Aionian Verses

Matthew 5:22 (Mateo 5:22)
(parallel missing)
asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, achava nemhosva yemutongo; neanoti kune umwe wake: Dununu! achava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! achava nemhosva yegehena remoto. (Geenna g1067)
Matthew 5:29 (Mateo 5:29)
(parallel missing)
Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena. (Geenna g1067)
Matthew 5:30 (Mateo 5:30)
(parallel missing)
Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urasire kure newe; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena. (Geenna g1067)
Matthew 10:28 (Mateo 10:28)
(parallel missing)
Uye musatya vanouraya muviri, asi havagoni kuuraya mweya; asi mutye zvikuru uyo anogona kuparadza zvese mweya nemuviri mugehena. (Geenna g1067)
Matthew 11:23 (Mateo 11:23)
(parallel missing)
Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muhadhesi; nokuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino. (Hadēs g86)
Matthew 12:32 (Mateo 12:32)
(parallel missing)
Uye ani nani anotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu achakanganwirwa; asi ani nani anotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya. (aiōn g165)
Matthew 13:22 (Mateo 13:22)
(parallel missing)
Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki. (aiōn g165)
Matthew 13:39 (Mateo 13:39)
(parallel missing)
Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa. (aiōn g165)
Matthew 13:40 (Mateo 13:40)
(parallel missing)
Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino. (aiōn g165)
Matthew 13:49 (Mateo 13:49)
(parallel missing)
Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama, (aiōn g165)
Matthew 16:18 (Mateo 16:18)
(parallel missing)
Neni ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena haangaikundi. (Hadēs g86)
Matthew 18:8 (Mateo 18:8)
(parallel missing)
Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi. (aiōnios g166)
Matthew 18:9 (Mateo 18:9)
(parallel missing)
Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto. (Geenna g1067)
Matthew 19:16 (Mateo 19:16)
(parallel missing)
Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi? (aiōnios g166)
Matthew 19:29 (Mateo 19:29)
(parallel missing)
Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
Matthew 21:19 (Mateo 21:19)
(parallel missing)
Zvino wakati achiona umwe muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvikira narinhi. Pakarepo muonde ukasvava. (aiōn g165)
Matthew 23:15 (Mateo 23:15)
(parallel missing)
Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri. (Geenna g1067)
Matthew 23:33 (Mateo 23:33)
(parallel missing)
Imwi nyoka, zvizvarwa zvezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena? (Geenna g1067)
Matthew 24:3 (Mateo 24:3)
(parallel missing)
Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi? (aiōn g165)
Matthew 25:41 (Mateo 25:41)
(parallel missing)
Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake. (aiōnios g166)
Matthew 25:46 (Mateo 25:46)
(parallel missing)
Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
Matthew 28:20 (Mateo 28:20)
(parallel missing)
muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurairai; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni. (aiōn g165)
Mark 3:29 (Mako 3:29)
(parallel missing)
asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvikira narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi. (aiōn g165, aiōnios g166)
Mark 4:19 (Mako 4:19)
(parallel missing)
asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki. (aiōn g165)
Mark 9:43 (Mako 9:43)
(parallel missing)
Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki, (Geenna g1067)
Mark 9:45 (Mako 9:45)
(parallel missing)
Uye kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena, mumoto usingadzimiki, (Geenna g1067)
Mark 9:47 (Mako 9:47)
(parallel missing)
Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto, (Geenna g1067)
Mark 10:17 (Mako 10:17)
(parallel missing)
Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? (aiōnios g166)
Mark 10:30 (Mako 10:30)
(parallel missing)
asingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda, pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya. (aiōn g165, aiōnios g166)
Mark 11:14 (Mako 11:14)
(parallel missing)
Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nemunhu anozodyazve zvibereko pauri kusvika kusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa. (aiōn g165)
y sinará Crallis deltó andré o quer de Jacob. Y desquero chim na terelará anda. (aiōn g165)
Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo. (aiōn g165)
Andiar sasta penó á amáres batuces, á Abraham y á sus chaborés deltó. (aiōn g165)
sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
Como penó por mui de sus majarés Prophetas, andré os sarés gresés. (aiōn g165)
sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare; (aiōn g165)
Y le manguelaban, que na os bichabase al butron. (Abyssos g12)
Akamukumbirisa kuti arege kumaraira kuti aende kugomba risina chigadziko. (Abyssos g12)
Y tucue, Capharnaúm, ardiñado disde o Charos, disde o butrón sinarás chibado ostely. (Hadēs g86)
Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi kuhadhesi. (Hadēs g86)
Y se ardiñó yeque Chande de la Eschastra, y le penó somia pesquilarle: ¿Duquendio, que quereláre somia terelar chipen deltó? (aiōnios g166)
Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? (aiōnios g166)
Tami menda penaré sangue á coin jomte terelar dal: Terelad dal á ocola, sos despues de nicobar a chipen, terela ezor de bucharar al butron: andiar sangue penelo, a ocona terelad dal. (Geenna g1067)
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye anoti shure kwekuuraya ane simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye. (Geenna g1067)
Y loó ó erañó al queresquero choro, presas queró saro cuerdamente: presas os chai de ocona gré chanelan butér andré su beda, que os chai e dut. (aiōn g165)
Zvino ishe wakarumbidza mutariri asakarurama, nokuti wakange aita nekuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza. (aiōn g165)
Menda sangue penelo: Que quereleis monres es manchines e choripen; somia que pur perareis, ustilelen sangue andré eternos querés. (aiōnios g166)
Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi. (aiōnios g166)
Y ardiñelando as aquias, pur sinaba andré os jacháres, diqueló de muy dur á Abraham, y á Lazaro andré desquero chepo: (Hadēs g86)
Zvino ari muhadhesi wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachifuva chake. (Hadēs g86)
Y le puchabó yeque tintin baro, penando: Duquendio lacho, ¿qué querelaré somia alachar a chipen que na marela? (aiōnios g166)
Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? (aiōnios g166)
Sos na terele de alachar baribu butér andré ocona chiros; y andré o chim que abillele a chipen que na marela. (aiōn g165, aiōnios g166)
asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi. (aiōn g165, aiōnios g166)
Y Jesus les penó: Os chabores de ocona sueti se romandiñelan, y sinelan diñados en romandiñipen: (aiōn g165)
Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa; (aiōn g165)
Tami junos sos sinarán juzgados cabalicos de ocola sueti, y e resurreccion es mulés, na se romandiñarán, ni sinarán diñados en romandiñipen. (aiōn g165)
asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kubva kuvakafa havawani kana kuwaniswa; (aiōn g165)
John 3:16 (Johani 3:16)
(parallel missing)
Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe ega, kuti ani nani anotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
John 3:36 (Johani 3:36)
(parallel missing)
Iye anotenda kuMwanakomana ane upenyu husingaperi; asi iye asingatendi kuMwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake. (aiōnios g166)
John 4:14 (Johani 4:14)
(parallel missing)
asi ani nani anonwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu husingaperi. (aiōn g165, aiōnios g166)
John 4:36 (Johani 4:36)
(parallel missing)
Zvino anokohwa anogamuchira mubairo, uye anounganidza zvibereko muupenyu husingaperi; kuti vaviri anokusha neanokohwa vafare pamwe. (aiōnios g166)
John 5:24 (Johani 5:24)
(parallel missing)
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, ane upenyu husingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura kubva murufu akaenda muupenyu. (aiōnios g166)
John 5:39 (Johani 5:39)
(parallel missing)
Nzverai magwaro, nokuti imwi munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu. (aiōnios g166)
John 6:27 (Johani 6:27)
(parallel missing)
Musashandira kudya kunoparara, asi kudya kunogara kusvika kuupenyu husingaperi, Mwanakomana wemunhu kwaachakupai; nokuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo. (aiōnios g166)
John 6:40 (Johani 6:40)
(parallel missing)
Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wese anoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. (aiōnios g166)
John 6:47 (Johani 6:47)
(parallel missing)
