< 创世记 10 >
1 挪亚的儿子闪、含、雅弗的后代记在下面。洪水以后,他们都生了儿子。
Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu, Hamu naJafeti, vana vaNoa, avo vakaitawo vanakomana mushure mamafashamu.
2 雅弗的儿子是歌篾、玛各、玛代、雅完、土巴、米设、提拉。
Vanakomana vaJafeti vanoti: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Jubhari, Mesheki naTirasi.
Vanakomana vaGomeri vanoti: Ashikenazi, Rifati naTogarima.
Vanakomana vaJavhani vanoti: Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi.
5 这些人的后裔将各国的地土、海岛分开居住,各随各的方言、宗族立国。
(Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba dzavo pakati pendudzi dzavo, rudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.)
Vanakomana vaHamu vanoti: Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.
7 古实的儿子是西巴、哈腓拉、撒弗他、拉玛、撒弗提迦。拉玛的儿子是示巴、底但。
Vanakomana vaKushi vanoti: Sebha, Havhira, Sabhata, Rama naSabhiteka. Vanakomana vaRaama vanoti: Shebha naDhedhani.
Kushi akanga ari baba vaNimurodhi, uyo akanga ari murwi ane simba panyika.
9 他在耶和华面前是个英勇的猎户,所以俗语说:“像宁录在耶和华面前是个英勇的猎户。”
Akanga ari muvhimi mukuru pamberi paJehovha; ndokusaka zvichinzi, “SaNimirodhi, muvhimi mukuru pamberi paJehovha.”
10 他国的起头是巴别、以力、亚甲、甲尼,都在示拿地。
Maguta okutanga oumambo hwake akanga ari Bhabhironi, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari.
11 他从那地出来往亚述去,建造尼尼微、利河伯、迦拉,
Achibva munyika iyoyo akaenda kuAsiria, uko kwaakandovaka Ninevhe, Rehobhoti Iri, neKara
neReseni, riri pakati peNinevhe neKara; rinova ndiro guta guru.
13 麦西生路低人、亚拿米人、利哈比人、拿弗土希人、
Miziraimi akanga ari baba veava: vaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,
14 帕斯鲁细人、迦斯路希人、迦斐托人;从迦斐托出来的有非利士人。
vaPaturusi, vaKasiruhi (kunova ndiko kwakabva vaFiristia) navaKafitori.
Kenani akanga ari baba veava: Sidhoni dangwe rake, navaHiti,
vaJebhusi, vaAmori, vaGirigashi,
vaHivhi, vaAriki, vaSini,
18 亚瓦底人、洗玛利人、哈马人,后来迦南的诸族分散了。
vaAvhadhi, vaZemari navaHamati. (Shure kwaizvozvo dzimba dzavaKenani dzakapararira,
19 迦南的境界是从西顿向基拉耳的路上,直到迦萨,又向所多玛、蛾摩拉、押玛、洗扁的路上,直到拉沙。
uye miganhu yavaKenani yakasvika kuSidhoni yakananga kuGerari kusvikira kuGaza, uyezve yakananga kuSodhomu, Gomora, Adhima neZebhoimi, kusvikira kuRasha.)
20 这就是含的后裔,各随他们的宗族、方言,所住的地土、邦国。
Ava ndivo vanakomana vaHamu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.
21 雅弗的哥哥闪,是希伯子孙之祖,他也生了儿子。
Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri.
Vanakomana vaShemu vaiti: Eramu, Ashuri, Afakisadhi, Rudhi naAramu.
Vanakomana vaAramu vaiti: Uzi, Huri, Geteri naMesheki.
Afakisadhi akanga ari baba vaShera, uye Shera ari baba vaEbheri.
25 希伯生了两个儿子,一个名叫法勒,因为那时人就分地居住;法勒的兄弟名叫约坍。
Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri: Mumwe ainzi Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romununʼuna wake rainzi Jokitani.
Jokitani akanga ari baba veava vanoti: Arimodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera,
Hadhoramu, Uzari, Dhikira,
Obhari, Abhimaeri, Shebha,
Ofiri, Havhira naJobhabhi. Vose ava vakanga vari vanakomana vaJokitani.
(Dunhu ravaigara raibvira kuMesha rakananga kuSefari, kunyika yezvikomo yokumabvazuva.)
31 这就是闪的子孙,各随他们的宗族、方言,所住的地土、邦国。
Ava ndivo vanakomana vaShemu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.
32 这些都是挪亚三个儿子的宗族,各随他们的支派立国。洪水以后,他们在地上分为邦国。
Idzi ndidzo dzimba dzavanakomana vaNoa maererano nezvizvarwa zvavo, pakati pendudzi dzavo. Kubva kuna ava ndudzi dzakapararira pamusoro penyika shure kwamafashamu.