< 撒母耳记上 12 >

1 撒母耳对以色列众人说:“你们向我所求的,我已应允了,为你们立了一个王;
Samueri akati kuvaIsraeri vose, “Ndakateerera zvose zvamakataura kwandiri ndikagadza mambo pamusoro penyu.
2 现在有这王在你们前面行。我已年老发白,我的儿子都在你们这里。我从幼年直到今日都在你们前面行。
Zvino mava namambo somutungamiri wenyu. Kana ndiri ini, ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vanemi pano. Ndakava mutungamiri wenyu kubvira paudiki hwangu kusvikira zuva ranhasi.
3 我在这里,你们要在耶和华和他的受膏者面前给我作见证。我夺过谁的牛,抢过谁的驴,欺负过谁,虐待过谁,从谁手里受过贿赂因而眼瞎呢?若有,我必偿还。”
Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.”
4 众人说:“你未曾欺负我们,虐待我们,也未曾从谁手里受过什么。”
Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.”
5 撒母耳对他们说:“你们在我手里没有找着什么,有耶和华和他的受膏者今日为证。”他们说:“愿他为证。”
Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.” Vakati, “Ndiye chapupu.”
6 撒母耳对百姓说:“从前立摩西、亚伦,又领你们列祖出埃及地的是耶和华。
Ipapo Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye akasarudza Mozisi naAroni akabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti.
7 现在你们要站住,等我在耶和华面前对你们讲论耶和华向你们和你们列祖所行一切公义的事。
Naizvozvo zvino chimbomirai nditaure nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu.
8 从前雅各到了埃及,后来你们列祖呼求耶和华,耶和华就差遣摩西、亚伦领你们列祖出埃及,使他们在这地方居住。
“Mushure mokunge Jakobho aenda muIjipiti, vakachema kuna Jehovha kuti vabatsirwe, uye Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti vakavagarisa munzvimbo ino.
9 他们却忘记耶和华—他们的 神,他就把他们付与夏琐将军西西拉的手里,和非利士人并摩押王的手里。于是这些人常来攻击他们。
“Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo; naizvozvo akavatengesa kuna Sisera, mutungamiri wehondo yaHazori, uye nokumaoko avaFiristia namambo weMoabhu, uyo akavarwisa.
10 他们就呼求耶和华说:‘我们离弃耶和华,事奉巴力和亚斯她录,是有罪了。现在求你救我们脱离仇敌的手,我们必事奉你。’
Vakachema zvikuru kuna Jehovha vachiti, ‘Takatadza; takasiya Jehovha tikashandira vanaBhaari navaAshitoreti. Asi iye zvino tinunurei kubva mumaoko avavengi vedu, tigokushumirai.’
11 耶和华就差遣耶路·巴力、比但、耶弗他、撒母耳救你们脱离四围仇敌的手,你们才安然居住。
Ipapo Jehovha akatuma Jerubhi Bhaari, Bharaki, Jefuta naSamueri, uye akakununurai kubva mumaoko avavengi venyu kumativi ose, mukagara zvakanaka.
12 你们见亚扪人的王拿辖来攻击你们,就对我说:‘我们定要一个王治理我们。’其实耶和华—你们的 神是你们的王。
“Asi pamakaona kuti Nahashi mambo wavaAmoni akanga achiuya kuzokurwisai, makati kwandiri, ‘Kwete, tinoda kuti tive namambo anotitonga,’ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu akanga ari mambo wenyu.
13 现在,你们所求所选的王在这里。看哪,耶和华已经为你们立王了。
Zvino hoyu mambo wamasarudza, uyo wamakakumbira; tarirai, Jehovha agadza mambo pamusoro penyu.
14 你们若敬畏耶和华,事奉他,听从他的话,不违背他的命令,你们和治理你们的王也都顺从耶和华—你们的 神就好了。
Kana mukatya Jehovha uye mukamushandira nokumuteerera uye mukasamukira mirayiro yake, uye kana imi namambo anotonga pamusoro penyu mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvichava zvakanaka!
15 倘若不听从耶和华的话,违背他的命令,耶和华的手必攻击你们,像从前攻击你们列祖一样。
Asi kana mukasateerera Jehovha, uye kana mukamukira mirayiro yake, ruoko rwake rucharwa nemi, sokurwa kwarwakaita namadzibaba enyu.
16 现在你们要站住,看耶和华在你们眼前要行一件大事。
“Naizvozvo zvino, rambai mumire muone chinhu chikuru ichi chava kuda kuitwa naJehovha pamberi penyu!
17 这不是割麦子的时候吗?我求告耶和华,他必打雷降雨,使你们又知道又看出,你们求立王的事是在耶和华面前犯大罪了。”
Haisi nguva yokukohwa gorosi here ino? Ndichadana kuna Jehovha kuti atume kutinhira nemvura. Uye muchaona kuti chinhu chakashata sei chamakaita pamberi paJehovha pamakakumbira kuti mupiwe mambo.”
18 于是撒母耳求告耶和华,耶和华就在这日打雷降雨,众民便甚惧怕耶和华和撒母耳。
Ipapo Samueri akadana kuna Jehovha uye, nomusi iwoyo, Jehovha akatuma kutinhira nemvura, nokudaro vanhu vose vakamira vakatya Jehovha naSamueri.
19 众民对撒母耳说:“求你为仆人们祷告耶和华—你的 神,免得我们死亡,因为我们求立王的事正是罪上加罪了。”
Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Nyengetererai varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu kuti tirege kufa, nokuti pamusoro pezvimwe zvivi zvedu takawedzera chivi chokukumbira mambo.”
20 撒母耳对百姓说:“不要惧怕!你们虽然行了这恶,却不要偏离耶和华,只要尽心事奉他。
Samueri akapindura achiti, “Musatya. Makaita zvose zvakaipa izvi; asi musatsauka kubva kuna Jehovha, asi shumirai Jehovha nomwoyo wenyu wose.
21 若偏离耶和华去顺从那不能救人的虚神是无益的。
Musatsaukira kuzvifananidzo zvisina maturo. Hazvina chakanaka chazvingakuitirai, kana kukununurai, nokuti hazvina maturo.
22 耶和华既喜悦选你们作他的子民,就必因他的大名不撇弃你们。
Nokuda kwezita rake guru Jehovha haazorambi vanhu vake nokuti Jehovha akafadzwa kuti akuitei vake.
23 至于我,断不停止为你们祷告,以致得罪耶和华。我必以善道正路指教你们。
Kana ndiri ini, ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai. Uye ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama.
24 只要你们敬畏耶和华,诚诚实实地尽心事奉他,想念他向你们所行的事何等大。
Asi ityai Jehovha, mumushumire iye nokutendeka, nomwoyo wenyu wose; rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.
25 你们若仍然作恶,你们和你们的王必一同灭亡。”
Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, imi namambo wenyu muchaparadzwa.”

< 撒母耳记上 12 >