< 创世记 50 >

1 约瑟伏在他父亲的面上哀哭,与他亲嘴。
Josefa akazviwisira pamusoro pababa vake akachema pamusoro pavo uye akavatsvoda.
2 约瑟吩咐伺候他的医生用香料薰他父亲,医生就用香料薰了以色列。
Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika,
3 薰尸的常例是四十天;那四十天满了,埃及人为他哀哭了七十天。
vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika mutumbi. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe.
4 为他哀哭的日子过了,约瑟对法老家中的人说:“我若在你们眼前蒙恩,请你们报告法老说:
Mazuva okuchema akati apera, Josefa akati kune veimba yaFaro, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, nditaurireiwo kuna Faro. Mumuudze kuti,
5 ‘我父亲要死的时候叫我起誓说:你要将我葬在迦南地,在我为自己所掘的坟墓里。’现在求你让我上去葬我父亲,以后我必回来。”
‘Baba vangu vakaita kuti ndipike mhiko uye vakati, “Ini ndava kufa; mundivige muguva randakazvicherera munyika yeKenani.” Zvino regai hangu ndikwidze ndinoviga baba vangu; ipapo ndigozodzoka hangu.’”
6 法老说:“你可以上去,照着你父亲叫你起的誓,将他葬埋。”
Faro akati, “Kwira hako undoviga baba vako, sezvo vakaita kuti upikire kuita izvozvo.”
7 于是约瑟上去葬他父亲。与他一同上去的,有法老的臣仆和法老家中的长老,并埃及国的长老,
Saka Josefa akakwidza kundoviga baba vake. Varanda vose vaFaro vakamuperekedza, vanokudzwa vomumba make navose vanokudzwa vomuIjipiti,
8 还有约瑟的全家和他的弟兄们,并他父亲的眷属;只有他们的妇人孩子,和羊群牛群,都留在歌珊地。
tisingaverengi vose vomumhuri yaJosefa namadzikoma ake uye navose veimba yababa vake. Vana vavo chete namakwai avo nemombe dzavo, ndivo vakasiyiwa muGosheni.
9 又有车辆马兵,和他一同上去;那一帮人甚多。
Ngoro navatasvi vamabhiza vakaendawo naye. Rakanga riri boka guru kwazvo.
10 他们到了约旦河外、亚达的禾场,就在那里大大地号咷痛哭。约瑟为他父亲哀哭了七天。
Vakati vasvika paburiro raAtadhi, pedyo neJorodhani, vakachema zvikuru neshungu; uye ipapo Josefa akatara mazuva manomwe okuchema baba vake.
11 迦南的居民见亚达禾场上的哀哭,就说:“这是埃及人一场极大的哀哭。”因此那地方名叫亚伯·麦西,是在约旦河东。
VaKenani vaigara ikoko vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, “VaIjipita vari pakuchema kukuru.” Ndokusaka nzvimbo iyo iri pedyo neJorodhani yakatumidzwa zita rokuti Abheri Miziraimi.
12 雅各的儿子们就遵着他父亲所吩咐的办了,
Saka vanakomana vaJakobho vakaita sezvaakavarayira:
13 把他搬到迦南地,葬在幔利前、麦比拉田间的洞里;那洞和田是亚伯拉罕向赫人以弗 买来为业,作坟地的。
Vakamutakura vakaenda naye kunyika yeKenani uye vakamuviga mubako mumunda weMakapera, pedyo neMamure, rakatengwa naAbhurahama senzvimbo yokuviga kubva kuna Efuroni muHiti, pamwe chete nomunda wacho.
14 约瑟葬了他父亲以后,就和众弟兄,并一切同他上去葬他父亲的人,都回埃及去了。
Shure kwokuvigwa kwababa vake, Josefa akadzokera kuIjipiti, pamwe chete namadzikoma ake navamwe vose vakanga vaenda naye kundoviga baba vake.
15 约瑟的哥哥们见父亲死了,就说:“或者约瑟怀恨我们,照着我们从前待他一切的恶足足地报复我们。”
Madzikoma aJosefa akati aona kuti baba vavo vakanga vafa, vakati, “Zvimwe Josefa angadaro achiri kutivenga uye akatitsiva pane zvakaipa zvose zvatakaita kwaari?”
16 他们就打发人去见约瑟,说:“你父亲未死以先吩咐说:
Saka vakatuma shoko kwaari vakati, “Baba vako vakasiya varayira vasati vafa vachiti:
17 ‘你们要对约瑟这样说:从前你哥哥们恶待你,求你饶恕他们的过犯和罪恶。’如今求你饶恕你父亲 神之仆人的过犯。”他们对约瑟说这话,约瑟就哭了。
‘Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna Josefa: Ndinokumbira kuti ukanganwire madzikoma ako zvivi zvavo nezvitadzo zvavakaita pavakakuitira zvakaipa kwazvo. Zvino ndapota kanganwira hako zvivi zvavaranda vaMwari wababa vako.’” Pakasvika shoko ravo kwaari, Josefa akachema.
18 他的哥哥们又来俯伏在他面前,说:“我们是你的仆人。”
Ipapo madzikoma ake akauya akazviwisira pasi pamberi pake. Vakati, “Tiri varanda venyu.”
19 约瑟对他们说:“不要害怕,我岂能代替 神呢?
Asi Josefa akati kwavari, “Musatya. Ko, ini ndiri pachinzvimbo chaMwari here?
20 从前你们的意思是要害我,但 神的意思原是好的,要保全许多人的性命,成就今日的光景。
Imi makafunga kundiitira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuita zvakanaka kuti apedzise zviri kuitwa iye zvino, iko kuponeswa kwemweya mizhinji.
21 现在你们不要害怕,我必养活你们和你们的妇人孩子。”于是约瑟用亲爱的话安慰他们。
Naizvozvo zvino, musatya. Ndichakuriritirai imi navana venyu.” Akavasimbaradza uye akataura nounyoro kwavari.
22 约瑟和他父亲的眷属都住在埃及。约瑟活了一百一十岁。
Josefa akagara muIjipiti pamwe chete nemhuri yose yababa vake. Akararama kwamakore zana negumi,
23 约瑟得见以法莲第三代的子孙。玛拿西的孙子、玛吉的儿子也养在约瑟的膝上。
uye akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu. Uyewo vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaiswa pamakumbo aJosefa pavakaberekwa.
24 约瑟对他弟兄们说:“我要死了,但 神必定看顾你们,领你们从这地上去,到他起誓所应许给亚伯拉罕、以撒、雅各之地。”
Ipapo Josefa akati kumadzikoma ake, “Ini ndava kuzofa. Asi zvirokwazvo Mwari achakubatsirai nokukubudisai munyika muno achikuendesai kunyika yakavimbiswa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho.”
25 约瑟叫以色列的子孙起誓说:“神必定看顾你们;你们要把我的骸骨从这里搬上去。”
Uye Josefa akaita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko uye akati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva munzvimbo ino.”
26 约瑟死了,正一百一十岁。人用香料将他薰了,把他收殓在棺材里,停在埃及。
Saka Josefa akafa ava namakore zana negumi. Uye shure kwokumusasika, akaiswa mubhokisi muIjipiti.

< 创世记 50 >