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, ane upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
John 6:51 (Johani 6:51)
(parallel missing)
Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, achararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika. (aiōn g165)
John 6:54 (Johani 6:54)
(parallel missing)
Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. (aiōnios g166)
John 6:58 (Johani 6:58)
(parallel missing)
Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana akafa; anodya chingwa ichi, achararama nekusingaperi. (aiōn g165)
John 6:68 (Johani 6:68)
(parallel missing)
Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Imwi mune mashoko eupenyu husingaperi, (aiōnios g166)
John 8:35 (Johani 8:35)
(parallel missing)
Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi. (aiōn g165)
John 8:51 (Johani 8:51)
(parallel missing)
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi. (aiōn g165)
John 8:52 (Johani 8:52)
(parallel missing)
Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi. (aiōn g165)
John 9:32 (Johani 9:32)
(parallel missing)
Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu. (aiōn g165)
John 10:28 (Johani 10:28)
(parallel missing)
uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu. (aiōn g165, aiōnios g166)
John 11:26 (Johani 11:26)
(parallel missing)
uye umwe neumwe anorarama uye anotenda kwandiri, haangatongofi nekusingaperi. Unotenda izvi here? (aiōn g165)
John 12:25 (Johani 12:25)
(parallel missing)
Anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo; neanovenga upenyu hwake panyika ino achahuchengetedza kusvikira kuupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
John 12:34 (Johani 12:34)
(parallel missing)
Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu achagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu? (aiōn g165)
John 12:50 (Johani 12:50)
(parallel missing)
Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu husingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura. (aiōnios g166)
John 13:8 (Johani 13:8)
(parallel missing)
Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni. (aiōn g165)
John 14:16 (Johani 14:16)
(parallel missing)
Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi, (aiōn g165)
John 17:2 (Johani 17:2)
(parallel missing)
sezvo makamupa simba pamusoro penyama yese, kuti vese vamakamupa, avape upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
John 17:3 (Johani 17:3)
(parallel missing)
Uye uhu upenyu husingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari wega wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. (aiōnios g166)
Acts 2:27 (Mabasa 2:27)
(parallel missing)
Nokuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora. (Hadēs g86)
Acts 2:31 (Mabasa 2:31)
(parallel missing)
aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora. (Hadēs g86)
Acts 3:21 (Mabasa 3:21)
(parallel missing)
wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvese, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vese kubva panguva dzakare. (aiōn g165)
Acts 13:46 (Mabasa 13:46)
(parallel missing)
Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni. (aiōnios g166)
Acts 13:48 (Mabasa 13:48)
(parallel missing)
Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevese vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda; (aiōnios g166)
Acts 15:18 (Mabasa 15:18)
(parallel missing)
Anozikanwa kuna Mwari mabasa ake ese kubva pakusingaperi. (aiōn g165)
Romans 1:20 (VaRoma 1:20)
(parallel missing)
Nokuti zvisingaonekwi zvake, kubva pakusikwa kwenyika, zvinonzwisisika pazvinhu zvakaitwa, zvinooneswa pachena, simba rake rekusingaperi pamwe neuMwari hwake, kuti vasava nemanzvengero; (aïdios g126)
Romans 1:25 (VaRoma 1:25)
(parallel missing)
avo vakashandurira chokwadi chaMwari kunhema, uye vakanamata nekushumira chisikwa kupfuura Musiki, iye anorumbidzwa nekusingaperi. Ameni. (aiōn g165)
Romans 2:7 (VaRoma 2:7)
(parallel missing)
upenyu husingaperi kune vanotsungirira pakuita kwakanaka vanotsvaka kubwinya nekukudzwa nekusafa; (aiōnios g166)
Romans 5:21 (VaRoma 5:21)
(parallel missing)
kuti chivi sezvachakatonga murufu, saizvozvo nenyasha dzitonge nekururama kusvika kuupenyu husingaperi, naJesu Kristu Ishe wedu. (aiōnios g166)
Romans 6:22 (VaRoma 6:22)
(parallel missing)
Asi ikozvino zvamakasunungurwa pachivi, mukaitwa varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye mugumo upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
Romans 6:23 (VaRoma 6:23)
(parallel missing)
