< 申命记 7 >

1 “耶和华—你 神领你进入要得为业之地,从你面前赶出许多国民,就是赫人、革迦撒人、亚摩利人、迦南人、比利洗人、希未人、耶布斯人,共七国的民,都比你强大。
Zvino kana Jehovha Mwari wenyu akusvitsai munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu akadzinga ndudzi zhinji pamberi penyu dzinoti: vaHiti, vaGirigashi, vaAmori, vaKenani vaPerizi, vaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzakakura uye dzakasimba kukupfuurai,
2 耶和华—你 神将他们交给你击杀,那时你要把他们灭绝净尽,不可与他们立约,也不可怜恤他们。
uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanira kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi.
3 不可与他们结亲。不可将你的女儿嫁他们的儿子,也不可叫你的儿子娶他们的女儿;
Musaroorerana navo. Musapa vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kutorera vanakomana venyu vanasikana vavo,
4 因为他必使你儿子转离不跟从主,去事奉别神,以致耶和华的怒气向你们发作,就速速地将你们灭绝。
nokuti vachatsausa vanakomana venyu kubva pakunditevera kuti vashumire vamwe vamwari, uye kutsamwa kwaJehovha kuchapisa pamusoro penyu uye achakuparadzai nokukurumidza.
5 你们却要这样待他们:拆毁他们的祭坛,打碎他们的柱像,砍下他们的木偶,用火焚烧他们雕刻的偶像。
Izvi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Putsai aritari dzavo, pwanyai matombo avo anoera, temai mapango avo aAshera mugopisa zvifananidzo zvavo.
6 因为你归耶和华—你 神为圣洁的民;耶和华—你 神从地上的万民中拣选你,特作自己的子民。
Nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, Jehovha Mwari wenyu akakutsaurai kubva kundudzi dzose dziri panyika kuti muve vanhu vake, pfuma yake inokosha.
7 “耶和华专爱你们,拣选你们,并非因你们的人数多于别民,原来你们的人数在万民中是最少的。
Jehovha haana kukudai kana kukutsaurai nokuti makanga makawanda kupfuura dzimwe ndudzi nokuti imi makanga muri vashoma kwazvo pandudzi dzose.
8 只因耶和华爱你们,又因要守他向你们列祖所起的誓,就用大能的手领你们出来,从为奴之家救赎你们脱离埃及王法老的手。
Asi nokuda kwokuti Jehovha anokudai uye akachengeta mhiko yaakaita kumadzitateguru enyu nokuda kwaizvozvo akakubudisai noruoko rune simba uye akakudzikinurai kubva munyika youranda, kubva pasimba raFaro mambo weIjipiti.
9 所以,你要知道耶和华—你的 神,他是 神,是信实的 神;向爱他、守他诫命的人守约,施慈爱,直到千代;
Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari; iye ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna avo vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake.
10 向恨他的人当面报应他们,将他们灭绝。凡恨他的人必报应他们,决不迟延。
Asi vaya vanomuvenga achatsiva pamberi pavo nokuparadza; haachazononoki kutsiva pamberi pavo ivo vaya vanomuvenga.
11 所以,你要谨守遵行我今日所吩咐你的诫命、律例、典章。”
Naizvozvo, chenjerai kuti mutevere zvakarayirwa, mitemo nemirayiro yandinokupai nhasi.
12 “你们果然听从这些典章,谨守遵行,耶和华—你 神就必照他向你列祖所起的誓守约,施慈爱。
Kana mukanyatsoteerera mirayiro iyi uye mukachenjerera kuti muitevere, ipapo Jehovha Mwari wenyu achachengeta sungano yake yorudo nemi, sezvaakapika kumadzitateguru enyu.
13 他必爱你,赐福与你,使你人数增多,也必在他向你列祖起誓应许给你的地上赐福与你身所生的,地所产的,并你的五谷、新酒,和油,以及牛犊、羊羔。
Achakudai uye achakuropafadzai uye achakuwedzerai uwandu hwenyu. Acharopafadza zvibereko zvomuviri wako, zvirimwa zvomunda wako, zviyo zvako, waini itsva namafuta, mhuru dzemombe uye makwayana amapoka ako munyika iyo yaakapikira madzitateguru enyu, kuti achakupai.
