< 创世记 25 >

1 亚伯拉罕又娶了一妻,名叫基土拉。
Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura.
2 基土拉给他生了心兰、约珊、米但、米甸、伊施巴,和书亚。
Akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua.
3 约珊生了示巴和底但。底但的子孙是亚书利族、利都是族,和利乌米族。
Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi.
4 米甸的儿子是以法、以弗、哈诺、亚比大,和以勒大。这都是基土拉的子孙。
Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura.
5 亚伯拉罕将一切所有的都给了以撒。
Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka.
6 亚伯拉罕把财物分给他庶出的众子,趁着自己还在世的时候打发他们离开他的儿子以撒,往东方去。
Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva.
7 亚伯拉罕一生的年日是一百七十五岁。
Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu.
8 亚伯拉罕寿高年迈,气绝而死,归到他列祖那里。
Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake.
9 他两个儿子以撒、以实玛利把他埋葬在麦比拉洞里。这洞在幔利前、赫人琐辖的儿子以弗 的田中,
Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti,
10 就是亚伯拉罕向赫人买的那块田。亚伯拉罕和他妻子撒拉都葬在那里。
munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara.
11 亚伯拉罕死了以后, 神赐福给他的儿子以撒。以撒靠近庇耳·拉海·莱居住。
Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi.
12 撒拉的使女埃及人夏甲给亚伯拉罕所生的儿子是以实玛利。
Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara.
13 以实玛利儿子们的名字,按着他们的家谱记在下面。以实玛利的长子是尼拜约,又有基达、亚德别、米比衫、
Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,
14 米施玛、度玛、玛撒、
Mishima, Dhuma, Masa,
15 哈大、提玛、伊突、拿非施、基底玛。
Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi naKedhema.
16 这是以实玛利众子的名字,照着他们的村庄、营寨,作了十二族的族长。
Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo.
17 以实玛利享寿一百三十七岁,气绝而死,归到他列祖那里。
Pamwe chete, Ishumaeri akararama makore zana namakumi matatu namakore manomwe. Akabudisa mweya wake akafa, akasanganiswa navanhu vake.
18 他子孙的住处在他众弟兄东边,从哈腓拉直到埃及前的书珥,正在亚述的道上。
Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo.
19 亚伯拉罕的儿子以撒的后代记在下面。亚伯拉罕生以撒。
Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka. Abhurahama akabereka Isaka,
20 以撒娶利百加为妻的时候正四十岁。利百加是巴旦·亚兰地的亚兰人彼土利的女儿,是亚兰人拉班的妹子。
uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu.
21 以撒因他妻子不生育,就为她祈求耶和华;耶和华应允他的祈求,他的妻子利百加就怀了孕。
Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba.
22 孩子们在她腹中彼此相争,她就说:“若是这样,我为什么活着呢?”她就去求问耶和华。
Vana vakanga vachisundana mukati make, iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha.
23 耶和华对她说: 两国在你腹内; 两族要从你身上出来。 这族必强于那族; 将来大的要服事小的。
Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.”
24 生产的日子到了,腹中果然是双子。
Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake.
25 先产的身体发红,浑身有毛,如同皮衣,他们就给他起名叫以扫。
Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau.
26 随后又生了以扫的兄弟,手抓住以扫的脚跟,因此给他起名叫雅各。利百加生下两个儿子的时候,以撒年正六十岁。
Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka.
27 两个孩子渐渐长大,以扫善于打猎,常在田野;雅各为人安静,常住在帐棚里。
Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende.
28 以撒爱以扫,因为常吃他的野味;利百加却爱雅各。
Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho.
29 有一天,雅各熬汤,以扫从田野回来累昏了。
Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara!
30 以扫对雅各说:“我累昏了,求你把这红汤给我喝。”因此以扫又叫以东。
Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu).
31 雅各说:“你今日把长子的名分卖给我吧。”
Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.”
32 以扫说:“我将要死,这长子的名分于我有什么益处呢?”
Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?”
33 雅各说:“你今日对我起誓吧。”以扫就对他起了誓,把长子的名分卖给雅各。
Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho.
34 于是雅各将饼和红豆汤给了以扫,以扫吃了喝了,便起来走了。这就是以扫轻看了他长子的名分。
Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda. Saka Esau akazvidza udangwe hwake.

< 创世记 25 >