< 撒母耳记上 31 >

1 非利士人与以色列人争战。以色列人在非利士人面前逃跑,在基利波有被杀仆倒的。
Zvino vaFiristia vakarwa navaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, uye vazhinji vakawira pasi vaurayiwa paGomo reGiribhoa.
2 非利士人紧追扫罗和他儿子们,就杀了扫罗的儿子约拿单、亚比拿达、麦基舒亚。
VaFiristia vakasimbirira kwazvo kuteverera Sauro navanakomana vake, uye vakauraya vanakomana vake, Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua.
3 势派甚大,扫罗被弓箭手追上,射伤甚重,
Hondo yakapisa pakanga pana Sauro, uye vapfuri vouta vakati vasvika pedyo naye, vakamukuvadza zvakaipisisa.
4 就吩咐拿他兵器的人说:“你拔出刀来,将我刺死,免得那些未受割礼的人来刺我,凌辱我。”但拿兵器的人甚惧怕,不肯刺他;扫罗就自己伏在刀上死了。
Sauro akati kune aibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Vhomora munondo wako undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kuuya vakandibaya uye vakandidadira.” Asi mubati wenhumbi dzake akatya akasazviita; saka Sauro akatora munondo wake akazviwisira pauri.
5 拿兵器的人见扫罗已死,也伏在刀上死了。
Mubati wenhumbi dzake dzokurwa akati aona kuti Sauro afa, iyewo akawira pamunondo wake akafa.
6 这样,扫罗和他三个儿子,与拿他兵器的人,以及跟随他的人,都一同死亡。
Saka Sauro navanakomana vake vatatu nomubati wenhumbi dzake dzokurwa uye navanhu vake vose vakafa pamwe chete pazuva iroro.
7 住平原那边并约旦河西的以色列人,见以色列军兵逃跑,扫罗和他儿子都死了,也就弃城逃跑。非利士人便来住在其中。
VaIsraeri vaiva mumupata navose vaiva mhiri kweJorodhani vakati vaona kuti hondo yavaIsraeri yakanga yatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. Saka vaFiristia vakauya vakagaramo.
8 次日,非利士人来剥那被杀之人的衣服,看见扫罗和他三个儿子仆倒在基利波山,
Fume mangwana, vaFiristia vakati vachiuya kuzokutunura zvinokosha zvaiva pazvitunha, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakawirawo pasi vakafa paGomo reGiribhoa.
9 就割下他的首级,剥了他的军装,打发人到非利士地的四境,报信与他们庙里的偶像和众民;
Vakagura musoro wake vakabvisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume munyika yose yavaFiristia kundozivisa mashoko aya kutemberi yezvifananidzo zvavo uye napakati pavanhu vavo.
10 又将扫罗的军装放在亚斯她录庙里,将他的尸身钉在伯·珊的城墙上。
Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa mutemberi yaAshitoreti vakasungirira chitunha chake pamasvingo eBheti Shani.
11 基列·雅比的居民听见非利士人向扫罗所行的事,
Vanhu vokuJabheshi Gireadhi vakati vanzwa zvakanga zvaitwa navaFiristia kuna Sauro,
12 他们中间所有的勇士就起身,走了一夜,将扫罗和他儿子的尸身从伯·珊城墙上取下来,送到雅比那里,用火烧了;
mhare dzavo dzose dzakasimuka dzikafamba usiku hwose dzichienda kuBheti Shani. Vakaburutsa mitumbi yaSauro navanakomana vake kubva pamasvingo eBheti Shani vakaenda kuJabheshi, kwavakandoipisa.
13 将他们骸骨葬在雅比的垂丝柳树下,就禁食七日。
Ipapo vakatora mapfupa avo vakaaviga pasi pomuti womutamariki paJabheshi, uye vakatsanya kwamazuva manomwe.

< 撒母耳记上 31 >