14 你必蒙福胜过万民;你们的男女没有不能生养的,牲畜也没有不能生育的。
Mucharopafadzwa kupfuura mamwe marudzi ose, hapangavi nomurume kana mukadzi asingabereki, kana chipfuwo chipi zvacho chisingabereki.
15 耶和华必使一切的病症离开你;你所知道埃及各样的恶疾,他不加在你身上,只加在一切恨你的人身上。
Jehovha achakuchengetedzai kubva pahosha dzose. Haangaisi pamusoro penyu hosha dzakaipisa dzamaiziva muIjipiti, asi achadziisa pamusoro paavo vose vanokuvengai.
16 耶和华—你 神所要交给你的一切人民,你要将他们除灭;你眼不可顾惜他们。你也不可事奉他们的神,因这必成为你的网罗。
Munofanira kuparadza marudzi ose akaiswa mumaoko enyu naJehovha Mwari wenyu. Musavanzwira tsitsi uye musashumira vamwari vavo nokuti izvozvo zvichava musungo kwamuri.
17 “你若心里说,这些国的民比我更多,我怎能赶出他们呢?
Mungati mumwoyo menyu, “Ndudzi idzi dzakasimba kutipfuura. Tingadzidzinga seiko?”
18 你不要惧怕他们,要牢牢记念耶和华—你 神向法老和埃及全地所行的事,
Hamufaniri kuvatya; nyatsorangarirai zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kuna Faro neIjipiti yose.
19 就是你亲眼所看见的大试验、神迹、奇事,和大能的手,并伸出来的膀臂,都是耶和华—你 神领你出来所用的。耶和华—你 神必照样待你所惧怕的一切人民。
Makazviona nameso enyu matambudziko makuru, zviratidzo nezvishamiso, ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa urwo Jehovha Mwari wenyu akakubudisai narwo. Jehovha Mwari wenyu achaita zvimwe chetezvo kumarudzi aya ose amava kutya zvino.
20 并且耶和华—你 神必打发黄蜂飞到他们中间,直到那剩下而藏躲的人从你面前灭亡。
Pamusoro pezvo Jehovha Mwari achatumira mago pakati pavo kusvikira kunyange nevachasara vari vapenyu vakavanda kubva kwamuri vaparadzwa.
21 你不要因他们惊恐,因为耶和华—你 神在你们中间是大而可畏的 神。
Musatyiswa navo, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ari pakati penyu ndiMwari mukuru anotyisa.
22 耶和华—你 神必将这些国的民从你面前渐渐赶出;你不可把他们速速灭尽,恐怕野地的兽多起来害你。
Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi kubva pamberi penyu, zvishoma nezvishoma. Hamungatenderwi kuvaparadza vose kamwe chete, kuti zvikara zvesango zvirege kuwanda munzvimbo dzakakupoteredzai.
23 耶和华—你 神必将他们交给你,大大地扰乱他们,直到他们灭绝了;
Asi Jehovha Mwari wenyu achavapa kwamuri, achivakanganisa zvikuru kusvikira vaparadzwa.
24 又要将他们的君王交在你手中,你就使他们的名从天下消灭。必无一人能在你面前站立得住,直到你将他们灭绝了。
Achaisa madzimambo avo muruoko rwenyu, uye achabvisa mazita avo pasi pedenga. Hapana achagona kumira pamberi penyu; muchavaparadza.
25 他们雕刻的神像,你们要用火焚烧;其上的金银,你不可贪图,也不可收取,免得你因此陷入网罗;这原是耶和华—你 神所憎恶的。
Zvifananidzo zvavamwari vavo munofanira kuzvipisa. Musachiva sirivha kana negoridhe riri pazviri, uye musaritora kuti rive renyu, nokuti ringava musungo kwamuri, nokuti rinonyangadza kuna Jehovha Mwari wenyu.
26 可憎的物,你不可带进家去;不然,你就成了当毁灭的,与那物一样。你要十分厌恶,十分憎嫌,因为这是当毁灭的物。”
Usauyisa chinhu chinonyangadza mumba mako, kuti iwe, saicho, urege kutsaurirwa kuparadzwa. Chiseme kwazvo ugochivenga, nokuti chinhu chakatsaurirwa kuparadzwa.

< 申命记 7 >