< 传道书 1 >

1 在耶路撒冷作王、大卫的儿子、传道者的言语。
Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:
2 传道者说:虚空的虚空, 虚空的虚空,凡事都是虚空。
Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.”
3 人一切的劳碌, 就是他在日光之下的劳碌,有什么益处呢?
Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva?
4 一代过去,一代又来, 地却永远长存。
Zvizvarwa zvinouya uye zvizvarwa zvinoenda, asi nyika inogara nokusingaperi.
5 日头出来,日头落下, 急归所出之地。
Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.
6 风往南刮,又向北转, 不住地旋转,而且返回转行原道。
Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi, yozodzokera kumusoro; inotenderera nokutenderera ichingodzokerazve pagwara rayo.
7 江河都往海里流,海却不满; 江河从何处流,仍归还何处。
Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari. Kunzvimbo kwadzinobva nzizi, ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.
8 万事令人厌烦, 人不能说尽。 眼看,看不饱; 耳听,听不足。
Zvinhu zvose zvinonetesa, zvisina ani angazvitaura. Ziso hariguti kuona, uye nzeve haizari nokunzwa.
9 已有的事后必再有; 已行的事后必再行。 日光之下并无新事。
Chakanga chiripo, chichazovapozve, chakamboitwa chichaitwazve; hapana chitsva pasi pezuva.
10 岂有一件事人能指着说这是新的? 哪知,在我们以前的世代早已有了。
Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu, “Tarira! Chinhu ichi chitsva?” Chakanga chichingovapo, kare kare; chakanga chiripo isu tisati tavapo.
11 已过的世代,无人记念; 将来的世代,后来的人也不记念。
Vanhu vakare havacharangarirwi; uye kunyange vanovatevera, havachazorangarirwi nevanozotevera.
12 我传道者在耶路撒冷作过以色列的王。
Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema.
13 我专心用智慧寻求、查究天下所做的一切事,乃知 神叫世人所经练的是极重的劳苦。
Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.
14 我见日光之下所做的一切事,都是虚空,都是捕风。
Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.
15 弯曲的,不能变直; 缺少的,不能足数。
Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi.
16 我心里议论说:我得了大智慧,胜过我以前在耶路撒冷的众人,而且我心中多经历智慧和知识的事。
Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.”
17 我又专心察明智慧、狂妄,和愚昧,乃知这也是捕风。
Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.
18 因为多有智慧,就多有愁烦; 加增知识的,就加增忧伤。
Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.

< 传道书 1 >