< 撒母耳记下 5 >

1 以色列众支派来到希伯 见大卫,说:“我们原是你的骨肉。
Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu.
2 从前扫罗作我们王的时候,率领以色列人出入的是你;耶和华也曾应许你说:‘你必牧养我的民以色列,作以色列的君。’”
Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Uye Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, ugova mutongi wavo.’”
3 于是以色列的长老都来到希伯 见大卫王,大卫在希伯 耶和华面前与他们立约,他们就膏大卫作以色列的王。
Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri.
4 大卫登基的时候年三十岁,在位四十年;
Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga kwamakore makumi mana.
5 在希伯 作犹大王七年零六个月,在耶路撒冷作以色列和犹大王三十三年。
MuHebhuroni akatonga Judha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu, uye muJerusarema akatonga Israeri yose neJudha kwamakore makumi matatu namatatu.
6 大卫和跟随他的人到了耶路撒冷,要攻打住那地方的耶布斯人。耶布斯人对大卫说:“你若不赶出瞎子、瘸子,必不能进这地方”;心里想大卫决不能进去。
Mambo navanhu vakafamba vachienda kuJerusarema kundorwisa vaJebhusi, vaigarako. VaJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi muno; kunyange mapofu kana zvirema vanokwanisa kukudzinga.” Vakafunga pachavo vachiti, “Dhavhidhi haambokwanisi kupinda muno.”
7 然而大卫攻取锡安的保障,就是大卫的城。
Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.
8 当日,大卫说:“谁攻打耶布斯人,当上水沟攻打我心里所恨恶的瘸子、瞎子。”从此有俗语说:“在那里有瞎子、瘸子,他不能进屋去。”
Pazuva iro, Dhavhidhi akati, “Wose anoda kukunda vaJebhusi ngaatange apinda nomugero wemvura kuti asvike pane ‘zvirema namapofu’ vanova ndivo vavengi vaDhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “‘Mapofu nezvirema’ vasapinda muimba yaMambo.”
9 大卫住在保障里,给保障起名叫大卫城。大卫又从米罗以里,周围筑墙。
Dhavhidhi akagara munhare uye akaitumidza kuti Guta raDhavhidhi. Akavaka nzvimbo yose yakaipoteredza, kubva panheyo dzaitsigira rusvingo zvichipinda mukati.
10 大卫日见强盛,因为耶和华—万军之 神与他同在。
Simba rake rakaramba richiwedzerwa, nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose aiva naye.
11 泰尔王希兰将香柏木运到大卫那里,又差遣使者和木匠、石匠给大卫建造宫殿。
Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda omusidhari, navavezi navavaki vanoshandisa matombo uye vakavakira Dhavhidhi muzinda.
12 大卫就知道耶和华坚立他作以色列王,又为自己的民以色列使他的国兴旺。
Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo weIsraeri uye akanga asimudzira umambo hwake nokuda kwavanhu vake Israeri.
13 大卫离开希伯 之后,在耶路撒冷又立后妃,又生儿女。
Mushure mokunge abva paHebhuroni, Dhavhidhi akazvitorera vamwe varongo navakadzi muJerusarema, uye akaberekerwa vamwe vanakomana navanasikana.
14 在耶路撒冷所生的儿子是沙母亚、朔罢、拿单、所罗门、
Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shobhabhi, Natani, Soromoni,
15 益辖、以利书亚、尼斐、雅非亚、
Ibhari, Erishua, Shamua, Nefegi, Jafia,
16 以利沙玛、以利雅大、以利法列。
Erishama, Eriadha naErifereti.
17 非利士人听见人膏大卫作以色列王,非利士众人就上来寻索大卫;大卫听见,就下到保障。
VaFiristia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakakwidza vose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa ndokubva aburukira kunhare.
18 非利士人来了,布散在利乏音谷。
Zvino vaFiristia vakanga vauya vakapararira muMupata weRefaimi.
19 大卫求问耶和华说:“我可以上去攻打非利士人吗?你将他们交在我手里吗?”耶和华说:“你可以上去,我必将非利士人交在你手里。”
Saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFiristia? Ko, muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akamupindura akati, “Enda, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFiristia mumaoko ako.”
20 大卫来到巴力·毗拉心,在那里击杀非利士人,说:“耶和华在我面前冲破敌人,如同水冲去一般。”因此称那地方为巴力·毗拉心。
Naizvozvo Dhavhidhi akaenda kuBhaari Perazimu, uye ikoko akavakunda. Akati, “Sokupaza kunoita mvura, Jehovha apaza vavengi vangu pamberi pangu.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Bhaari Perazimu.
21 非利士人将偶像撇在那里,大卫和跟随他的人拿去了。
VaFiristia vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo.
22 非利士人又上来,布散在利乏音谷。
VaFiristia vakadzokazve uye vakapararira muMupata weRefaimi;
23 大卫求问耶和华;耶和华说:“不要一直地上去,要转到他们后头,从桑林对面攻打他们。
saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akapindura akati, “Musakwidza makavananga, asi potererai nokumashure kwavo mugovarwisa mberi kwemiti yemibharisamu.
24 你听见桑树梢上有脚步的声音,就要急速前去,因为那时耶和华已经在你前头去攻打非利士人的军队。”
Pamunongonzwa ruzha rwokufamba kwavanhu pamusoro pemiti yemibharisamu, mubve mafamba nokukurumidza, nokuti zvichareva kuti Jehovha aenda mberi kwenyu kuti aparadze hondo yavaFiristia.”
25 大卫就遵着耶和华所吩咐的去行,攻打非利士人,从迦巴直到基色。
Naizvozvo Dhavhidhi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha, uye akaparadza vaFiristia kubva paGibheoni kusvika kuGezeri.

< 撒母耳记下 5 >