< 出埃及记 37 >

1 比撒列用皂荚木做柜,长二肘半,宽一肘半,高一肘半。
Bhezareri akaita areka yamatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri nehafu, kubhiti rimwe nehafu paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.
2 里外包上精金,四围镶上金牙边,
Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza.
3 又铸四个金环,安在柜的四脚上:这边两环,那边两环。
Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi.
4 用皂荚木做两根杠,用金包裹。
Ipapo akaita mapango omuti womuunga uye akaafukidza negoridhe.
5 把杠穿在柜旁的环内,以便抬柜。
Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo.
6 用精金做施恩座,长二肘半,宽一肘半。
Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu pakureba uye kubhiti rimwe chete nehafu paupamhi.
7 用金子锤出两个基路伯来,安在施恩座的两头,
Ipapo akaita makerubhi maviri negoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro.
8 这头做一个基路伯,那头做一个基路伯,二基路伯接连一块,在施恩座的两头。
Akaita kerubhi rimwe chete kurutivi rumwe chete rwokumucheto uye kerubhi rechipiri kuno rumwezve rutivi, mativi okumucheto ari maviri akaaita chinhu chimwe chete nechifunhiro.
9 二基路伯高张翅膀,遮掩施恩座;基路伯是脸对脸,朝着施恩座。
Mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro.
10 他用皂荚木做一张桌子,长二肘,宽一肘,高一肘半,
Vakagadzira tafura namatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri, uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.
11 又包上精金,四围镶上金牙边。
Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza.
12 桌子的四围各做一掌宽的横梁,横梁上镶着金牙边,
Vakaiitirawo mukombero wakaipoteredza une upamhi hwakaita sechanza choruoko ndokuisa hata yegoridhe pamukombero.
13 又铸了四个金环,安在桌子四脚的四角上。
Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo.
14 安环子的地方是挨近横梁,可以穿杠抬桌子。
Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura.
15 他用皂荚木做两根杠,用金包裹,以便抬桌子;
Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuunga uye akanga akafukidzwa negoridhe.
16 又用精金做桌子上的器皿,就是盘子、调羹,并奠酒的瓶和爵。
Uye vakaita nhumbi dzetafura negoridhe rakaisvonaka, ndiro dzayo, madhishi nemikombe uye nezvirongo zvayo zvokudururira zvipiriso zvinonwiwa.
17 他用精金做一个灯台;这灯台的座和干,与杯、球、花,都是接连一块锤出来的。
Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaripambadzira, chigadziko nerwiriko; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho.
18 灯台两旁杈出六个枝子:这旁三个,那旁三个。
Mapazi matanhatu akaiswa kubva kumativi echigadziko chomwenje, matatu kurutivi rumwe chete uye mamwe matatu kuno rumwe rutivi.
19 这旁每枝上有三个杯,形状像杏花,有球有花;那旁每枝上也有三个杯,形状像杏花,有球有花。从灯台杈出来的六个枝子都是如此。
Mikombe mitatu yakanga yakaumbwa seruva remuarimondi namabukira namaruva makuru zvakanga zviri pane rimwe davi, matatu padavi raitevera uye zvakanga zvakaita saizvozvo pamatavi ose ari matanhatu aibva pachigadziko chomwenje.
20 灯台上有四个杯,形状像杏花,有球有花。
Uye pamusoro pechigadziko chomwenje paiva nemikombe mina yakanga yakaumbwa seruva romuarimondi namabukira uye namaruva makuru.
21 灯台每两个枝子以下有球,与枝子接连一块;灯台杈出的六个枝子都是如此。
Bukira rimwe chete rakanga riri pasi pamatavi maviri okutanga aibva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri rakanga riri pasi pamatavi maviri aitevera, uye bukira rechitatu rakanga riri pasi pamatavi mamwezve maviri, ose ari matanhatu pamwe chete.
22 球和枝子是接连一块,都是一块精金锤出来的。
Mabukira namatavi zvaiva chinhu chimwe chete nechigadziko chomwenje, chegoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.
23 用精金做灯台的七个灯盏,并灯台的蜡剪和蜡花盘。
Vakaita mwenje yacho minomwe, pamwe chete nembato dzacho uye nendiro dzacho, dzegoridhe rakaisvonaka.
24 他用精金一他连得做灯台和灯台的一切器具。
Vakaita chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose kubva patarenda rimwe chete regoridhe rakaisvonaka.
25 他用皂荚木做香坛,是四方的,长一肘,宽一肘,高二肘,坛的四角与坛接连一块;
Vakaita aritari yezvinonhuhwira namatanda omuunga. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti maviri pakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo.
26 又用精金把坛的上面与坛的四面并坛的四角包裹,又在坛的四围镶上金牙边。
Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza.
27 做两个金环,安在牙子边以下,在坛的两旁、两根横撑上,作为穿杠的用处,以便抬坛。
Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura.
28 用皂荚木做杠,用金包裹。
Vakagadzira mapango omuti womuunga uye vakaafukidza negoridhe.
29 又按做香之法做圣膏油和馨香料的净香。
Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira.

< 出埃及记 37 >