< 列王纪上 20 >

1 亚兰王便·哈达聚集他的全军,率领三十二个王,带着车马上来围攻撒马利亚;
Zvino Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akaunganidza varwi vake vose. Achibatsirwa namadzimambo makumi matatu namaviri vaine mabhiza avo nengoro, akaenda akakomba Samaria akarirwisa.
2 又差遣使者进城见以色列王亚哈,对他说:“便·哈达如此说:
Akatuma nhume muguta kuna Ahabhu mambo weIsraeri kundoti, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi,
3 你的金银都要归我,你妻子儿女中最美的也要归我。”
‘Sirivha yako negoridhe ndezvangu, uye vakadzi vako navana vako vakanyanyisa kunaka ndevangu.’”
4 以色列王回答说:“我主我王啊,可以依着你的话,我与我所有的都归你。”
Mambo weIsraeri akapindura akati, “Sezvamataura, ishe wangu mambo. Ini nezvose zvandinazvo ndiri wenyu.”
5 使者又来说:“便·哈达如此说:我已差遣人去见你,要你将你的金银、妻子、儿女都给我。
Nhumwa dzakauya zvakare ndokusvikoti, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi, ‘Ndakatumira shoko rokuti ndinoda sirivha yako negoridhe, navakadzi vako navana vako.
6 但明日约在这时候,我还要差遣臣仆到你那里,搜查你的家和你仆人的家,将你眼中一切所喜爱的都拿了去。”
Asi mangwana nenguva yakaita seino ndichatuma varanda vangu kuti vazotsvagisisa mumuzinda wako nomudzimba dzavaranda vako. Vachatora zvose zvaunokoshesa vagoenda nazvo.’”
7 以色列王召了国中的长老来,对他们说:“请你们看看,这人是怎样地谋害我,他先差遣人到我这里来,要我的妻子、儿女,和金银,我并没有推辞他。”
Mambo weIsraeri akadana vakuru vose venyika akati kwavari, “Tarisai muone kuti murume uyu ari kutsvaga muromo sei! Paakati ari kuda kutora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu negoridhe rangu, handina kurambira.”
8 长老和百姓对王说:“不要听从他,也不要应允他。”
Vakuru navanhu, vose vakapindura vakati, “Musateerera kwaari kana kubvumirana nezvaari kuda.”
9 故此,以色列王对便·哈达的使者说:“你们告诉我主我王说:王头一次差遣人向仆人所要的,仆人都依从;但这次所要的,我不能依从。”使者就去回复便·哈达。
Naizvozvo akapindura nhume dzaBheni-Hadhadhi akati, “Udzai ishe wangu mambo kuti, ‘Muranda wenyu achaita zvose zvamakamukumbira pakutanga, asi chikumbiro ichi chazvino handigoni kuchizadzisa.’” Vakasimuka vakaenda nemhinduro kwavakanga vabva, kuna Bheni-Hadhadhi.
10 便·哈达又差遣人去见亚哈说:“撒马利亚的尘土若够跟从我的人每人捧一捧的,愿神明重重地降罚与我!”
Saka Bheni-Hadhadhi akatumira rimwe shoko kuna Ahabhu achiti, “Vamwari ngavaitewo kwandiri, vanyanyise kudaro, kana guruva ringakwana kupa mumwe nomumwe wamauto angu kuti azadze chanza chake rikasara muSamaria.”
11 以色列王说:“你告诉他说,才顶盔贯甲的,休要像摘盔卸甲的夸口。”
Mambo weIsraeri akapindura akati, “Muudzei kuti, ‘Uyo anoshonga nhumbi dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza souyo anodzibvisa.’”
12 便·哈达和诸王正在帐幕里喝酒,听见这话,就对他臣仆说:“摆队吧!”他们就摆队攻城。
Bheni-Hadhadhi akanzwa shoko iri iye namadzimambo pavakanga vachinwa vari mumisasa, akabva arayira mauto ake akati, “Gadzirirai kundorwisa.” Saka vakagadzirira kundorwisa guta.
13 有一个先知来见以色列王亚哈,说:“耶和华如此说:‘这一大群人你看见了吗?今日我必将他们交在你手里,你就知道我是耶和华。’”
Panguva iyoyo mumwe muprofita akauya kuna Ahabhu mambo weIsraeri, akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Uri kuona hondo huru huru iyi here? Ndichaiisa muruoko rwako nhasi, ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.’”
14 亚哈说:“借着谁呢?”他回答说:“耶和华说,借着跟从省长的少年人。”亚哈说:“要谁率领呢?”他说:“要你亲自率领。”
Ahabhu akabvunza akati, “Asi ndiani achaita izvi?” Muprofita akapindura akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Majaya amachinda omumatunhu ndiwo achazviita.’” Akabvunza akati, “Zvino ndiani achatanga hondo yacho?” Muprofita akapindura akati, “Ndiwe uchaitanga.”
