< 以西结书 18 >

1 耶和华的话又临到我说:
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “你们在以色列地怎么用这俗语说‘父亲吃了酸葡萄,儿子的牙酸倒了’呢?”
“Munoreveiko vanhu imi zvamunodzokorora tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti, “‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana akaita ugugu’?
3 主耶和华说:“我指着我的永生起誓,你们在以色列中,必不再有用这俗语的因由。
“Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazodzokororizve tsumo iyi muIsraeri.
4 看哪,世人都是属我的;为父的怎样属我,为子的也照样属我;犯罪的,他必死亡。
Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.
5 “人若是公义,且行正直与合理的事:
“Ngatiti pane munhu akarurama anoita zvinhu nokururamisira uye nokururama.
6 未曾在山上吃过祭偶像之物,未曾仰望以色列家的偶像,未曾玷污邻舍的妻,未曾在妇人的经期内亲近她,
Haadyiri pashongwe dzezvifananidzo mumakomo kana kutarira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haasvibisi mukadzi womuvakidzani wake, kana kuvata nomukadzi ari kumwedzi.
7 未曾亏负人,乃将欠债之人的当头还给他;未曾抢夺人的物件,却将食物给饥饿的人吃,将衣服给赤身的人穿;
Haamanikidzi mumwe munhu, asi anodzorera rubatso rwaakatora pachikwereti. Haaiti zvougororo, asi anopa zvokudya zvake kune vane nzara uye anopfekedza vakashama.
8 未曾向借钱的弟兄取利,也未曾向借粮的弟兄多要,缩手不作罪孽,在两人之间,按至理判断;
Haarevi chimbadzo paanokweretesa kana kutora mhindu yakakurisa. Anodzivisa ruoko rwake kuita zvakaipa, uye anotonga zvakarurama pakati pomunhu nomunhu.
9 遵行我的律例,谨守我的典章,按诚实行事—这人是公义的,必定存活。这是主耶和华说的。
Anotevera mitemo yangu, uye akatendeka pakuchengeta mirayiro yangu. Munhu uyo akarurama; zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
10 “他若生一个儿子,作强盗,是流人血的,不行以上所说之善,反行其中之恶,乃在山上吃过祭偶像之物,并玷污邻舍的妻,
“Ngatiti ane mwanakomana anoita zvechisimba, anoteura ropa kana chimwe chezvinhu izvi
(kunyange baba vake vasina kumboita chimwe chazvo): “Anodya pashongwe dzezvifananidzo mumakomo. Anochinya mukadzi womuvakidzani wake.
12 亏负困苦和穷乏的人,抢夺人的物,未曾将当头还给人,仰望偶像,并行可憎的事,
Anomanikidza varombo navanoshayiwa. Anoita zvougororo. Haadzoreri zvaakakwereta. Anotarisira kuzvifananidzo. Anoita zvinonyangadza.
13 向借钱的弟兄取利,向借粮的弟兄多要—这人岂能存活呢?他必不能存活。他行这一切可憎的事,必要死亡,他的罪必归到他身上。
Anokweretesa achireva chimbadzo uye anotora mhindu yakakura. Munhu akadaro achararama here? Kwete, haangararami! Nokuda kwokuti akaita zvinhu izvi zvinonyangadza, achafa, zvirokwazvo, uye ropa rake richava pamusoro pake.
14 “他若生一个儿子,见父亲所犯的一切罪便惧怕,不照样去做;
“Asi ngatimboti, mwanakomana uyu ane mwanakomana anoona zvivi zvose zvinoitwa nababa vake, uye kunyange achivaona, haaiti zvinhu zvakadai:
15 未曾在山上吃过祭偶像之物,未曾仰望以色列家的偶像,未曾玷污邻舍的妻,
“Haadyi pashongwe dzamakomo kana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake.
16 未曾亏负人,未曾取人的当头,未曾抢夺人的物件,却将食物给饥饿的人吃,将衣服给赤身的人穿,
Haamanikidzi munhu upi zvake kana kureva rubatso pachikwereti. Haaiti ugororo, asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara, uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko.
17 缩手不害贫穷人,未曾向借钱的弟兄取利,也未曾向借粮的弟兄多要;他顺从我的典章,遵行我的律例,就不因父亲的罪孽死亡,定要存活。
Anodzivisa ruoko rwake kutadza uye haarevi chimbadzo kana mhindu yakakura. Anochengeta mirayiro yangu nokutevera mitemo yangu. Haangafi nokuda kwechivi chababa vake; zvirokwazvo achararama.
