< 撒母耳记上 30 >

1 第三日,大卫和跟随他的人到了洗革拉。亚玛力人已经侵夺南地,攻破洗革拉,用火焚烧,
Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi pazuva retatu. Zvino vaAmareki vakanga vakomba Negevhi neZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi vakaripisa,
2 掳了城内的妇女和其中的大小人口,却没有杀一个,都带着走了。
uye vakanga vatapa vakadzi navose vakanga varimo, vose vakuru navaduku. Havana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda navo.
3 大卫和跟随他的人到了那城,不料,城已烧毁,他们的妻子儿女都被掳去了。
Dhavhidhi navanhu vake vakati vasvika kuZikiragi, vakariwana raparadzwa nomoto, uye vakadzi vavo navanakomana navanasikana vavo vakanga vatapwa.
4 大卫和跟随他的人就放声大哭,直哭得没有气力。
Saka Dhavhidhi navanhu vake vakachema kwazvo kusvikira vapererwa nesimba rokuchema.
5 大卫的两个妻—耶斯列人亚希暖和作过拿八妻的迦密人亚比该,也被掳去了。
Vakadzi vaDhavhidhi vari vaviri vakanga vatapwa, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri.
6 大卫甚是焦急,因众人为自己的儿女苦恼,说:“要用石头打死他。”大卫却倚靠耶和华—他的 神,心里坚固。
Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake.
7 大卫对亚希米勒的儿子祭司亚比亚他说:“请你将以弗得拿过来。”亚比亚他就将以弗得拿到大卫面前。
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari muprista, mwanakomana waAhimereki, “Ndivigirewo efodhi kuno.” Abhiatari akaenda nayo kwaari,
8 大卫求问耶和华说:“我追赶敌军,追得上追不上呢?”耶和华说:“你可以追,必追得上,都救得回来。”
ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?” Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.”
9 于是,大卫和跟随他的六百人来到比梭溪;有不能前去的就留在那里。
Dhavhidhi navarume mazana matanhatu vaiva naye vakasvika parukova rweBhesori, vamwe vakasara ipapo,
10 大卫却带着四百人往前追赶,有二百人疲乏,不能过比梭溪,所以留在那里。
nokuti varume mazana maviri vakanga vaneta kwazvo kuti vayambuke rukova. Asi Dhavhidhi namazana mana avarume vakaramba vachitevera.
11 这四百人在田野遇见一个埃及人,就带他到大卫面前,给他饼吃,给他水喝,
Vakawana muIjipita ari mumunda ndokubva vauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa mvura yokunwa nezvokudya kuti adye,
12 又给他一块无花果饼,两个葡萄饼。他吃了,就精神复原;因为他三日三夜没有吃饼,没有喝水。
chimedu chekeke ramaonde akaoma uye makeke maviri amazambiringa akaomeswa. Akadya akasimba, nokuti akanga asina kudya chipi zvacho kana kunwa mvura kwamazuva matatu nousiku hutatu.
13 大卫问他说:“你是属谁的?你是哪里的人?”他回答说:“我是埃及的少年人,是亚玛力人的奴仆;因我三日前患病,我主人就把我撇弃了。
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Uri waaniko iwe, uye unobvepi?” Iye akati, “Ndiri muIjipita, mutapwa womumwe muAmareki. Tenzi wangu akandisiya pandakanga ndorwara mazuva matatu apfuura.
14 我们侵夺了基利提的南方和属犹大的地,并迦勒地的南方,又用火烧了洗革拉。”
Takapamba Zasi kwenyika yavaKereti uye nenyika yeJudha neZasi kwenyika yaKarebhu. Uye takapisa Zikiragi.”
15 大卫问他说:“你肯领我们到敌军那里不肯?”他回答说:“你要向我指着 神起誓,不杀我,也不将我交在我主人手里,我就领你下到敌军那里。”
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Ungagona kunditungamirira here kuti ndiburuke ndiende kuvapambi ava.” Iye akapindura akati, “Ndipikirei pamberi paMwari kuti hamuzondiurayi kana kundiisa kuna tenzi wangu, ini ndigokutungamirirai kwavari.”
16 那人领大卫下去,见他们散在地上,吃喝跳舞,因为从非利士地和犹大地所掳来的财物甚多。
Akatungamirira Dhavhidhi ikoko, vakavawana vakapararira munzvimbo yose, vachidya, vachinwa uye vachifara nokuda kwokuwanda kwezvavakanga vapamba kubva munyika yavaFiristia nokuJudha.