15 于是亚哈数点跟从省长的少年人,共有二百三十二名,后又数点以色列的众兵,共有七千名。
Saka Ahabhu akaunganidza majaya amachinda omumatunhu, varume vaikwana mazana maviri namakumi matatu navaviri. Mushure akaunganidza vamwe vaIsraeri, pamwe chete zviuru zvinomwe.
16 午间,他们就出城;便·哈达和帮助他的三十二个王正在帐幕里痛饮。
Vakasimuka masikati, Bheni-Hadhadhi namadzimambo makumi matatu navaviri vaiva kudivi rake panguva yavakanga vari mumisasa yavo vachidhakwa.
17 跟从省长的少年人先出城;便·哈达差遣人去探望,他们回报说:“有人从撒马利亚出来了。”
Majaya amachinda omumatunhu ndiwo akatanga kuenda. Zvino Bheni-Hadhadhi akanga atuma vasori uye vakamuudza kuti, “Kune varume vari kubva kuSamaria.”
18 他说:“他们若为讲和出来,要活捉他们;若为打仗出来,也要活捉他们。”
Akati, “Kana vauya kuzotsvaga rugare, vabatei vari vapenyu; kana vauya kuzorwa, vabatei vari vapenyu.”
19 跟从省长的少年人出城,军兵跟随他们;
Majaya amachinda omumatunhu akafamba achibuda muguta varwi vari mumashure mavo
20 各人遇见敌人就杀。亚兰人逃跑,以色列人追赶他们;亚兰王便·哈达骑着马和马兵一同逃跑。
uye mumwe nomumwe wavo akauraya waakarwisana naye. VaAramu vakatiza, vaIsraeri vachivadzingirira. Asi Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akatiza akatasva bhiza, navamwe vavarwi vake vaiva namabhiza.
21 以色列王出城攻打车马,大大击杀亚兰人。
Mambo weIsraeri akabuda akakunda mabhiza nengoro, akauraya vaAramu vakawanda kwazvo.
22 那先知来见以色列王,对他说:“你当自强,留心怎样防备;因为到明年这时候,亚兰王必上来攻击你。”
Mushure maizvozvo, muprofita akauya kuna mambo weIsraeri akati, “Simbisa chinzvimbo chako ugoona zvinofanira kuitwa, nokuti muchirimo chiri kutevera mambo weAramu achakurwisa zvakare.”
23 亚兰王的臣仆对亚兰王说:“以色列人的神是山神,所以他们胜过我们;但在平原与他们打仗,我们必定得胜。
Panguva imwe cheteyo, varanda vamambo weAramu vakati kwaari, “Vamwari vavo ndavamwari vamakomo. Ndicho chikonzero vakatikurira. Asi tikarwa navo mumapani, zvirokwazvo tichavakurira.
24 王当这样行:把诸王革去,派军长代替他们,
Itai izvi: Bvisai madzimambo ose panzvimbo dzavo dzokutonga mugovatsiva navamwe vabati.
25 又照着王丧失军兵之数,再招募一军,马补马,车补车,我们在平原与他们打仗,必定得胜。”王便听臣仆的话去行。
Munofanirawo kuzviunganidzira hondo yakafanana neyamakarasikirwa nayo, bhiza nebhiza nengoro nengoro, kuitira kuti tikwanise kurwa navaIsraeri mumapani. Ipapo zvirokwazvo tichavakurira.” Akabvumirana navo akaita saizvozvo.
26 次年,便·哈达果然点齐亚兰人上亚弗去,要与以色列人打仗。
Muchirimo chakatevera Bheni-Hadhadhi akaunganidza vaAramu akakwidza kuAfeki kundorwa neIsraeri.
27 以色列人也点齐军兵,预备食物,迎着亚兰人出去,对着他们安营,好像两小群山羊羔;亚兰人却满了地面。
VaIsraeri vakati vaunganidzwawo uye vapiwa zvose zvinodiwa pakurwa hondo, vakafamba vachienda kundosangana navo. VaIsraeri vakadzika musasa wavo vakatarisana navo, vachinge mapoka maduku maviri embudzi, ukuwo vaAramu vakazadza nyika.
28 有神人来见以色列王,说:“耶和华如此说:‘亚兰人既说我—耶和华是山神,不是平原的神,所以我必将这一大群人都交在你手中,你们就知道我是耶和华。’”
Munhu waMwari akauya akaudza mambo weIsraeri kuti, “Zvanzi naJehovha: ‘Nokuda kwokuti vaAramu vanofunga kuti Jehovha ndimwari wamakomo, uye kuti haasi mwari wemipata, ndichaisa hondo huru huru iyi mumaoko ako, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.’”
29 以色列人与亚兰人相对安营七日,到第七日两军交战;那一日以色列人杀了亚兰人步兵十万,
Kwamazuva manomwe vakagara pamisasa yavo vakatarisana, uye nezuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya zana rezviuru zvamauto etsoka avaAramu musi mumwe chete.
30 其余的逃入亚弗城;城墙塌倒,压死剩下的二万七千人。 便·哈达也逃入城,藏在严密的屋子里。
Vakasara vakatizira kuguta reAfeki, uko kwakandowira rusvingo pamusoro pezviuru makumi maviri nezvinomwe zvavo. Uye Bheni-Hadhadhi akatizira kuguta akandohwanda muimba yomukati.
