< 历代志上 17 >

1 大卫住在自己宫中,对先知拿单说:“看哪,我住在香柏木的宫中,耶和华的约柜反在幔子里。”
Shure kwokunge Dhavhidhi agara mumuzinda wake akati kuna Natani muprofita, “Ndiri pano zvangu ndigere mumuzinda womusidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi peTende.”
2 拿单对大卫说:“你可以照你的心意而行,因为 神与你同在。”
Natani akapindura kuna Dhavhidhi akati, “Zvose zvamunazvo mupfungwa itai nokuti Mwari anemi.”
3 当夜, 神的话临到拿单,说:
Usiku ihwohwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani richiti:
4 “你去告诉我仆人大卫,说耶和华如此说:‘你不可建造殿宇给我居住。
“Enda unotaurira muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Hausiwe uchandivakira imba yokugara.
5 自从我领以色列人出埃及,直到今日,我未曾住过殿宇,乃从这会幕到那会幕,从这帐幕到那帐幕。
Handina kumbogara mumba kubvira zuva randakaburitsa Israeri kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi. Ndaifamba kubva mutende ndichienda mune rimwe, kubva pane imwe nzvimbo yokugara ndichienda pane imwe.
6 凡我同以色列人所走的地方,我何曾向以色列的一个士师,就是我吩咐牧养我民的说:你为何不给我建造香柏木的殿宇呢?’
Kwose kwose kwandakafamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe zvake wavatungamiri vavo, wandairayira kuti afudze vanhu vangu, “Seiko usina kundivakira imba yomusidhari?”’
7 现在你要告诉我仆人大卫,说万军之耶和华如此说:‘我从羊圈中将你召来,叫你不再跟从羊群,立你作我民以色列的君。
“Zvino naizvozvo udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mutongi wavanhu vangu Israeri.
8 你无论往哪里去,我常与你同在,剪除你的一切仇敌;我必使你得大名,好像世上大大有名的人一样。
Ndakanga ndinewe kwose kwawaienda uye ndakauraya vavengi vako vose pamberi pako. Zvino ndichaita kuti zita rako rive samazita avarume vakuru kwazvo panyika.
9 我必为我民以色列选定一个地方,栽培他们,使他们住自己的地方,不再迁移;凶恶之子也不像从前扰害他们,
Uye ndichapa nzvimbo kuvanhu vangu Israeri uye ndichavadyara kuti vave nomusha wavo pachavo uye kuti vasazokanganiswa. Vanhu vakaipa havangazovadzvinyiriri zvakare sezvavakavaita pakutanga
10 并不像我命士师治理我民以色列的时候一样。我必治服你的一切仇敌,并且我—耶和华应许你,必为你建立家室。
uye sezvavakaita kubvira panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu Israeri. Ndichakundawo vavengi venyu vose. “‘Ndinokuudza kuti Jehovha achakuvakira imba:
11 你寿数满足归你列祖的时候,我必使你的后裔接续你的位,我也必坚定他的国。
Kana mazuva ako akwana uye pauchaenda kundova namadzibaba ako, ndichasimudza mwana wako achakutevera paumambo, mumwe wavanakomana vako pachako uye ndichasimbisa umambo hwake.
12 他必为我建造殿宇;我必坚定他的国位直到永远。
Iyeye ndiye achandivakira imba, uye ndichasimbisa chigaro chake choumambo nokusingaperi.
13 我要作他的父,他要作我的子;并不使我的慈爱离开他,像离开在你以前的扫罗一样。
Ndichava baba vake uye iye achava mwanakomana wangu. Handizobvisi rudo rwangu kwaari zvakare sokurubvisa kwandakaita kune akakutangira.
14 我却要将他永远坚立在我家里和我国里;他的国位也必坚定,直到永远。’”
Ndichamugadza kuti atonge imba yangu noumambo hwangu nokusingaperi; chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.’”