Nokuti mubairo wechivi rufu, asi chipo chenyasha chaMwari upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. (aiōnios g166)
Romans 9:5 (VaRoma 9:5)
(parallel missing)
madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, ari pamusoro pezvese, Mwari anokudzwa narinhi. Ameni. (aiōn g165)
Romans 10:7 (VaRoma 10:7)
(parallel missing)
kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa. (Abyssos g12)
Romans 11:32 (VaRoma 11:32)
(parallel missing)
nokuti Mwari wakavapfigira vese mukusateera, kuti ave netsitsi kwavari vese. (eleēsē g1653)
Romans 11:36 (VaRoma 11:36)
(parallel missing)
Nokuti zvese zvinobva kwaari, nemaari, zvinoenda kwaari; kubwinya ngakuve kwaari kusvika narinhi. Ameni. (aiōn g165)
Romans 12:2 (VaRoma 12:2)
(parallel missing)
Uye musazvifananidza nenyika ino, asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa yenyu, kuti muidze chiri chido chaMwari chakanaka uye chinogamuchirika uye chakazara. (aiōn g165)
Romans 16:25 (VaRoma 16:25)
(parallel missing)
Zvino kune ane simba rekukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, zvichienderana nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kutaurwa zvakavanzwa nguva dzakare, (aiōnios g166)
Romans 16:26 (VaRoma 16:26)
(parallel missing)
asi ikozvino zvinoratidzwa, uye nemagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ese pakuteerera kwerutendo, (aiōnios g166)
Romans 16:27 (VaRoma 16:27)
(parallel missing)
kuna Mwari iye wakachenjera ega ngakuve nekurumbidzwa naJesu Kristu, kusvika narinhi. Ameni. (aiōn g165)
1-Corinthians 1:20 (1 VaKorinde 1:20)
(parallel missing)
Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? (aiōn g165)
1-Corinthians 2:6 (1 VaKorinde 2:6)
(parallel missing)
Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi njere dzisati dziri dzenyika ino, kana dzevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo; (aiōn g165)
1-Corinthians 2:7 (1 VaKorinde 2:7)
(parallel missing)
asi tinotaura njere dzaMwari muchakavanzika, dzakavigwa, Mwari dzaakagara agadza nyika isati yavapo dzive kubwinya kwedu; (aiōn g165)
1-Corinthians 2:8 (1 VaKorinde 2:8)
(parallel missing)
dzisina umwe wevatongi venyika ino wakaziva; nokuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Ishe wekubwinya. (aiōn g165)
1-Corinthians 3:18 (1 VaKorinde 3:18)
(parallel missing)
Ngakurege kuva neanozvinyengera; kana umwe pakati penyu achifunga kuti wakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera. (aiōn g165)
1-Corinthians 8:13 (1 VaKorinde 8:13)
(parallel missing)
Naizvozvo kana kudya kuchigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu. (aiōn g165)
1-Corinthians 10:11 (1 VaKorinde 10:11)
(parallel missing)
Zvinhu izvi zvese zvakavawirawo kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nemagumo enyika. (aiōn g165)
1-Corinthians 15:55 (1 VaKorinde 15:55)
(parallel missing)
Iwe rufu, rumborera rwako rwuripi? Iwe guva, kukunda kwako kuripi? (Hadēs g86)
2-Corinthians 4:4 (2 VaKorinde 4:4)
(parallel missing)
kwavari mwari wenyika ino wakapofumadza fungwa dzevasingatendi, kuti chiedza cheevhangeri yekubwinya yaKristu ari mufananidzo waMwari chisavhenekera kwavari. (aiōn g165)
2-Corinthians 4:17 (2 VaKorinde 4:17)
(parallel missing)
Nokuti dambudziko redu rakareruka riripo kwechinguva chidiki, rinotiitira uremu hwekubwinya kukurusa kusingaperi; (aiōnios g166)
2-Corinthians 4:18 (2 VaKorinde 4:18)
(parallel missing)
tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvisingaonekwi ndezvekusingaperi. (aiōnios g166)
2-Corinthians 5:1 (2 VaKorinde 5:1)
(parallel missing)
Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika yetende ichiputswa, tine chivakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuitwa nemaoko, isingaperi kumatenga. (aiōnios g166)
2-Corinthians 9:9 (2 VaKorinde 9:9)
(parallel missing)
sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaparadzira, wakapa varombo; kururama kwake kunogara nekusingaperi. (aiōn g165)
2-Corinthians 11:31 (2 VaKorinde 11:31)
(parallel missing)
Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, anorumbidzwa kusvikira rinhi narinhi, anoziva kuti handirevi nhema. (aiōn g165)
Galatians 1:4 (VaGaratia 1:4)
(parallel missing)
wakazvipa nekuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure panyika yakaipa yaikozvino, maererano nechido chaMwari naBaba vedu; (aiōn g165)
Galatians 1:5 (VaGaratia 1:5)
(parallel missing)
kuve nekubwinya kwaari kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