18 至于他父亲;因为欺人太甚,抢夺弟兄,在本国的民中行不善,他必因自己的罪孽死亡。
Asi baba vake vachafa nokuda kwechivi chavo, nokuti vaiita zvinhu nokumanikidza, vakapamba mununʼuna wavo uye vakaita zvakaipa pakati pavanhu vavo.
19 “你们还说:‘儿子为何不担当父亲的罪孽呢?’儿子行正直与合理的事,谨守遵行我的一切律例,他必定存活。
“Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo.
20 惟有犯罪的,他必死亡。儿子必不担当父亲的罪孽,父亲也不担当儿子的罪孽。义人的善果必归自己,恶人的恶报也必归自己。
Mweya unotadza ndiwo uchafa. Mwanakomana haangagovani nababa vake pamhosva yavo, uye baba havangagovani mhosva yavo nomwanakomana. Kururama kwowakarurama kuchava pamusoro pake, uye kuipa kwowakaipa kuchava pamusoro powakaipa.
21 “恶人若回头离开所做的一切罪恶,谨守我一切的律例,行正直与合理的事,他必定存活,不致死亡。
“Asi kana akaipa akatendeuka kubva pazvivi zvaakaita uye akachengeta mitemo yangu, akaita nokururamisira uye nokururama, zvirokwazvo achararama; haangafi zvirokwazvo.
22 他所犯的一切罪过都不被记念,因所行的义,他必存活。
Kudarika kwake kwose kwaakaita hakungarangarirwi. Nokuda kwezvinhu zvakarurama zvaakaita, iye achararama.
23 主耶和华说:恶人死亡,岂是我喜悦的吗?不是喜悦他回头离开所行的道存活吗?
Ko, ndingafarira rufu rwowakaipa here? Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Asi handifari here pavanotendeuka kubva panzira dzavo kuti vararame?
24 义人若转离义行而作罪孽,照着恶人所行一切可憎的事而行,他岂能存活吗?他所行的一切义都不被记念;他必因所犯的罪、所行的恶死亡。
“Asi kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake akaita chivi uye akaitawo zvinonyangadza zvinoitwa nomunhu akaipa, angararama here? Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi. Nokuda kwemhosva yokusatendeuka kwaanako uye nokuda kwezvivi zvaakaita, iye achafa zvirokwazvo.
25 “你们还说:‘主的道不公平!’以色列家啊,你们当听,我的道岂不公平吗?你们的道岂不是不公平吗?
“Asi munoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Haiwa imi imba yaIsraeri: Nzira yangu haina kururama here? Ko, hadzisi nzira dzenyu imi dzisakarurama here?
26 义人若转离义行而作罪孽死亡,他是因所作的罪孽死亡。
Kana munhu akarurama akatsauka akaita chivi, achafa nokuda kwechivi chake; nokuda kwechivi chaakaita achafa.
27 再者,恶人若回头离开所行的恶,行正直与合理的事,他必将性命救活了。
Asi kana munhu akaipa akadzoka pane zvakaipa zvake zvaakaita akaita zvakarurama nokururamisira, achaponesa mweya wake.
28 因为他思量,回头离开所犯的一切罪过,必定存活,不致死亡。
Nokuti anorangarira kudarika kwake kwose kwaakaita uye anotendeuka kubva panzira dzake, zvirokwazvo achararama; haangafi.
29 以色列家还说:‘主的道不公平!’以色列家啊,我的道岂不公平吗?你们的道岂不是不公平吗?”
Asi imba yaIsraeri inoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Nzira dzangu hadzina kururama here, imi imba yaIsraeri? Ko, hadzisi nzira dzenyu dzisakarurama here?
30 所以主耶和华说:“以色列家啊,我必按你们各人所行的审判你们。你们当回头离开所犯的一切罪过。这样,罪孽必不使你们败亡。
“Naizvozvo, imi imba yaIsraeri, ndichakutongai, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai! Dzokai pakudarika kwenyu kwose; ipapo chivi hachingakuwisirei pasi.
31 你们要将所犯的一切罪过尽行抛弃,自做一个新心和新灵。以色列家啊,你们何必死亡呢?
Rasai kudarika kwenyu kwamakaita, mufuke mwoyo mutsva nomweya mutsva. Ko, muchafirei, imi imba yaIsraeri?
32 主耶和华说:我不喜悦那死人之死,所以你们当回头而存活。”
Nokuti handifariri rufu rwomunhu upi zvake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai murarame!

< 以西结书 18 >