< 列王纪上 13 >

1 那时,有一个神人奉耶和华的命从犹大来到伯特利。耶罗波安正站在坛旁要烧香;
Nokuda kweshoko raJehovha munhu waMwari akabva kuJudha akauya kuBheteri, Jerobhoamu paakanga akamira pedyo nearitari ava kupirisa zvinonhuhwira.
2 神人奉耶和华的命向坛呼叫,说:“坛哪,坛哪!耶和华如此说:大卫家里必生一个儿子,名叫约西亚,他必将邱坛的祭司,就是在你上面烧香的,杀在你上面,人的骨头也必烧在你上面。”
Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha: ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuhwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’”
3 当日,神人设个预兆,说:“这坛必破裂,坛上的灰必倾撒,这是耶和华说的预兆。”
Musi mumwe chete iwoyo munhu waMwari akapa chiratidzo akati, “Ichi ndicho chiratidzo chataurwa naJehovha: Aritari ichatsemuka uye madota ari pamusoro payo acharasirwa pasi.”
4 耶罗波安王听见神人向伯特利的坛所呼叫的话,就从坛上伸手,说:“拿住他吧!”王向神人所伸的手就枯干了,不能弯回;
Zvino Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvakanga zvadanidzirwa nomunhu waMwari kuaritari paBheteri, akatambanudza ruoko rwake ruchibva kuaritari akati, “Mubatei!” Asi ruoko rwaakatambanudzira kumurume uyu rwakaoma, zvokuti akatadza kurudzosa zvakare.
5 坛也破裂了,坛上的灰倾撒了,正如神人奉耶和华的命所设的预兆。
Aritariwo yakatsemuka uye madota ayo akarasikira pasi zvichienderana nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari nokuda kweshoko raJehovha.
6 王对神人说:“请你为我祷告,求耶和华—你 神的恩典使我的手复原。”于是神人祈祷耶和华,王的手就复了原,仍如寻常一样。
Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Ndinamatirewo kuna Jehovha Mwari wako uchindinamatira kuti ruoko rwangu ruporeswe.” Naizvozvo munhu waMwari akamunamatira kuna Jehovha ruoko rwamambo rukaporeswa rukaita sezvarwakanga rwakaita pakutanga.
7 王对神人说:“请你同我回去吃饭,加添心力,我也必给你赏赐。”
Mambo akati kumunhu waMwari, “Handei kumba kwangu undowana zvaungadya, uye ndichakupa chipo.”
8 神人对王说:“你就是把你的宫一半给我,我也不同你进去,也不在这地方吃饭喝水;
Asi munhu waMwari akapindura mambo akati, “Kunyange maindipa hafu yezvose zvamunazvo, handaimboenda nemi, uye handaimbodya chingwa kana kunwa mvura kuno.
9 因为有耶和华的话嘱咐我,说不可在伯特利吃饭喝水,也不可从你去的原路回来。”
Nokuti ndakarayirwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura kana kudzoka nenzira yawabva nayo.’”
10 于是神人从别的路回去,不从伯特利来的原路回去。
Saka akaenda neimwe nzira, haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri.
11 有一个老先知住在伯特利,他儿子们来,将神人当日在伯特利所行的一切事和向王所说的话都告诉了父亲。
Zvino paiva nomumwe muprofita akanga ava harahwa aigara muBheteri, vana vake vakauya vakamuudza zvose zvakanga zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBheteri. Vakaudzawo baba vavo zvaakanga ataura kuna mambo.
12 父亲问他们说:“神人从哪条路去了呢?”儿子们就告诉他;原来他们看见那从犹大来的神人所去的路。
Baba vavo vakavabvunza kuti, “Aenda nenzira ipiko?” Zvino vana vake vakamuratidza nzira yakanga yaendwa nayo nomunhu waMwari aibva kuJudha.
13 老先知就吩咐他儿子们说:“你们为我备驴。”他们备好了驴,他就骑上,
Saka akati kuvana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro.” Zvino vakati vamusungirira chigaro pambongoro, akaitasva.
14 去追赶神人,遇见他坐在橡树底下,就问他说:“你是从犹大来的神人不是?”他说:“是。”
Akatevera munhu waMwari. Akamuwana agere pasi pomuti womuouki akamubvunza akati, “Ndiwe here munhu waMwari akabva kuJudha?” Akapindura akati, “Ndini.”
15 老先知对他说:“请你同我回家吃饭。”
Ipapo muprofita akati kwaari, “Handei kumba kwangu undodya.”
16 神人说:“我不可同你回去进你的家,也不可在这里同你吃饭喝水;
Munhu waMwari akati, “Handigoni kudzoka nemi, zvakare handigoni kudya chingwa kana kunwa mvura nemi panzvimbo ino.
17 因为有耶和华的话嘱咐我说:‘你在那里不可吃饭喝水,也不可从你去的原路回来。’”
Ndakaudzwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura ikoko kana kudzoka nenzira yaunenge wauya nayo.’”
