< 列王纪上 7 >

1 所罗门为自己建造宫室,十三年方才造成;
Zvisinei, zvakatorera Soromoni makore gumi namatatu kuti apedze kuvaka muzinda wake.
2 又建造黎巴嫩林宫,长一百肘,宽五十肘,高三十肘,有香柏木柱三行,柱上有香柏木柁梁。
Akavaka Muzinda weSango reRebhanoni wakanga wakareba makubhiti zana, upamhi hwawo huri makubhiti makumi mashanu, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwawo mudenga, akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari namatanda emisidhari akavezwa pamusoro pembiru.
3 其上以香柏木为盖,每行柱子十五根,共有四十五根。
Wakanga une denga remisidhari rakanga riri pamusoro pamatanda akanga akagadzikwa pamusoro pembiru yamatanda makumi mana namashanu, gumi namashanu mumutsara mumwe chete.
4 有窗户三层,窗与窗相对。
Mawindo awo akanga ari pamusoro, ari matatu, akatarisana.
5 所有的门框都是厚木见方的,有窗户三层,窗与窗相对。
Makonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana; akanga ari nechemberi ari matatu matatu, akatarisana.
6 并建造有柱子的廊子,长五十肘,宽三十肘;在这廊前又有廊子,廊外有柱子和台阶。
Akaita imba yembiru yakanga yakareba makubhiti makumi mashanu iine upamhi hwamakubhiti makumi matatu. Pamberi payo paiva nebiravira, pamberi parowo paine mbiru nedenga rakarembera.
7 又建造一廊,其中设立审判的座位,这廊从地到顶都用香柏木遮蔽。
Akavakawo imba yechigaro chokutonga, Imba Yokururamisira, umo maaizotongera nyaya, uye akaifukidza nemisidhari kubva pasi kusvikira kumusoro.
8 廊后院内有所罗门住的宫室;工作与这工作相同。所罗门又为所娶法老的女儿建造一宫,做法与这廊子一样。
Muzinda wake waaizogara necheseri, wakanga wakavakwa zvimwe chetezvo. Soromoni akavakirawo mwanasikana waFaro, uyo waakanga awana, muzinda wakafanana nouyu.
9 建造这一切所用的石头都是宝贵的,是按着尺寸凿成的,是用锯里外锯齐的;从根基直到檐石,从外头直到大院,都是如此。
Dzimba dzose idzi, kubva kunze kusvikira kuchivanze chikuru, nokubva pahwaro kusvikira paberevere, dzakanga dziri dzamatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, uye akachekwa nejeko kunze nomukati.
10 根基是宝贵的大石头,有长十肘的,有长八肘的;
Hwaro hwakanga hwakavakwa namatombo makuru anokosha, mamwe akareba makubhiti gumi, mamwe makubhiti masere.
11 上面有香柏木和按着尺寸凿成宝贵的石头。
Pamusoro paiva namatombo anokosha, akavezwa zvakaenzanirana, namatanda emisidhari.
12 大院周围有凿成的石头三层、香柏木一层,都照耶和华殿的内院和殿廊的样式。
Chivanze chikuru chaiva chakapoteredzwa norusvingo rwakanga rune mitsara mitatu yamatombo akavezwa nomutsara mumwe chete wamatanda omusidhari akanyatsovezwa, zvimwe chetezvo zvakanga zvakaita chivanze chomukati chetemberi yaJehovha nebiravira rayo.
13 所罗门王差遣人往泰尔去,将户兰召了来。
Zvino Mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu kuTire.
14 他是拿弗他利支派中一个寡妇的儿子,他父亲是泰尔人,作铜匠的。户兰满有智慧、聪明、技能,善于各样铜作。他来到所罗门王那里,做王一切所要做的。
Hiramu aiva mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafutari, baba vake vari veTire, mupfuri wendarira. Hiramu akanga azere nounyanzvi, uye aino ruzivo rwezvamabasa ose endarira. Akauya kuna Mambo Soromoni akaita basa rose raakapiwa.
15 他制造两根铜柱,每根高十八肘,围十二肘;
Akavaka mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti gumi namasere, uye yaipoteredzwa netambo yakareba makubhiti gumi namaviri pakuyera.
16 又用铜铸了两个柱顶安在柱上,各高五肘。
Akaitawo misoro yembiru yendarira yakanyungurutswa miviri, yokugadzika pamusoro pembiru, musoro mumwe nomumwe wakanga wakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwawo.
17 柱顶上有装修的网子和拧成的链索,每顶七个。
Mimbure yengetani dzakarukwa yaiva yakashongedza misoro yaiva pamusoro pembiru, minomwe pamusoro pomumwe nomumwe.