Galatians 6:8 (VaGaratia 6:8)
(parallel missing)
Nokuti anodzvara kunyama yake, achakohwa kuora kunobva panyama; asi anodzvara kuMweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva kuMweya. (aiōnios g166)
Ephesians 1:21 (VaEfeso 1:21)
(parallel missing)
kumusoro-soro kweutongi hwese, nesimba, neukuru, neushe, nezita rega-rega rinodanwa, kwete kwenguva ino chete, asi kune inouyawo; (aiōn g165)
Ephesians 2:2 (VaEfeso 2:2)
(parallel missing)
izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera; (aiōn g165)
Ephesians 2:7 (VaEfeso 2:7)
(parallel missing)
kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu. (aiōn g165)
Ephesians 3:9 (VaEfeso 3:9)
(parallel missing)
nekuita kuti vese vaone kuti kudyidzana kwakadini kwechakavanzika chakange chakavigwa muna Mwari kubva pakuvamba kwenyika, wakasika zvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, (aiōn g165)
Ephesians 3:11 (VaEfeso 3:11)
(parallel missing)
sechiga chekusingaperi chaakatema muna Kristu Jesu Ishe wedu; (aiōn g165)
Ephesians 3:21 (VaEfeso 3:21)
(parallel missing)
kwaari ngakuve nekubwinya mukereke naKristu Jesu kusvikira kumarudzi ese narinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
Ephesians 6:12 (VaEfeso 6:12)
(parallel missing)
nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga. (aiōn g165)
Philippians 4:20 (VaFiripi 4:20)
(parallel missing)
Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
Colossians 1:26 (VaKorose 1:26)
(parallel missing)
chakavanzika chakange chakavanzwa kubvira kare uye kubva kumazera, asi ikozvino chinoratidzwa kuvatsvene vake, (aiōn g165)
2-Thessalonians 1:9 (2 VaTesaronika 1:9)
(parallel missing)
vacharangwa nekuparadza kusingaperi, vabviswe pamberi paIshe, nepakubwinya kwesimba rake, (aiōnios g166)
2-Thessalonians 2:16 (2 VaTesaronika 2:16)
(parallel missing)
Zvino Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, kunyange Baba vedu vakatida, vakapa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka munyasha, (aiōnios g166)
1-Timothy 1:16 (1 Timoti 1:16)
(parallel missing)
asi nekuda kweizvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ndinova mukuru, Jesu Kristu aratidze moyo murefu wese, uve muenzaniso kune vanozotenda kwaari, paupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
1-Timothy 1:17 (1 Timoti 1:17)
(parallel missing)
Zvino kuna Mambo wekusingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari wega wakachenjera, ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
1-Timothy 6:12 (1 Timoti 6:12)
(parallel missing)
Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, batisisa upenyu husingaperi, hwawakadanirwawo kwahuri, ukabvumawo kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. (aiōnios g166)
1-Timothy 6:16 (1 Timoti 6:16)
(parallel missing)
iye ega ane kusafa, agere pachiedza chisingasvikiki, hakuna umwe wevanhu wakambomuona, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni. (aiōnios g166)
1-Timothy 6:17 (1 Timoti 6:17)
(parallel missing)
Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi muna Mwari mupenyu, anotipa zvinhu zvese achiwanza kuti tifare; (aiōn g165)
2-Timothy 1:9 (2 Timoti 1:9)
(parallel missing)
wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake pachake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nhambo dzenguva dzisati dzavapo, (aiōnios g166)
2-Timothy 2:10 (2 Timoti 2:10)
(parallel missing)
Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi. (aiōnios g166)
2-Timothy 4:10 (2 Timoti 4:10)
(parallel missing)
Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDharimatia. (aiōn g165)
2-Timothy 4:18 (2 Timoti 4:18)
(parallel missing)
Uye Ishe achandirwira pabasa rese rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
Titus 1:2 (Tito 1:2)
(parallel missing)
patariro yeupenyu husingaperi, uhwo Mwari asingagoni kureva nhema hwaakavimbisa nhambo dzenguva dzisati dzavapo, (aiōnios g166)
Titus 2:12 (Tito 2:12)
(parallel missing)
dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino, (aiōn g165)
Titus 3:7 (Tito 3:7)
(parallel missing)
kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tive vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
Philemon 1:15 (Firimoni 1:15)
(parallel missing)
Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi; (aiōnios g166)
Hebrews 1:2 (VaHebheru 1:2)
(parallel missing)
pamazuva awa ekupedzisira akataura kwatiri muMwanakomana, waakagadza mudyi wenhaka wezvinhu zvese, waakaitawo naye nyika, (aiōn g165)
Hebrews 1:8 (VaHebheru 1:8)
