< 申命记 26 >

1 “你进去得了耶和华—你 神所赐你为业之地居住,
Kana uchinge wapinda munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka uye kana uchinge waitora wava kugara mairi,
2 就要从耶和华—你 神赐你的地上将所收的各种初熟的土产取些来,盛在筐子里,往耶和华—你 神所选择要立为他名的居所去,
utore zvimwe zvezvibereko zvose zvokutanga zvauchakohwa kubva pavhu renyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako ugozviisa mudengu. Ipapo ugoenda kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wako achasarudza kuti Zita rake rigarepo,
3 见当时作祭司的,对他说:‘我今日向耶和华—你 神明认,我已来到耶和华向我们列祖起誓应许赐给我们的地。’
uye ugoti kumuprista ari kushumira panguva iyoyo, “Ndinozvireva nhasi pamberi paJehovha Mwari wako kuti ndasvika munyika yakapikirwa madzitateguru edu naJehovha kuti achatipa.”
4 祭司就从你手里取过筐子来,放在耶和华—你 神的坛前。
Muprista anofanira kutora dengu kubva mumaoko ako agoriisa pasi pamberi pearitari yaJehovha Mwari wake.
5 你要在耶和华—你 神面前说:‘我祖原是一个将亡的亚兰人,下到埃及寄居。他人口稀少,在那里却成了又大又强、人数很多的国民。
Ipapo uchataura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, “Baba vangu vakanga vari muAramu mufambi, vakadzika vakaenda kuIjipiti navanhu vashoma uye vakagarako vakazova rudzi rukuru, rune simba uye runa vanhu vazhinji.
6 埃及人恶待我们,苦害我们,将苦工加在我们身上。
Asi vaIjipita vakatiitira zvakaipa, vakatitambudza, vachitibatisa basa rinorema.
7 于是我们哀求耶和华—我们列祖的 神,耶和华听见我们的声音,看见我们所受的困苦、劳碌、欺压,
Ipapo takadana kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba edu, uye Jehovha akanzwa inzwi redu akaona kutambudzika kwedu, kushandiswa nokumanikidzwa kwedu.
8 他就用大能的手和伸出来的膀臂,并大可畏的事与神迹奇事,领我们出了埃及,
Saka Jehovha akatibudisa muIjipiti nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo uye nezvishamiso.
9 将我们领进这地方,把这流奶与蜜之地赐给我们。
Akatiuyisa panzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi.
10 耶和华啊,现在我把你所赐给我地上初熟的土产奉了来。’随后你要把筐子放在耶和华—你 神面前,向耶和华—你的 神下拜。
Zvino ndauya nezvibereko zvokutanga zvevhu ramakandipa imi, iyemi Jehovha.” Uise dengu pamberi paJehovha Mwari wako uye ugopfugama pamberi pake.
11 你和利未人,并在你们中间寄居的,要因耶和华—你 神所赐你和你家的一切福分欢乐。
Uye iwe navaRevhi, navatorwa vari pakati penyu muchafara mune zvose zvakanaka zvawakaitirwa naJehovha Mwari wako, iwe nemhuri yako.
12 “每逢三年,就是十分取一之年,你取完了一切土产的十分之一,要分给利未人和寄居的,与孤儿寡妇,使他们在你城中可以吃得饱足。
Kana uchinge wapedza kutsaura chegumi chezvose zvawakawana mugore rechitatu, gore rechegumi, uchachipa kuvaRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, kuitira kuti vagodya vachiguta mumaguta enyu.
13 你又要在耶和华—你 神面前说:‘我已将圣物从我家里拿出来,给了利未人和寄居的,与孤儿寡妇,是照你所吩咐我的一切命令。你的命令我都没有违背,也没有忘记。
Ipapo ugoti kuna Jehovha Mwari wako, “Ndabvisa mugove mutsvene paimba yangu uye ndaupa kumuRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, maererano nezvose zvamakarayira. Handina kutsauka kubva pamirayiro yenyu kana kukanganwa kunyange mumwe chete zvawo.
14 我守丧的时候,没有吃这圣物;不洁净的时候,也没有拿出来,又没有为死人送去。我听从了耶和华—我 神的话,都照你所吩咐的行了。
Handina kudya kana chikamu zvacho chomugove mutsvene panguva yandaiva pakuchema, kana kubvisa chikamu chawo panguva yandaiva ndisina kunatswa, kana kupa chikamu chawo kuvakafa. Ndakateerera Jehovha Mwari wangu; ndaita zvose zvamakandirayira.
15 求你从天上、你的圣所垂看,赐福给你的百姓以色列与你所赐给我们的地,就是你向我们列祖起誓赐我们流奶与蜜之地。’”
Tarirai muri kudenga, panzvimbo yougaro hwenyu tsvene, mugoropafadza vanhu venyu Israeri uye nenyika yamakatipa sezvamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.”
16 “耶和华—你的 神今日吩咐你行这些律例典章,所以你要尽心尽性谨守遵行。
Jehovha Mwari wenyu anokurayirai nhasi kuti muteerere mitemo nemirayiro iyi; muchenjerere kuichengeta nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
17 你今日认耶和华为你的 神,应许遵行他的道,谨守他的律例、诫命、典章,听从他的话。
Mareva nhasi kuti Jehovha ndiye Mwari wenyu uye kuti muchafamba munzira dzake, uye kuti muchamuteerera.
18 耶和华今日照他所应许你的,也认你为他的子民,使你谨守他的一切诫命,
Uye Jehovha azvireva nhasi kuti imi muri vanhu vake, pfuma yake inokosha sezvaakavimbisa, uye kuti imi muchachengeta mirayiro yake.
19 又使你得称赞、美名、尊荣,超乎他所造的万民之上,并照他所应许的使你归耶和华—你 神为圣洁的民。”
Ati achakukurisai kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita pakurumbidzwa, napamukurumbira napakukudzwa kuti muve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, sezvaakavimbisa.

< 申命记 26 >