15 拿单就按这一切话,照这默示告诉大卫。
Natani akandotaura kuna Dhavhidhi mashoko ose echiratidzo chose ichi.
16 于是大卫王进去,坐在耶和华面前,说:“耶和华 神啊,我是谁,我的家算什么,你竟使我到这地步呢?
Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda akagara pamberi paMwari akati: “Ndini aniko, nhai Jehovha Mwari, uye mhuri yangu chiiko, kuti mandisvitsawo pano?
17 神啊,这在你眼中还看为小,又应许你仆人的家至于久远。耶和华 神啊,你看顾我好像看顾高贵的人。
Uye sokuti izvi hazvina kukwana pamberi penyu, haiwa Mwari, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Mandiona sokunge ndini ndinokudzwa kupinda vanhu vose, imi Jehovha Mwari.
18 你加于仆人的尊荣,我还有何言可说呢?因为你知道你的仆人。
“Chiizve chimwe chingataurwa naDhavhidhi kwamuri nokuda kwokuti maremekedza muranda wenyu kudai? Nokuti munoziva muranda wenyu,
19 耶和华啊,你行了这大事,并且显明出来,是因你仆人的缘故,也是照你的心意。
imi Jehovha, nokuda kwomuranda wenyu uye maererano nokuda kwenyu maita chinhu chikuru ichi mukaita kuti zvivimbiso izvi zvikuru zviziviswe.
20 耶和华啊,照我们耳中听见,没有可比你的,除你以外再无 神。
“Hakuna mumwe akaita semi, imi Jehovha, uye hakuna Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu pachedu.
21 世上有何民能比你的民以色列呢?你 神从埃及救赎他们作自己的子民,又在你赎出来的民面前行大而可畏的事,驱逐列邦人,显出你的大名。
Uye ndiani akaita savanhu venyu Israeri, rudzi rumwe chete panyika runa Mwari warwo akaenda kundozvidzikinurira vanhu, kuti azviitire zita, uye kuti aite zvishamiso zvikuru zvinotyisa, nokudzinga ndudzi kubva pamberi pavanhu venyu vamakadzikinura kubva kuIjipiti?
22 你使以色列人作你的子民,直到永远;你—耶和华也作他们的 神。
Makazvigadzirira vanhu venyu Israeri kuti vave venyu pachenyu nokusingaperi, uye imi, imi Jehovha, mava Mwari wavo.
23 耶和华啊,你所应许仆人和仆人家的话,求你坚定,直到永远,照你所说的而行。
“Uye zvino, Jehovha, itai kuti chivimbiso chamaita kumuranda wenyu neimba yake chisimbiswe nokusingaperi. Itai sezvamakavimbisa,
24 愿你的名永远坚立,被尊为大,说:‘万军之耶和华是以色列的 神,是治理以色列的 神。’这样,你仆人大卫的家必在你面前坚立。
kuitira kuti chisimbiswe uye kuti zita renyu rive guru nokusingaperi. Ipapo vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ndiye Mwari waIsraeri.’ Uye imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
25 我的 神啊,因你启示仆人说,我必为你建立家室,所以仆人大胆在你面前祈祷。
“Imi Mwari wangu, mazivisa muranda wenyu kuti muchamuvakira imba. Saka muranda wenyu atsunga kuti anyengetere kwamuri.
26 耶和华啊,惟有你是 神,你也应许将这福气赐给仆人。
Haiwa Jehovha, muri Mwari! Mavimbisawo zvinhu izvi zvakanaka kumuranda wenyu.
27 现在你喜悦赐福与仆人的家,可以永存在你面前。耶和华啊,你已经赐福,还要赐福到永远。”
Zvino makafadzwa kuti muropafadze imba yomuranda wenyu kuti ienderere mberi nokusingaperi pamberi penyu, nokuti imi, imi Jehovha, mairopafadza uye ichava yakaropafadzwa nokusingaperi.”

< 历代志上 17 >