(parallel missing)
asi kuMwanakomana anoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama itsvimbo yeushe hwenyu. (aiōn g165)
Hebrews 5:6 (VaHebheru 5:6)
(parallel missing)
Sepamwewo anoti: Ndiwe mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki. (aiōn g165)
Hebrews 5:9 (VaHebheru 5:9)
(parallel missing)
akatiwo aitwa wakaperedzerwa, akava muvambi weruponeso rwusingaperi kune vese vanomuteerera; (aiōnios g166)
Hebrews 6:2 (VaHebheru 6:2)
(parallel missing)
yedzidziso yebhabhatidzo, neyekuisa maoko, neyekumuka kwevakafa, neyekutonga kwekusingaperi. (aiōnios g166)
Hebrews 6:5 (VaHebheru 6:5)
(parallel missing)
vakaravira shoko rakanaka raMwari, nemasimba enyika inouya, (aiōn g165)
Hebrews 6:20 (VaHebheru 6:20)
(parallel missing)
apo nhungamiri payakatipindira, iye Jesu, wakaitwa mupristi mukuru nekusingaperi, kubva kurudzi rwaMerikizedheki. (aiōn g165)
Hebrews 7:17 (VaHebheru 7:17)
(parallel missing)
Nokuti anopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki. (aiōn g165)
Hebrews 7:21 (VaHebheru 7:21)
(parallel missing)
(nokuti ivo vakava vapristi pasina mhiko, asi iye nemhiko, kubudikidza naiye wakati kwaari: Ishe wakapika uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki); (aiōn g165)
Hebrews 7:24 (VaHebheru 7:24)
(parallel missing)
Asi uyu, nokuti anogara nekusingaperi ane upristi husingapfuuri. (aiōn g165)
Hebrews 7:28 (VaHebheru 7:28)
(parallel missing)
Nokuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru, vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwana nekusingaperi. (aiōn g165)
Hebrews 9:12 (VaHebheru 9:12)
(parallel missing)
uye kwete neropa rembudzi nemhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe panzvimbo tsvene, awana rudzikunuro rwusingaperi. (aiōnios g166)
Hebrews 9:14 (VaHebheru 9:14)
(parallel missing)
zvikuru sei ropa raKristu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvibaira kuna Mwari asina gwapa, richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, pakushumira Mwari mupenyu? (aiōnios g166)
Hebrews 9:15 (VaHebheru 9:15)
(parallel missing)
Uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti sezvo rufu rwakasvika pakudzikunurwa kwekudarika pasungano yekutanga, avo vakadanwa vagogamuchira chivimbiso chenhaka isingaperi. (aiōnios g166)
Hebrews 9:26 (VaHebheru 9:26)
(parallel missing)
dai zvakange zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi ikozvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva kuti abvise chivi kubudikidza nechibairo chake amene. (aiōn g165)
Hebrews 11:3 (VaHebheru 11:3)
(parallel missing)
Nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakarongwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinoonekwa. (aiōn g165)
Hebrews 13:8 (VaHebheru 13:8)
(parallel missing)
Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi, nekusingaperi. (aiōn g165)
Hebrews 13:20 (VaHebheru 13:20)
(parallel missing)
Zvino Mwari werugare, wakadzosa kubva kuvakafa Mufudzi mukuru wemakwai, neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu, (aiōnios g166)
Hebrews 13:21 (VaHebheru 13:21)
(parallel missing)
ngaakupereredzei pabasa rese rakanaka kuti muite chido chake, achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Kristu, ngaave nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
James 3:6 (Jakobho 3:6)
(parallel missing)
Nerurimi moto, nyika yeuipi; ndizvo zvakaita rurimi rwakaiswa pakati pemitezo yedu, rwunosvibisa muviri wese, nekutungidza nzira yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena. (Geenna g1067)
1-Peter 1:23 (1 Petro 1:23)
(parallel missing)
maberekwa kutsva kwete zvichibva pambeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari rinorarama nekugara nekusingaperi. (aiōn g165)
1-Peter 1:25 (1 Petro 1:25)
(parallel missing)
asi shoko raIshe rinogara nekusingaperi. Uye iri ishoko rakaparidzirwa kwamuri neevhangeri. (aiōn g165)
1-Peter 4:11 (1 Petro 4:11)
(parallel missing)
Kana umwe achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana umwe achishumira ngazviitwe sezvinobva kusimba Mwari raanopa; kuti Mwari akudzwe pazvinhu zvese kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
1-Peter 5:10 (1 Petro 5:10)
(parallel missing)
Asi Mwari wenyasha dzese, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye anokupedzeredzai nekukutsigisai, nekukupai simba, nekukuteyai. (aiōnios g166)
1-Peter 5:11 (1 Petro 5:11)
(parallel missing)
Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
2-Peter 1:11 (2 Petro 1:11)
