< 历代志下 9 >

1 示巴女王听见所罗门的名声,就来到耶路撒冷,要用难解的话试问所罗门;跟随她的人甚多,又有骆驼驮着香料、宝石,和许多金子。她来见了所罗门,就把心里所有的对所罗门都说出来。
Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, akauya kuJerusarema kuti amuedze nemibvunzo yakaoma kwazvo. Akasvika navanhu vazhinji kwazvo nengamera akatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye zvose zvaiva mupfungwa dzake.
2 所罗门将她所问的都答上了,没有一句不明白、不能答的。
Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose, hapana chakanga chakanyanya kumuomera kuti amutsanangurire.
3 示巴女王见所罗门的智慧和他所建造的宫室、
Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni, nomuzinda waakanga avaka,
4 席上的珍馐美味、群臣分列而坐、仆人两旁侍立,以及他们的衣服装饰、酒政,和酒政的衣服装饰,又见他上耶和华殿的台阶,就诧异得神不守舍,
zvokudya zvaiva patafura yake, magariro amakurukota ake, varanda vake vari muzvipfeko zvavo, vadiri vezvokunwa vari muzvipfeko zvavo nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha akapererwa.
5 对王说:“我在本国里所听见论到你的事和你的智慧实在是真的!
Akati kuna Mambo, “Zvandakanzwa munyika yangu pamusoro pezvamakaita nouchenjeri hwenyu ndezvechokwadi.
6 我先不信那些话,及至我来亲眼见了,才知道你的大智慧;人所告诉我的,还不到一半;你的实迹越过我所听见的名声。
Asi handina kutenda zvaitaurwa kusvikira ndauya kuzozvionera nameso angu. Chokwadi, handina kutongonzwa kunyange hafu yokukura kwouchenjeri hwenyu, mapfuura nokure zvandakanzwa.
7 你的群臣、你的仆人常侍立在你面前听你智慧的话是有福的。
Mufaro wakawanda sei unofanira kungova una vanhu venyu! Anofara sei machinda enyu anoramba amire pamberi penyu achinzwa uchenjeri hwenyu.
8 耶和华—你的 神是应当称颂的!他喜悦你,使你坐他的国位,为耶和华—你的 神作王;因为你的 神爱以色列人,要永远坚立他们,所以立你作他们的王,使你秉公行义。”
Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu akafadzwa nemi akakuisai pachigaro chake samambo kuti mutongere Jehovha Mwari wenyu. Nokuda kwerudo rwaMwari wenyu kuIsraeri nokudokwairira kwake kuvasimudzira nokusingaperi, akakuitai mambo pamusoro pavo kuti muchengetedze kururamisira nokururama.”
9 于是示巴女王将一百二十他连得金子和宝石,与极多的香料送给所罗门王;她送给王的香料,以后再没有这样的。
Ipapo akapa mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe, zvinonhuhwira zvakawanda kwazvo namatombo anokosha. Hakuna kunge kwambova nezvinonhuhwira zvakaita sezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.
10 希兰的仆人和所罗门的仆人从俄斐运了金子来,也运了檀香木和宝石来。
(Vanhu vaHiramu navanhu vaSoromoni vakauya negoridhe kubva kuOfiri; vakauyazve namatanda emiarigumi namatombo anokosha.
11 王用檀香木为耶和华殿和王宫做台,又为歌唱的人做琴瑟;犹大地从来没有见过这样的。
Mambo akashandisa matanda emiarigumi kugadzira zvikwiriso zvetemberi yaJehovha nezvemuzinda wamambo, uye kugadzirisa mbira nemitengeranwa yavaimbi. Hapana zvakaita sezvizvi zvakanga zvatomboonekwa muJudha).
12 所罗门王按示巴女王所带来的,还她礼物,另外照她一切所要所求的,都送给她。于是女王和她臣仆转回本国去了。
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; akamupa zvakawanda kupfuura zvaakauya nazvo kwaari. Ipapo akabva adzokera navaranda vake kunyika yake.
13 所罗门每年所得的金子共有六百六十六他连得,
Uremu hwegoridhe raipiwa Soromoni hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu ane matanhatu pagore roga roga,
14 另外还有商人所进的金子,并且阿拉伯诸王与属国的省长都带金银给所罗门。
tisingaverengi mitero yaiuyiswa navatengesi navashambadziri. Uye madzimambo ose eArabhia navabati venyika vaiuyisa goridhe nesirivha kuna Soromoni.
