitsivira vavengi vangu.
25 我必反手加在你身上, 炼尽你的渣滓, 除净你的杂质。
Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri; ndichapedza chose ngura yako ndigobvisa kusachena kwako kwose.
26 我也必复还你的审判官,像起初一样, 复还你的谋士,像起先一般。 然后,你必称为公义之城, 忠信之邑。
Ndichadzosera vatongi vako sapamazuva akare, namakurukota ako sapamazuva okutanga. Shure kwaizvozvo uchanzi Guta Rokururama, Guta Rakatendeka.”
27 锡安必因公平得蒙救赎; 其中归正的人必因公义得蒙救赎。
Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanotendeuka varo, nokururama.
28 但悖逆的和犯罪的必一同败亡; 离弃耶和华的必致消灭。
Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose, uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.
29 那等人必因你们所喜爱的橡树抱愧; 你们必因所选择的园子蒙羞。
“Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa, yamunofadzwa nayo; muchanyadziswa nokuda kwamapindu amakasarudza.
30 因为,你们必如叶子枯干的橡树, 好像无水浇灌的园子。
Muchafanana nomuouki wasvava mashizha, sebindu risina mvura.
31 有权势的必如麻瓤; 他的工作好像火星, 都要一同焚毁,无人扑灭。
Murume ane simba achava serwodzi nebasa rake sesasaradzi; zvose zvichatsva pamwe chete, pasina achadzima moto.”

< 以赛亚书 1 >