(parallel missing)
Nokuti saizvozvo muchawedzerwa zvakanyanya kupinda muushe husingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. (aiōnios g166)
2-Peter 2:4 (2 Petro 2:4)
(parallel missing)
Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira mugehena achivakumikidza kumaketeni erima kuti vachengeterwe mutongo; (Tartaroō g5020)
2-Peter 3:18 (2 Petro 3:18)
(parallel missing)
Asi kurai munyasha neparuzivo rwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. Rukudzo ngaruende kwaari ikozvinowo uye kusvika zuva rekusingaperi. Ameni. (aiōn g165)
1-John 1:2 (1 Johani 1:2)
(parallel missing)
(uye upenyu hwakaratidzwa, tikahuonawo, uye tinopupura nekukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakange huna Baba, hukaratidzwawo kwatiri); (aiōnios g166)
1-John 2:17 (1 Johani 2:17)
(parallel missing)
Uye nyika inopfuura, nekuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari anogara kusvika rinhi narinhi. (aiōn g165)
1-John 2:25 (1 Johani 2:25)
(parallel missing)
Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa iye, upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
1-John 3:15 (1 Johani 3:15)
(parallel missing)
Ani nani anovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakutongorina mhondi ine upenyu husingaperi hunogara mairi. (aiōnios g166)
1-John 5:11 (1 Johani 5:11)
(parallel missing)
Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake. (aiōnios g166)
1-John 5:13 (1 Johani 5:13)
(parallel missing)
Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari. (aiōnios g166)
1-John 5:20 (1 Johani 5:20)
(parallel missing)
Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
2-John 1:2 (2 Johani 1:2)
(parallel missing)
nekuda kwechokwadi chinogara matiri, uye chichava nesu nekusingaperi. (aiōn g165)
Jude 1:6 (Judha 1:6)
(parallel missing)
Nevatumwa vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya ugaro hwavo pachavo, wakavachengetera kutonga kwezuva guru nezvisungo zvekusingaperi pasi perima. (aïdios g126)
Jude 1:7 (Judha 1:7)
(parallel missing)
SeSodhoma neGomora, nemaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo, nekutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo pachena, akatambudzika pakurangwa nemoto usingaperi. (aiōnios g166)
Jude 1:13 (Judha 1:13)
(parallel missing)
mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo pachawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nekusingaperi. (aiōn g165)
Jude 1:21 (Judha 1:21)
(parallel missing)
muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvikira kuupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
Jude 1:25 (Judha 1:25)
(parallel missing)
kuna Mwari umwe wakachenjera, Muponesi wedu, ngakuve nekubwinya uye ukuru, simba uye umambo, ikozvinowo narinhi kwese. Ameni. (aiōn g165)
Revelation 1:6 (Zvakazarurwa 1:6)
(parallel missing)
akatiitawo madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake; kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
Revelation 1:18 (Zvakazarurwa 1:18)
(parallel missing)
uye mupenyu; ndakange ndakafawo, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu. (aiōn g165, Hadēs g86)
Revelation 4:9 (Zvakazarurwa 4:9)
(parallel missing)
Zvino apo zvisikwa zvipenyu izvi pazvaimupa kubwinya nerukudzo nekuvongwa iye anogara pachigaro cheushe, iye anorarama kusvikira rinhi narinhi, (aiōn g165)
Revelation 4:10 (Zvakazarurwa 4:10)
(parallel missing)
vakuru makumi maviri nevana vakazviwisira pasi pamberi peagere pachigaro cheushe ndokumunamata iye anorarama kusvikira rinhi narinhi, uye vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro cheushe, vachiti: (aiōn g165)
Revelation 5:13 (Zvakazarurwa 5:13)
(parallel missing)
Nechisikwa chega-chega chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri pagungwa nezvese zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kuna iye agere pamusoro pechigaro cheushe nekuGwayana ngakuve nekurumbidzwa, nerukudzo, nekubwinya, nesimba kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
Revelation 6:8 (Zvakazarurwa 6:8)
(parallel missing)
Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika. (Hadēs g86)
Revelation 7:12 (Zvakazarurwa 7:12)
(parallel missing)
vachiti: Ameni: Kurumbidzwa nekubwinya nenjere nekuvonga nerukudzo nesimba nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
Revelation 9:1 (Zvakazarurwa 9:1)
(parallel missing)
Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, zvino ndakaona nyeredzi ichibva kudenga ichiwira panyika, ndokupiwa kwaari kiyi yegomba risina chigadziko. (Abyssos g12)