18 网子周围有两行石榴遮盖柱顶,两个柱顶都是如此。
Akaitawo matamba mumitsara miviri yakapoteredza mumbure mumwe nomumwe kuti ishongedze misoro yaiva pamusoro pembiru. Akaita zvimwe chetezvo pamusoro pomumwe nomumwe.
19 廊子的柱顶径四肘,刻着百合花。
Misoro yaiva pamusoro pembiru pabiravira yakanga yakaumbwa samaruva amahapa, yakareba makubhiti mana pakukwirira kwayo.
20 两柱顶的鼓肚上挨着网子,各有两行石榴环绕,两行共有二百。
Pamusoro pemisoro yembiru mbiri idzi, nechapamusoro pedumbu rakanga riri parutivi pomumbure, paiva namatamba mazana maviri mumitsara yakapoteredza.
21 他将两根柱子立在殿廊前头:右边立一根,起名叫雅斤;左边立一根,起名叫波阿斯。
Akamisa mbiru pabiravira retemberi. Mbiru yezasi akaitumidza zita rokuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi.
22 在柱顶上刻着百合花。这样,造柱子的工就完毕了。
Pamusoro pembiru paiva nezvishongo zvakafanana namaruva amahapa. Saizvozvo basa rapambiru rakapera.
23 他又铸一个铜海,样式是圆的,高五肘,径十肘,围三十肘。
Akaita Gungwa reNdarira yakanyauswa, redenderedzwa rakanga rine upamhi hwamakubhiti gumi pamuromo, uye rakareba makubhiti mashanu pakukwirira kwaro. Zvaitora tambo yakareba makubhiti makumi matatu kuti iripoteredze pakuyera.
24 在海边之下,周围有野瓜的样式;每肘十瓜,共有两行,是铸海的时候铸上的。
Pasi pomuromo waro pakanga pane mapfundo akapoteredza, ari gumi pakubhiti, achipoteredza gungwa. Mapfundo aya akaumbwa akanga ari mumitsara miviri, pamwe chete neGungwa.
25 有十二只铜牛驮海:三只向北,三只向西,三只向南,三只向东;海在牛上,牛尾都向内。
Gungwa rakanga rimire pahando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu kumadokero, nhatu zasi nenhatu kumabvazuva. Gungwa rakanga rigere pamusoro padzo, uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati.
26 海厚一掌,边如杯边,又如百合花,可容二千罢特。
Ukobvu hwaro hwaikwana upamhi hwechanza chomunhu, uye muromo waro wakanga wakafanana nomuromo wekapu, seruva ramahapa. Mukati maro maikwana mabhati zviuru zviviri.
27 他用铜制造十个盆座,每座长四肘,宽四肘,高三肘。
Akaitawo zvigadziko gumi zvendarira zvaiva namavhiri endarira gumi; chimwe nechimwe chakanga chakareba makubhiti mana, upamhi huri makubhiti mana nokukwirira kwacho kuri makubhiti matatu.
28 座的造法是这样:四面都有心子,心子在边子当中,
Zvigadziko izvi zvakanga zvakaitwa seizvi: pakati pembiru dzezvigadziko paiva namagwatidziro mumativi.
29 心子上有狮子和牛,并基路伯;边上有小座,狮子和牛以下有垂下的璎珞。
Pamagwatidziro aya pakati pembiru paiva neshumba, hando namakerubhi, uyewo napambiru. Pamusoro napasi peshumba nehando paiva nezvishongo zvamaruva zvendarira.
30 每盆座有四个铜轮和铜轴。小座的四角上在盆以下,有铸成的盆架,其旁都有璎珞。
Chigadziko chimwe nechimwe chaiva namavhiri mana endarira ane maekesero endarira, uye imwe neimwe yaiva nedhishi rakanga riri pamusoro pezvitsigiro zvina, zvakaumbwa zviine zvishongo zvamaruva kurutivi rumwe norumwe.
31 小座高一肘,口是圆的,仿佛座的样式,径一肘半,在口上有雕工,心子是方的,不是圆的。
Nechomukati mechigadziko maiva negomba rakanga riri redenderedzwa rakadzika zvinosvika kubhiti rimwe chete. Gomba iri rakanga riri redenderedzwa, uye nechigadziko charo raikwana kubhiti nehafu. Pamuromo paro paiva nezvinyorwa. Magwatidziro akanga ane mativi akaenzana, asiri edenderedzwa.
32 四个轮子在心子以下,轮轴与座相连,每轮高一肘半。
Mavhiri mana aiva pasi pamagwatidziro, uye maekesero amavhiri aiva akabatana netafura. Vhiri rimwe nerimwe raiva noupamhi hwekubhiti rimwe chete nehafu.