31 他的臣仆对他说:“我们听说以色列王都是仁慈的王,现在我们不如腰束麻布,头套绳索,出去投降以色列王,或者他存留王的性命。”
Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri ane tsitsi. Ngatiendei kuna mambo weIsraeri takasungirira masaga muzviuno zvedu, uye takasunga misoro yedu netambo. Zvichida angakuregai muri mupenyu.”
32 于是他们腰束麻布,头套绳索,去见以色列王,说:“王的仆人便·哈达说,求王存留我的性命。”亚哈说:“他还活着吗?他是我的兄弟。”
Vakasungirira masaga muzviuno zvavo vakasunga misoro yavo netambo, vakabva vaenda kuna mambo weIsraeri vakasvikoti, “Muranda wenyu Bheni-Hadhadhi ati, ‘Ndapota, dai mangondirega ndararama.’” Mambo akapindura akati, “Achiri mupenyu nazvino? Ihama yangu.”
33 这些人留心探出他的口气来,便急忙就着他的话说:“便·哈达是王的兄弟!”王说:“你们去请他来。”便·哈达出来见王,王就请他上车。
Varume ava vakazviona sechiratidzo chakanaka ndokukurumidza kutevedzera zvaakanga areva. Vakati, “Hongu, hama yenyu Bheni-Hadhadhi!” Mambo akati, “Endai munomutora.” Bheni-Hadhadhi akati achibuda, Ahabhu akamukwidza mungoro yake.
34 便·哈达对王说:“我父从你父那里所夺的城邑,我必归还。你可以在大马士革立街市,像我父在撒马利亚所立的一样。”亚哈说:“我照此立约,放你回去”,就与他立约,放他去了。
Bheni-Hadhadhi akati kwaari, “Ndichadzosera maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako. Unogonawo kuisa misika yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamaria.” Ahabhu akati, “Nokuda kwechibvumirano ichi, ndichakusunungura.” Saka akaita chibvumirano naye, akamurega achienda.
35 有先知的一个门徒奉耶和华的命对他的同伴说:“你打我吧!”那人不肯打他。
Mumwe wavanakomana vavaprofita arayirwa naJehovha, akati kushamwari yake, “Ndirove!” asi murume uyu akaramba.
36 他就对那人说:“你既不听从耶和华的话,你一离开我,必有狮子咬死你。”那人一离开他,果然遇见狮子,把他咬死了。
Naizvozvo muprofita akati, “Zvausina kuteerera Jehovha, uchingobva pano pandiri, uchaurayiwa neshumba.” Zvino murume uyu achangobva paakanga ari, shumba yakamuwana ikamuuraya.
37 先知的门徒又遇见一个人,对他说:“你打我吧!”那人就打他,将他打伤。
Muprofita akawana mumwe murume akati, “Ndapota, ndirove.” Naizvozvo murume uyu akamurova, akamukuvadza.
38 他就去了,用头巾蒙眼,改换面目,在路旁等候王。
Ipapo muprofita akaenda akandomirira mambo pamugwagwa. Akazviita somumwe munhu akakwevera pasi mucheka wake womusoro kuti uvharidzire maziso ake.
39 王从那里经过,他向王呼叫说:“仆人在阵上的时候,有人带了一个人来,对我说:‘你看守这人,若把他失了,你的性命必代替他的性命;不然,你必交出一他连得银子来。’
Mambo paakanga ava kupfuura nepo muprofita akadanidzira kwaari akati, “Muranda wenyu akaenda pakatikati pehondo payakanga ichirwiwa, mumwe munhu akauya kwandiri nomusungwa akati, ‘Chengeta murume uyu. Kana akashayikwa upenyu hwako huchatsiva hwake, kana kuti ucharipa netarenda resirivha.’
40 仆人正在忙乱之间,那人就不见了。”以色列王对他说:“你自己定妥了,必照样判断你。”
Muranda wenyu paakanga ari mubishi rokuita basa pano nekoko, murume uya akanyangarika.” Mambo weIsraeri akati, “Iwoyo ndiwo mutongo wako. Ndiwe wautaura woga.”
41 他急忙除掉蒙眼的头巾,以色列王就认出他是一个先知。
Ipapo muprofita akakurumidza kubvisa mucheka pamaziso ake, mambo weIsraeri akabva amuziva kuti aiva mumwe wavaprofita.
42 他对王说:“耶和华如此说:‘因你将我定要灭绝的人放去,你的命就必代替他的命,你的民也必代替他的民。’”
Akati kuna mambo, “Zvanzi naJehovha: ‘Wakasunungura munhu wandakanga ndati anofanira kufa. Naizvozvo upenyu hwako huchatsiva hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’”
43 于是以色列王闷闷不乐地回到撒马利亚,进了他的宫。
Mambo weIsraeri akaenda kumuzinda wake muSamaria aora mwoyo uye ashatirwa.

< 列王纪上 20 >