< 历代志下 16 >

1 亚撒三十六年,以色列王巴沙上来攻击犹大,修筑拉玛,不许人从犹大王亚撒那里出入。
Mugore ramakumi matatu namatanhatu rokutonga kwaAsa, Bhaasha mambo weIsraeri akamukira Judha akandovakira Rama masvingo kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.
2 于是亚撒从耶和华殿和王宫的府库里拿出金银来,送与住大马士革的亚兰王便哈达,说:
Ipapo Asa akatora sirivha negoridhe kubva mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nokubva mumuzinda wake akazvitumira kuna Bheni-Hadhadhi mambo weAramu, uyo aitonga kuDhamasiko.
3 “你父曾与我父立约,我与你也要立约。现在我将金银送给你,求你废掉你与以色列王巴沙所立的约,使他离开我。”
Akati, “Ngapave nechibvumirano pakati pangu nemi, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndiri kukutumirai sirivha negoridhe. Zvino putsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo waIsraeri kuti agobva kwandiri.”
4 便·哈达听从亚撒王的话,派军长去攻击以色列的城邑。他们就攻破以云、但、亚伯·玛音,和拿弗他利一切的积货城。
Bheni-Hadhadhi akatenderana namambo Asa uye akatumira vakuru vehondo yake kundorwisa maguta eIsraeri. Vakakunda Ijoni, Dhani, Abheri Maimi namaguta ose amatura eNafutari.
5 巴沙听见就停工,不修筑拉玛了。
Bhaasha paakanzwa izvi, akasiya kuvaka Rama akaregedza basa rake.
6 于是亚撒王率领犹大众人,将巴沙修筑拉玛所用的石头、木头都运去,用以修筑迦巴和米斯巴。
Ipapo Mambo Asa akauyisa varume vose veJudha, uye vakatakura kubva kuRama matombo ose namatanda aishandiswa naBhaasha. Akavaka Gebha neMizipa nazvo.
7 那时,先见哈拿尼来见犹大王亚撒,对他说:“因你仰赖亚兰王,没有仰赖耶和华—你的 神,所以亚兰王的军兵脱离了你的手。
Panguva iyoyo Hanani muoni akauya kuna Asa mambo weJudha akati kwaari, “Nokuti wakavimba namambo weAramu, kwete naJehovha Mwari wako, hondo yamambo weAramu yapunyuka kubva mumaoko ako.
8 古实人、路比人的军队不是甚大吗?战车马兵不是极多吗?只因你仰赖耶和华,他便将他们交在你手里。
Ko, vaEtiopia navaRibhiya vakanga vasiri hondo huru nengoro zhinji navatasvi vamabhiza vazhinji here? Asi pamakavimba naJehovha, akavaisa mumaoko enyu.
9 耶和华的眼目遍察全地,要显大能帮助向他心存诚实的人。你这事行得愚昧;此后,你必有争战的事。”
Nokuti meso aJehovha anosvika panyika yose kwaari, wakaita chinhu choupenzi uye kubva zvino zvichienda mberi ucharwa hondo.”
10 亚撒因此恼恨先见,将他囚在监里。那时亚撒也虐待一些人民。
Asa akashatirwa kwazvo zvokuti akamuisa mutorongo. Panguva imwe cheteyo Asa akadzvinyirira vamwe vanhu.
11 亚撒所行的事,自始至终都写在犹大和以色列诸王记上。
Mamwe mabasa okutonga kwaAsa, kubva pakutanga kusvika pakupedzisira akanyorwa mubhuku ramadzimambo aJudha neIsraeri.
12 亚撒作王三十九年,他脚上有病,而且甚重。病的时候没有求耶和华,只求医生。
Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe rokutonga kwake, Asa akabatwa nechirwere mumakumbo ake. Kunyange chirwere chake chakanga chanyanyisa mukurwara kwake imomo haana kutsvaka rubatsiro kubva kuna Jehovha asi kubva kuvarapi chete.
13 他作王四十一年而死,与他列祖同睡,
Zvino mugore ramakumi mana nerimwe chete rokutonga kwake, Asa akafa akazorora namadzibaba ake.
14 葬在大卫城自己所凿的坟墓里,放在床上,其床堆满各样馨香的香料,就是按做香的作法调和的香料,又为他烧了许多的物件。
Vakamuviga muguva raakanga azvigadzirira muGuta raDhavhidhi. Vakamuradzika panhoo yakanga yakazara nezvinonhuhwira zvemhando dzakasiyana-siyana zvakanga zvakavhenganiswa uye vakaita moto mukuru vachimuremekedza.

< 历代志下 16 >