33 轮的样式如同车轮;轴、辋、辐、毂都是铸的。
Mavhiri akanga akagadzirwa sokugadzirwa kwamavhiri engoro dzamabhiza; maekesero, marimu, zvipokisi namahabhu zvose zvaiva zvakagadzirwa nendarira.
34 每座四角上都有盆架,是与座一同铸成的。
Chigadziko chimwe nechimwe chaiva nemibato mina, pakona imwe neimwe, uye yaibudikira kubva pachigadziko.
35 座上有圆架,高半肘;座上有撑子和心子,是与座一同铸的。
Pamusoro pechigadziko paiva nechitenderere chakanga chakadzika zvinosvika hafu yekubhiti. Zvitsigiro namagwatidziro zvakanga zvakanamatidzwa pamusoro pechigadziko.
36 在撑子和心子上刻着基路伯、狮子,和棕树,周围有璎珞。
Akaveza makerubhi, shumba nemiti yemichindwe pazvitsigiro namagwatidziro, napose paigona kuvezwa, nezvishongo zvamaruva kumativi ose.
37 十个盆座都是这样,铸法、尺寸、样式相同。
Aya ndiwo magadziriro aakaita zvigadziko gumi. Zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa kwazvo, zvakaenzana pakukura napamaumbirwo.
38 又用铜制造十个盆,每盆可容四十罢特。盆径四肘,在那十座上,每座安设一盆。
Ipapo akaita madhishi endarira gumi, rimwe nerimwe richipinda mabhati makumi mana uye rakafara makubhiti mana, dhishi rimwe chete richizoiswa pachigadziko chimwe nechimwe chezvigadziko gumi.
39 五个安在殿门的右边,五个放在殿门的左边;又将海放在殿门的右旁,就是南边。
Akaisa zvigadziko zvishanu zasi kwetemberi, zvishanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi.
40 户兰又造了盆、铲子,和盘子。这样,他为所罗门王做完了耶和华殿的一切工。
Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi. Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha:
41 所造的就是:两根柱子和柱上两个如球的顶;并两个盖柱顶的网子;
mbiru mbiri; misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru; mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru;
42 和四百石榴,安在两个网子上,每网两行,盖着两个柱上如球的顶;
matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru);
43 十个座和其上的十个盆;
zvigadziko gumi namadhishi azvo gumi;
44 海和海下的十二只牛;
Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;
45 盆、铲子、盘子。这一切都是户兰给所罗门王用光亮的铜为耶和华的殿造成的,
poto, foshoro namadhishi. Zvinhu zvose izvi zvakaitirwa Mambo Soromoni mutemberi maJehovha naHiramu zvaiva zvendarira yakabwinyiswa.
46 是遵王命在约旦平原、疏割和撒拉但中间借胶泥铸成的。
Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu rokuumba pabani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.
47 这一切所罗门都没有过秤;因为甚多,铜的轻重也无法可查。
Soromoni haana kuyera zvinhu zvose izvi nokuti zvakanga zvakawanda kwazvo; uremu hwendarira hahuna kuzivikanwa.
48 所罗门又造耶和华殿里的金坛和陈设饼的金桌子;
Soromoni akaitawo midziyo yose yaiva mutemberi maJehovha: aritari yegoridhe; tafura yegoridhe yaiva nechingwa choKuratidza, pamusoro payo;
49 内殿前的精金灯台:右边五个,左边五个,并其上的金花、灯盏、蜡剪,
zvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakaisvonaka (zvishanu kurudyi nezvishanu kuruboshwe pamberi penzvimbo tsvene yomukati); maruva, mwenje nembato, zvegoridhe;
50 与精金的杯、盘、镊子、调羹、火鼎,以及至圣所、内殿的门枢,和外殿的门枢。
makapu, zvidzimiso zvemwenje, madhishi, madhishi ezvinonhuhwira nezvaenga zvomoto, zvegoridhe rakaisvonaka; zvibato zvamakonhi ekamuri yomukatikati memba, Nzvimbo Tsvene-tsvene, namakonhi eimba huru, zvakanga zviri zvegoridhe.
51 所罗门王做完了耶和华殿的一切工,就把他父大卫分别为圣的金银和器皿都带来放在耶和华殿的府库里。
Zvino basa rose rakaitwa naMambo Soromoni patemberi yaJehovha parakapera, Soromoni akauyisa zvinhu zvakanga zvakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, midziyo yesirivha negoridhe, akazvichengeta mumatura epfuma yetemberi yaJehovha.

< 列王纪上 7 >