< 何西阿书 5 >

1 众祭司啊,要听我的话! 以色列家啊,要留心听! 王家啊,要侧耳而听! 审判要临到你们, 因你们在米斯巴如网罗, 在他泊山如铺张的网。
“Inzwai izvi, imi vaprista! Teererai, imi vaIsraeri! Teerera, iwe imba youmambo! Ndiwe uri kutongwa: Wakanga uri musungo paMizipa, mumbure wakatambanudzwa paTabhori.
2 这些悖逆的人肆行杀戮, 罪孽极深; 我却斥责他们众人。
Vapanduki vari mushishi rokuuraya. Ndichavaranga vose.
3 以法莲为我所知; 以色列不能向我隐藏。 以法莲哪,现在你行淫了, 以色列被玷污了。
Ndinoziva zvose zviri pamusoro paEfuremu; Israeri haina kuvanzika kwandiri. Efuremu, watendeukira zvino kuufeve; Israeri aora.
4 他们所行的使他们不能归向 神; 因有淫心在他们里面, 他们也不认识耶和华。
“Zviito zvavo hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo. Mweya woufeve uri mumwoyo yavo; havazivi Jehovha.
5 以色列的骄傲当面见证自己。 故此,以色列和以法莲必因自己的罪孽跌倒; 犹大也必与他们一同跌倒。
Kuzvikudza kwaIsraeri kunovapa mhosva; vaIsraeri, kunyange Efuremu, vanogumburwa muchivi chavo; Judha anogumburwawo pamwe chete navo.
6 他们必牵着牛羊去寻求耶和华,却寻不见; 他已经转去离开他们。
Pavachaenda namakwai nemombe dzavo kundotsvaka Jehovha, havazomuwani; azvibvisa kwavari.
7 他们向耶和华行事诡诈,生了私子。 到了月朔,他们与他们的地业必被吞灭。
Havana kutendeka kuna Jehovha; vanobereka vana voupombwe. Zvino mitambo yavo yoKugara kwoMwedzi ichavadya pamwe chete neminda yavo.
8 你们当在基比亚吹角, 在拉玛吹号, 在伯·亚文吹出大声,说: 便雅悯哪,有仇敌在你后头!
“Ridzai hwamanda paGibhea, norunyanga paRama. Ridzai mhere yehondo paBheti Avheni; tungamira pamberi, iwe Bhenjamini.
9 在责罚的日子,以法莲必变为荒场; 我在以色列支派中,指示将来必成的事。
Efuremu achaparadzwa pazuva rokutongwa. Pakati pamarudzi aIsraeri ndinozivisa zvinhu zvechokwadi.
10 犹大的首领如同挪移地界的人, 我必将忿怒倒在他们身上,如水一般。
Vatungamiri vaJudha vakafanana neavo vanobvisa mabwe omuganhu. Ndichadurura hasha dzangu pavari samafashamu emvura.
11 以法莲因乐从人的命令, 就受欺压,被审判压碎。
Efuremu adzvinyirirwa atsikwa-tsikwa mukutongwa, nokuti akada kutevera zvifananidzo.
12 我使以法莲如虫蛀之物, 使犹大家如朽烂之木。
Ndakafanana nechipfukuto kuna Efuremu, sokuora kuvanhu veJudha.
13 以法莲见自己有病, 犹大见自己有伤, 他们就打发人往亚述去见耶雷布王, 他却不能医治你们, 不能治好你们的伤。
“Efuremu paakaona kurwara kwake, naJudha maronda ake, Efuremu ndipo paakatendeukira kuAsiria, akatuma nhume kuna mambo mukuru kundotsvaka rubatsiro. Asi haagoni kukurapa, haagoni kuporesa mavanga ako.
14 我必向以法莲如狮子, 向犹大家如少壮狮子。 我必撕裂而去, 我要夺去,无人搭救。
Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, seshumba huru kuna Judha. Ndichavabvambura kuita zvidimbu zvidimbu ndigoenda; ndichaenda navo pagoshaya anovarwira.
15 我要回到原处, 等他们自觉有罪,寻求我面; 他们在急难的时候必切切寻求我。
Mushure maizvozvo ndichadzokera kunzvimbo yangu, kusvikira vabvuma mhosva yavo. Uye vachatsvaka chiso changu; pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.”

< 何西阿书 5 >