18 老先知对他说:“我也是先知,和你一样。有天使奉耶和华的命对我说:‘你去把他带回你的家,叫他吃饭喝水。’”这都是老先知诓哄他。
Muprofita akanga ava harahwa akapindura akati, “Neniwo ndiri muprofita sezvawakaita. Zvino mutumwa ati kwandiri neshoko raJehovha, ‘Dzoka naye kumba kwako kuitira kuti adye chingwa uye anwe mvura.’” Asi akanga achimunyepera.
19 于是神人同老先知回去,在他家里吃饭喝水。
Saka munhu waMwari akadzokera naye akandodya uye akanwa mumba make.
20 二人坐席的时候,耶和华的话临到那带神人回来的先知,
Zvavakanga vachakagara patafura, shoko raJehovha rakauya kumuprofita akanga ava harahwa, uyo akanga amudzosa.
21 他就对那从犹大来的神人说:“耶和华如此说:你既违背耶和华的话,不遵守耶和华—你 神的命令,
Akadanidzira kumunhu waMwari akanga abva kuJudha akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Hauna kuteerera shoko raJehovha uye hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako.
22 反倒回来,在耶和华禁止你吃饭喝水的地方吃了喝了,因此你的尸身不得入你列祖的坟墓。”
Wadzoka ukadya chingwa uye ukanwa mvura munzvimbo yaakakuudza kuti usadya kana kunwa. Naizvozvo mutumbi wako hausi kuzovigwa muguva ramadzibaba ako.’”
23 吃喝完了,老先知为所带回来的先知备驴。
Munhu waMwari paakapedza kudya nokunwa, muprofita akanga amudzosa akamusungirira chigaro pambongoro.
24 他就去了,在路上有个狮子遇见他,将他咬死,尸身倒在路上,驴站在尸身旁边,狮子也站在尸身旁边。
Akati ava munzira, shumba yakasangana naye panzira, ikamuuraya, mutumbi wake ukakandwa munzira, mbongoro neshumba zvikamira pauri.
25 有人从那里经过,看见尸身倒在路上,狮子站在尸身旁边,就来到老先知所住的城里述说这事。
Vamwe vanhu vaipfuura nepo vakaona mutumbi uyu wakakandwa panzira, shumba yakamira parutivi pomutumbi, vakaenda vakandozvitaura muguta maigara muprofita uya akanga ava harahwa.
26 那带神人回来的先知听见这事,就说:“这是那违背了耶和华命令的神人,所以耶和华把他交给狮子;狮子抓伤他,咬死他,是应验耶和华对他说的话。”
Muprofita akanga amudzosa parwendo rwake paakazvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari asina kuteerera shoko raJehovha. Jehovha amupa kushumba, iyo yamubvambura nokumuuraya, sokumuyambira kwakanga kwaita shoko raJehovha.”
27 老先知就吩咐他儿子们说:“你们为我备驴。”他们就备了驴。
Muprofita akati kuvanakomana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro,” ivo vakaita saizvozvo.
28 他去了,看见神人的尸身倒在路上,驴和狮子站在尸身旁边,狮子却没有吃尸身,也没有抓伤驴。
Ipapo akaenda akandoona mutumbi wakakandwa panzira, mbongoro neshumba zvakamira parutivi pawo. Shumba yakanga isina kudya mutumbi kana kubvambura mbongoro.
29 老先知就把神人的尸身驮在驴上,带回自己的城里,要哀哭他,葬埋他;
Saka muprofita akasimudza mutumbi womunhu waMwari, akauisa pamusoro pembongoro akadzoka nawo kuguta rake kuti andomuchema uye amuvige.
30 就把他的尸身葬在自己的坟墓里,哀哭他,说:“哀哉!我兄啊。”
Akaisa mutumbi wake muguva rake, vakamuchema vakati, “Yowe-e, hama yangu!”
31 安葬之后,老先知对他儿子们说:“我死了,你们要葬我在神人的坟墓里,使我的尸骨靠近他的尸骨,
Mushure mokumuviga, akati kuvanakomana vake, “Kana ndafa, mundivige muguva mataviga munhu waMwari; muise mapfupa angu parutivi peake.
32 因为他奉耶和华的命指着伯特利的坛和撒马利亚各城有邱坛之殿所说的话必定应验。”
Nokuti zvaakataura neshoko raJehovha pamusoro pearitari iri muBheteri napamusoro pedzimba dzose dziri panzvimbo dzakakwirira mumaguta eSamaria zvichaitika saizvozvo.”
33 这事以后,耶罗波安仍不离开他的恶道,将凡民立为邱坛的祭司;凡愿意的,他都分别为圣,立为邱坛的祭司。
Kunyange shure kwaizvozvi, Jerobhoamu haana kupinduka pamaitiro ake akaipa, asi akasarudzazve vaprista venzvimbo dzakakwirira kubva kuvanhu vakangosiyana-siyana. Munhu wose wose aida kuva muprista aigadzwa kuti ashande panzvimbo dzakakwirira.
34 这事叫耶罗波安的家陷在罪里,甚至他的家从地上除灭了。
Ichi ndicho chivi cheimba yaJerobhoamu chakaita kuti iwe uye iparare pamusoro penyika.

< 列王纪上 13 >