15 所罗门王用锤出来的金子打成挡牌二百面,每面用金子六百舍客勒;
Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakapambadzirwa mazana matanhatu amashekeri egoridhe akapambadzirwa aipinda munhoo imwe neimwe.
16 又用锤出来的金子打成盾牌三百面,每面用金子三百舍客勒,都放在黎巴嫩林宫里。
Akagadzirazve nhoo diki dzaisvika mazana matatu negoridhe rakapambadzirwa, namashekeri mazana matatu egoridhe munhoo imwe neimwe. Mambo akaaisa muMuzinda weSango reRebhanoni.
17 王用象牙制造一个大宝座,用精金包裹。
Ipapo mambo akagadzira chigaro chikuru choushe nenyanga dzenzou uye akachifukidza negoridhe rakaisvonaka.
18 宝座有六层台阶,又有金脚凳,与宝座相连。宝座两旁有扶手,靠近扶手有两个狮子站立。
Chigaro ichi chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu nechitsiko chetsoka chegoridhe chakanga chakabatana nechigaro ichi. Kumativi ose echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko, neshumba yakamira parutivi pechimwe nechimwe chazvo.
19 六层台阶上有十二个狮子站立,每层有两个:左边一个,右边一个;在列国中没有这样做的。
Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pazvikwiriso zvitanhatu, imwe chete kumucheto kwechikwiriso chimwe nechimwe. Hakuna zvakaita seizvi zvakanga zvambogadzirirwa humwe umambo.
20 所罗门王一切的饮器都是金的,黎巴嫩林宫里的一切器皿都是精金的。所罗门年间,银子算不了什么。
Mikombe yose yokunwa nayo yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye zvose zvomumba zvaiva muMuzinda weSango reRebhanoni zvaiva zvegoridhe rakaisvonaka. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti pamazuva aSoromoni sirivha yaionekwa seisina basa.
21 因为王的船只与希兰的仆人一同往他施去;他施船只三年一次装载金、银、象牙、猿猴、孔雀回来。
Mambo aiva nezvikepe zvokushambadzira zvaienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana zvaifambiswa navanhu vaHiramu. Kamwe chete mumakore matatu zvaidzoka zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou netsoko namakudo.
22 所罗门王的财宝与智慧胜过天下的列王。
Mambo Soromoni akanga ari mukuru kwazvo muupfumi nouchenjeri kupfuura madzimambo ose enyika.
23 普天下的王都求见所罗门,要听 神赐给他智慧的话。
Madzimambo ose aitsvaga kutaura naSoromoni kuti vanzwe uchenjeri hwakanga hwaiswa naMwari mumwoyo make.
24 他们各带贡物,就是金器、银器、衣服、军械、香料、骡马,每年有一定之例。
Gore negore vose vaiuya nezvipo midziyo yesirivha nezvegoridhe, nenguo, zvombo zvokurwa nazvo nezvinonhuhwira, namabhiza nembongoro.
25 所罗门有套车的马四千棚,有马兵一万二千,安置在屯车的城邑和耶路撒冷,就是王那里。
Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zviuru zvina, namabhiza zviuru gumi nezviviri zvaaichengetera mumaguta engoro nemuJerusarema maaiva.
26 所罗门统管诸王,从大河到非利士地,直到埃及的边界。
Aitonga madzimambo ose kubva kuRwizi kusvika kunyika yavaFiristia kusvikira kumuganhu neIjipiti.
27 王在耶路撒冷使银子多如石头,香柏木多如高原的桑树。
Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye kuti misidhari iwande semionde yemisikamo mujinga mamakomo.
28 有人从埃及和各国为所罗门赶马群来。
Mabhiza aSoromoni akanga atengwa kubva kuIjipiti nokubva kune dzimwe nyika.
29 所罗门其余的事,自始至终,不都写在先知拿单的书上和示罗人亚希雅的预言书上,并先见易多论尼八儿子耶罗波安的默示书上吗?
Mamwe mabasa okutonga kwaSoromoni kubva kwokutanga kusvika kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo yomuprofita Natani, mashoko akaprofitwa naAhija muShironi nomuzviratidzo zvaIdho muoni pamusoro paJerobhoamu mwanakomana waNebhati?
30 所罗门在耶路撒冷作以色列众人的王共四十年。
Soromoni akatonga muJerusarema pamusoro peIsraeri yose kwamakore makumi mana.
31 所罗门与他列祖同睡,葬在他父大卫城里。他儿子罗波安接续他作王。
Ipapo akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Uye Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

< 历代志下 9 >