17 大卫从黎明直到次日晚上,击杀他们,除了四百骑骆驼的少年人之外,没有一个逃脱的。
Dhavhidhi akarwa navo panguva yorubvunzavaeni kusvikira madekwana ezuva rakatevera, uye hakuna mumwe wavo akapunyuka, kunze kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza.
18 亚玛力人所掳去的财物,大卫全都夺回,并救回他的两个妻来。
Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki, pamwe chete navakadzi vake vaviri.
19 凡亚玛力人所掳去的,无论大小、儿女、财物,大卫都夺回来,没有失落一个。
Hakuna chakashayikwa: vaduku navakuru, mukomana kana musikana, chakapambwa kana chipi zvacho chavakanga vatora. Dhavhidhi akadzosa zvose.
20 大卫所夺来的牛群羊群,跟随他的人赶在原有的群畜前边,说:“这是大卫的掠物。”
Akatora makwai ose nemombe dzose, uye vanhu vake vakazvitinha mberi kwezvimwe zvipfuwo, achiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.”
21 大卫到了那疲乏不能跟随、留在比梭溪的二百人那里。他们出来迎接大卫并跟随的人。大卫前来问他们安。
Ipapo Dhavhidhi akasvika kuvarume vaya mazana maviri vakanga vaneta kwazvo pakumutevera uye vakanga vasiyiwa mumashure parukova rweBhesori. Vakabuda kuti vazosangana naDhavhidhi uye navanhu vakanga vanaye. Dhavhidhi navanhu vake vakati vaswedera kwavari, vakavakwazisa.
22 跟随大卫人中的恶人和匪类说:“这些人既然没有和我们同去,我们所夺的财物就不分给他们,只将他们各人的妻子儿女给他们,使他们带去就是了。”
Asi vanhu vose vakaipa nevemhirizhonga pakati pavateveri vaDhavhidhi vakati, “Nemhaka yokuti havana kuenda nesu, hatidi kugovana navo zvatakapamba zvatakawana. Kunyange zvakadaro, murume mumwe nomumwe ngaatore hake mukadzi wake navana aende.”
23 大卫说:“弟兄们,耶和华所赐给我们的,不可不分给他们;因为他保佑我们,将那攻击我们的敌军交在我们手里。
Dhavhidhi akati, “Kwete hama dzangu, hamufaniri kuita izvozvo pane zvatakapiwa naJehovha. Ndiye akatidzivirira akaisa mumaoko edu varwi vakauya kuzorwa nesu.
24 这事谁肯依从你们呢?上阵的得多少,看守器具的也得多少;应当大家平分。”
Ndianiko achateerera kune zvamunoreva? Mugove womunhu akasara achichengeta nhumbi unofanira kuva wakaenzana nowouyo akaenda kuhondo.”
25 大卫定此为以色列的律例典章,从那日直到今日。
Dhavhidhi akaita izvi kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsraeri kubva pazuva iroro kusvikira nhasi.
26 大卫到了洗革拉,从掠物中取些送给他朋友犹大的长老,说:“这是从耶和华仇敌那里夺来的,送你们为礼物。”
Dhavhidhi akati asvika muZikiragi, akatumira zvimwe zvezvakapambwa kuvakuru veJudha, avo vakanga vari shamwari dzake, achiti, “Hecho chipo chenyu chamapiwa chabva pane zvakapambwa zvavavengi vaJehovha.”
27 他送礼物给住伯特利的,南地拉末的,雅提珥的;
Akachitumira kuna vaya vakanga vari muBheteri, Ramoti Negevhi neJariri;
28 住亚罗珥的,息末的,以实提莫的;
kuna avo vakanga vari muAroeri, Sifimoti, Eshitemoa
29 住拉哈勒的,耶拉篾各城的,基尼各城的;
neRakari; kuna avo vakanga vari mumaguta avaJerameeri navaKeni;
30 住何珥玛的,歌拉珊的,亚挞的;
kuna avo vakanga vari muHorima, Bhori Ashani, Ataki
31 住希伯 的,并大卫和跟随他的人素来所到之处的人。
neHebhuroni; uye kuna avo vakanga vari mune dzimwe nzvimbo dzose dzakanga dzafambwa naDhavhidhi navanhu vake.

< 撒母耳记上 30 >