< 创世记 17 >

1 亚伯兰年九十九岁的时候,耶和华向他显现,对他说:“我是全能的 神。你当在我面前作完全人,
Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama.
2 我就与你立约,使你的后裔极其繁多。”
Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.”
3 亚伯兰俯伏在地; 神又对他说:
Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari,
4 “我与你立约:你要作多国的父。
“Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji.
5 从此以后,你的名不再叫亚伯兰,要叫亚伯拉罕,因为我已立你作多国的父。
Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji.
6 我必使你的后裔极其繁多;国度从你而立,君王从你而出。
Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri.
7 我要与你并你世世代代的后裔坚立我的约,作永远的约,是要作你和你后裔的 神。
Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera.
8 我要将你现在寄居的地,就是迦南全地,赐给你和你的后裔永远为业,我也必作他们的 神。”
Nyika yose yeKenani, mauri mutorwa zvino, ndichaipa kwauri nokusingaperi kuti ive yako nezvizvarwa zvako zvinokutevera; uye ini ndichava Mwari wavo.”
9 神又对亚伯拉罕说:“你和你的后裔必世世代代遵守我的约。
Ipapo Mwari akati kuna Abhurahama, “Kana uriwe, unofanira kuchengeta sungano yangu, iwe nezvizvarwa zvako zvinokutevera kumarudzi achauya.
10 你们所有的男子都要受割礼;这就是我与你并你的后裔所立的约,是你们所当遵守的。
Iyi ndiyo sungano yangu newe nezvizvarwa zvako zvinokutevera, sungano yaunofanira kuchengeta: Munhurume wose ari pakati penyu anofanira kudzingiswa.
11 你们都要受割礼;这是我与你们立约的证据。
Munofanira kudzingiswa, uye ichi chichava chiratidzo chesungano pakati pangu newe.
12 你们世世代代的男子,无论是家里生的,是在你后裔之外用银子从外人买的,生下来第八日,都要受割礼。
Kubva kuzvizvarwa zvinotevera, mwanakomana mumwe nomumwe ari pakati penyu ava namazuva masere okuberekwa anofanira kudzingiswa, kusanganisa navaya vakaberekerwa mumba mako kana vakatengwa nemari kumutorwa, vaya vasiri vana vako.
13 你家里生的和你用银子买的,都必须受割礼。这样,我的约就立在你们肉体上作永远的约。
Angava akaberekerwa mumba mako kana akatengwa nemari yako, vanofanira kudzingiswa. Sungano yangu panyama yenyu inofanira kuva sungano isingaperi.
14 但不受割礼的男子必从民中剪除,因他背了我的约。”
Munhurume upi zvake, asina kudzingiswa panyama, achabviswa pavanhu vokwake; aputsa sungano yangu.”
15 神又对亚伯拉罕说:“你的妻子撒莱不可再叫撒莱,她的名要叫撒拉。
Mwari akatiwo kuna Abhurahama, “Kana ari Sarai mukadzi wako, hauchazomutizve Sarai; zita rake richanzi Sara.
16 我必赐福给她,也要使你从她得一个儿子。我要赐福给她,她也要作多国之母;必有百姓的君王从她而出。”
Ndichamuropafadza uye zvirokwazvo ndichakupa mwanakomana naye. Ndichamuropafadza kuitira kuti agozova mai vendudzi; madzimambo amarudzi achabva kwaari.”
17 亚伯拉罕就俯伏在地喜笑,心里说:“一百岁的人还能得孩子吗?撒拉已经九十岁了,还能生养吗?”
Abhurahama akawira pasi nechiso chake, akaseka uye akati mumwoyo make, “Ko, mwanakomana angaberekwa nomunhu ava namakore zana okuberekwa here? Ko, Sara angabereka mwana iye ava namakore makumi mapfumbamwe here?”
18 亚伯拉罕对 神说:“但愿以实玛利活在你面前。”
Uye Abhurahama akati kuna Mwari, “Dai hazvo Ishumaeri agara hake pamaropafadzo enyu!”
19 神说:“不然,你妻子撒拉要给你生一个儿子,你要给他起名叫以撒。我要与他坚定所立的约,作他后裔永远的约。
Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera.
20 至于以实玛利,我也应允你:我必赐福给他,使他昌盛,极其繁多。他必生十二个族长;我也要使他成为大国。
Uye kana ari Ishumaeri, ndakanzwa: Ndichamuropafadza zvirokwazvo, ndichamuita kuti ave navana vazhinji uye ndichaita kuti vawande kwazvo. Achava baba wavatongi gumi navaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.
21 到明年这时节,撒拉必给你生以撒,我要与他坚定所立的约。”
Asi ndichasimbisa sungano yangu naIsaka, uyo achaberekerwa iwe naSara nenguva ino gore rinouya.”
22 神和亚伯拉罕说完了话,就离开他上升去了。
Akati apedza kutaura naAbhurahama, Mwari akakwira kumusoro achibva paari.
23 正当那日,亚伯拉罕遵着 神的命,给他的儿子以实玛利和家里的一切男子,无论是在家里生的,是用银子买的,都行了割礼。
Pazuva racho iroro Abhurahama akatora mwanakomana wake Ishumaeri navose vakaberekwa mumba make kana vakanga vatengwa nemari, vanhurume vose vaiva mumba make, akavadzingisa, sezvaakanga audzwa naMwari.
24 亚伯拉罕受割礼的时候年九十九岁。
Abhurahama akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa paakadzingiswa,
25 他儿子以实玛利受割礼的时候年十三岁。
uye Ishumaeri mwanakomana wake akanga ava namakore gumi namatatu okuberekwa;
26 正当那日,亚伯拉罕和他儿子以实玛利一同受了割礼。
Abhurahama naIshumaeri mwanakomana wake vakadzingiswa vose zuva rimwe chete iroro.
27 家里所有的人,无论是在家里生的,是用银子从外人买的,也都一同受了割礼。
Uye munhurume wose aiva mumba maAbhurahama, kusanganisa vaya vakaberekerwa mumba make kana vakanga vatengwa kubva kuvatorwa, vakadzingiswa pamwe chete naye.

< 创世记 17 >