Revelation 9:2 (Zvakazarurwa 9:2)
(parallel missing)
Zvino yakazarura gomba risina chigadziko, utsi ndokusimuka kubva mugomba seutsi hwevira guru, nezuva nedenga zvikasvibiswa nekuda kweutsi hwegomba. (Abyssos g12)
Revelation 9:11 (Zvakazarurwa 9:11)
(parallel missing)
Zvino dzakange dzina mambo pamusoro padzo, mutumwa wegomba risina chigadziko, zita rake nechiHebheru riri Abhadhoni, uye nechiGiriki ane zita Aporioni. (Abyssos g12)
Revelation 10:6 (Zvakazarurwa 10:6)
(parallel missing)
ndokupika naiye anorarama kusvikira rinhi narinhi, wakasika denga nezviri mariri, nenyika nezviri mairi, negungwa nezviri mariri, kuti nguva haichazovipo. (aiōn g165)
Revelation 11:7 (Zvakazarurwa 11:7)
(parallel missing)
Uye kana vapedza uchapupu hwavo, chikara chinokwira kubva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, ndokuvakunda nekuvauraya. (Abyssos g12)
Revelation 11:15 (Zvakazarurwa 11:15)
(parallel missing)
Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuva kudenga, achiti: Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye achatonga kusvika rinhi narinhi. (aiōn g165)
Revelation 14:6 (Zvakazarurwa 14:6)
(parallel missing)
Zvino ndakaona umwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane evhangeri yekusingaperi, kuparidzira vanogara panyika, nekurudzi rwese, nedzinza, nerurimi, nevanhu. (aiōnios g166)
Revelation 14:11 (Zvakazarurwa 14:11)
(parallel missing)
Zvino utsi hwekurwadziwa kwavo hunokwira kusvikira rinhi narinhi; uye havana zororo masikati neusiku ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho, uye kana pane anogamuchira mucherechedzo wezita racho. (aiōn g165)
Revelation 15:7 (Zvakazarurwa 15:7)
(parallel missing)
Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzizere nehasha dzaMwari, anorarama kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
Revelation 17:8 (Zvakazarurwa 17:8)
(parallel missing)
Chikara chawakaona, chaivapo, uye chisipo; uye choda kukwira chichibva mugomba risina chigadziko, chichienda mukuparadzwa; uye vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku reupenyu kubva pakuvambwa kwenyika vachashamisika vachiona chikara chaivapo uye chisipo, kunyange chiripo. (Abyssos g12)
Revelation 19:3 (Zvakazarurwa 19:3)
(parallel missing)
Zvino vakati rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hunokwira kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
Revelation 19:20 (Zvakazarurwa 19:20)
(parallel missing)
Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe nacho muporofita wenhema wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vese vakakandirwa vari vapenyu mudziva remoto unotsva nesarufa. (Limnē Pyr g3041 g4442)
Revelation 20:1 (Zvakazarurwa 20:1)
(parallel missing)
Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake. (Abyssos g12)
Revelation 20:3 (Zvakazarurwa 20:3)
(parallel missing)
ndokumukandira mugomba risina chigadziko, ndokumupfigira, ndokuisa mucherechedzo pamusoro pake kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvikira makore churu apera; zvino shure kweizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chidiki. (Abyssos g12)
Revelation 20:10 (Zvakazarurwa 20:10)
(parallel missing)
Zvino dhiabhorosi wakavatsausa akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165, Limnē Pyr g3041 g4442)
Revelation 20:13 (Zvakazarurwa 20:13)
(parallel missing)
Zvino gungwa rakapa vakafa vakange vari mariri; nerufu negehena zvikapa vakafa vakange vari mazviri; umwe neumwe akatongwa zvichienderana nemabasa avo. (Hadēs g86)
Revelation 20:14 (Zvakazarurwa 20:14)
(parallel missing)
Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri. (Hadēs g86, Limnē Pyr g3041 g4442)
Revelation 20:15 (Zvakazarurwa 20:15)
(parallel missing)
Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu, wakakandirwa mudziva remoto. (Limnē Pyr g3041 g4442)
Revelation 21:8 (Zvakazarurwa 21:8)
(parallel missing)
Asi vanotya, nevasingatendi, nevanyangadzi, nemhondi, nemhombwe, nevaroyi, nevanonamata zvifananidzo, nevese varevi venhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nemoto nesarufa; rwunova rufu rwechipiri. (Limnē Pyr g3041 g4442)
Revelation 22:5 (Zvakazarurwa 22:5)
(parallel missing)
Zvino usiku hahuchazovipo ipapo, uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari anovapa chiedza; uye vachatonga kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)

CAL > Aionian Verses: 14
SHO > Aionian Verses: 199