< 出埃及记 21 >

1 “你在百姓面前所要立的典章是这样:
“Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo:
2 你若买希伯来人作奴仆,他必服事你六年;第七年他可以自由,白白地出去。
“Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa.
3 他若孤身来就可以孤身去;他若有妻,他的妻就可以同他出去。
Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake.
4 他主人若给他妻子,妻子给他生了儿子或女儿,妻子和儿女要归主人,他要独自出去。
Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake.
5 倘或奴仆明说:‘我爱我的主人和我的妻子儿女,不愿意自由出去。’
“Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu, mukadzi wangu navana vangu asi handisi kuda kusunungurwa,’
6 他的主人就要带他到审判官那里,又要带他到门前,靠近门框,用锥子穿他的耳朵,他就永远服事主人。
ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomuboora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose.
7 “人若卖女儿作婢女,婢女不可像男仆那样出去。
“Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave murandakadzi, iyeye haafaniri kusunungurwa kuti aende sezvinoita varandarume.
8 主人选定她归自己,若不喜欢她,就要许她赎身;主人既然用诡诈待她,就没有权柄卖给外邦人。
Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye.
9 主人若选定她给自己的儿子,就当待她如同女儿。
Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana.
10 若另娶一个,那女子的吃食、衣服,并好合的事,仍不可减少。
Kana akawana mumwe mukadzi, haafaniri kunyima mukadzi wokutanga zvokudya, nguo kana kodzero dzake dzokuwanikwa.
11 若不向她行这三样,她就可以不用钱赎,白白地出去。”
Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa.
12 “打人以致打死的,必要把他治死。
“Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa.
13 人若不是埋伏着杀人,乃是 神交在他手中,我就设下一个地方,他可以往那里逃跑。
Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura.
14 人若任意用诡计杀了他的邻舍,就是逃到我的坛那里,也当捉去把他治死。
Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye.
15 “打父母的,必要把他治死。
“Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.
16 “拐带人口,或是把人卖了,或是留在他手下,必要把他治死。
“Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa.
17 “咒骂父母的,必要把他治死。
“Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.
18 “人若彼此相争,这个用石头或是拳头打那个,尚且不至于死,不过躺卧在床,
“Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo,
19 若再能起来扶杖而出,那打他的可算无罪;但要将他耽误的工夫用钱赔补,并要将他全然医好。
munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafamba-famba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose.
20 “人若用棍子打奴仆或婢女,立时死在他的手下,他必要受刑。
“Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa,
21 若过一两天才死,就可以不受刑,因为是用钱买的。
asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake.
22 “人若彼此争斗,伤害有孕的妇人,甚至坠胎,随后却无别害,那伤害她的,总要按妇人的丈夫所要的,照审判官所断的,受罚。
“Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva.
23 若有别害,就要以命偿命,
Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu,
24 以眼还眼,以牙还牙,以手还手,以脚还脚,
ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka,
25 以烙还烙,以伤还伤,以打还打。
kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga.
26 “人若打坏了他奴仆或是婢女的一只眼,就要因他的眼放他去得以自由。
“Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake.
27 若打掉了他奴仆或是婢女的一个牙,就要因他的牙放他去得以自由。”
Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake.
28 “牛若触死男人或是女人,总要用石头打死那牛,却不可吃它的肉;牛的主人可算无罪。
“Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namabwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa.
29 倘若那牛素来是触人的,有人报告了牛主,他竟不把牛拴着,以致把男人或是女人触死,就要用石头打死那牛,牛主也必治死。
Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa.
30 若罚他赎命的价银,他必照所罚的赎他的命。
Kunyange zvakadaro hazvo, kana pachidikanwa muripo unobva kwaari angadzikinura hake upenyu hwake nokuripa zvose zvazvo zvinodikanwa.
31 牛无论触了人的儿子或是女儿,必照这例办理。
Murayiro uyu unobatawo kana hando iyi yatunga mwanakomana kana mwanasikana.
32 牛若触了奴仆或是婢女,必将银子三十舍客勒给他们的主人,也要用石头把牛打死。
Kana hando ikatunga murandarume kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripa mashekeri esirivha makumi matatu kuna tenzi womuranda, uye hando inofanira kutakwa namabwe.
33 “人若敞着井口,或挖井不遮盖,有牛或驴掉在里头,
“Kana munhu akafukunura gomba kana kuchera rimwe gomba uye akarega kurifushira uye nzombe kana mbongoro ikawira mariri,
34 井主要拿钱赔还本主人,死牲畜要归自己。
muridzi wegomba anofanira kuripa kurasikirwa uku; anofanira kuripira muridzi wayo, uye chipfuwo chafa chichava chake.
35 “这人的牛若伤了那人的牛,以至于死,他们要卖了活牛,平分价值,也要平分死牛。
“Kana hando yomumwe munhu ikakuvadza hando yomumwe uye ikafa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho vagogovana zvakaenzana mari yacho vari vaviri, uye nemombe yakafawo.
36 人若知道这牛素来是触人的,主人竟不把牛拴着,他必要以牛还牛,死牛要归自己。”
Kunyange zvakadaro, kana zvakanga zvichizivikanwa kuti hando iyi yagara ine tsika yokutunga, asi muridzi akasaipfigira mudanga, muridzi anofanira kuripa chipfuwo nechipfuwo, uye chipfuwo chafa chichava chake.

< 出埃及记 21 >