< Luka 8 >

1 la yilam nyo kambo Yeecu ter yam cembo cinar lor kange mwanti lore ki kang ki wang, tok fulen kereroti kange fulen liyar kwama kwob culombo yobeu wi kange co,
Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba nomumaguta nomumisha, achiparidza vhangeri roumambo hwaMwari. Vane gumi navaviri vakanga vanaye,
2 kange natubo kange wo ca twam ci yuwako kwir kange twira kila-kila. maryamu wo ci cuwo ti ki makdaliya, wo ci cokten ninga nibereu,
uye vamwewo vakadzi vakanga vaporeswa pazvirwere nemweya yakaipa vaiti: Maria (ainzi Magadharena) uya akanga abudiswa mweya yakaipa minomwe maari,
3 kange yuwana wii kuza, nawiye tomange hiridu, cuzanatu, kange kangumbo kila nyeu, kin dike kang cike ci ma mangen ti cikr
Joana mukadzi waKuza, mutariri weimba yaHerodhi, Suzana, navamwe vazhinji. Vakadzi ava vaivabatsira nokuvatsigira nezvavaiva nazvo.
4 la nubo ducce mwekangu ti, kange kangum nob bouti cinar lor-cinar lor reu, cin yii ci dangke,
Ungano huru yakati yavapo, vanhu vachibva kumaguta namaguta vachiuya kuna Jesu, akavataurira mufananidzo uyu:
5 nii fike kange ciri a fii dum la coti fii ri kangum bo yarken kong nure, cin fawarangum ki na, bilibeu diyeu yirau bon com.
“Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, imwe yakawira munzira, ikatsikwa-tsikwa uye shiri dzedenga dzikaidya.
6 kangumbo yar dor terenti, la kii ri kucom, dula mani
Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro.
7 kangumbo yarken mor cwiyaka la cwiyak kii kange dumbo ri, cwiyakko cakkangum co
Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nayo ikaivhunga.
8 la kangumbo yar bitine kenneu ma ken, wo lam kiriti kwini kwobbe. bwiko Yeecu dim tokka kere keu, cuwo ci, “ki tu nuwaka kere, ca nuwa
Asi imwe mbeu yakawira pavhu rakanaka. Yakamera ikabereka zvibereko, zvakapetwa kazana pane zvakanga zvadyarwa.” Akati ataura izvi, akadanidzira akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
9 bi bei tomange ce meco dang kewo nuntiye con yici, la kangum bo ciye me yici ki dangka, nyori ci ti toi maci toti citi nuwai ma ci nyomti
Vadzidzi vake vakamubvunza kuti mufananidzo uyu wairevei.
10 con yici, nyomka yurke liyar kwamar cin nekom, la kangum bo ciye ma yi ci ki dangka, nyomti
Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti, “‘kunyange vachitarira, varege kuonesesa; kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.’
11 dike dangka nuntiyeu co wo, dumbo ker kwamar
“Izvi ndizvo zvinoreva mufananidzo: Mbeu ndiro shoko raMwari.
12 buro yar nureu, wori nuwa ri bwekelkele bou yuwom kero ner cireu, nyo na ci nere bilenke naci fiya fuloka
Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa.
13 buro yar do terentiyeu, co buro no ci nuwa kero dici yuwo ki nero for, la ci man ki niti, cin ne bilenke, kutan bori, cuwakako bou ri ci yarum.
Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi.
14 dumbo wo yar mor cwiyakeu, ci nobo wo nuwa ri, la ci yakenti ri, cwika kalek, kyemer kange nuwaka lima ca kkangum ci la ci mabo ken
Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko.
15 woro dor bitinero keneu, ci buro ki bilnka kange nero kenne, tam yoran, ma dikero ken mor birum nere.
Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko.
16 nii mani a kwer kirati na cumom, kakaa yoken bok kwannik, ca yo codor diker, na nobo doutiye to kirako
“Hakuna munhu anotungidza mwenje obva auvanza pasi pedengu kana kuuisa pasi pomubhedha. Asi, anouisa pamusoro pechigadziko, kuitira kuti vose vanopinda vavhenekerwe.
17 mani dikero yurangum yurange mani a nyomtiye, kakaa yurke kange wii wo ba nyombe a bou ti kira
Nokuti hakuna chakavanzika chisingazobudiswi pachena, uye hakuna chakavigwa chisingazozivikanwi kana kuiswa pachena.
18 nyori nuwa, yora, nii wo ki diker ducceu ri an yok cinen ten woro man cikeu, bi duwar ci cikeu an yuwom cinen.
Naizvozvo nyatsofungisisai kuti munonzwa sei. Ani naani anazvo achapiwa zvakawanda, ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanofunga kuti anazvo.”
19 la nece kange yitub ceb bou, cinen, la ma ciya fiya nure lakati cinen, wori nubo ducce
Zvino mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya kuzomuona, asi vakanga vasingagoni kuswedera pedyo naye nokuda kwavanhu vazhinji.
20 cin yi co, nemwe kange yitub mwem tim kale, cwiti na ci tonen”
Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vamire kunze, vanoda kukuonai.”
21 Yeecu ciya ci yi ci, nemi kange yitub mib co nobo wuro nuwa ker kwama di ma namgen cike.
Akapindura akati, “Mai vangu navanunʼuna vangu ndivo avo vanonzwa shoko raMwari vachiriita.”
22 bi con doken mor nabire mweme kange be bei tomange ce, con ci,”bi yabken dinge wure no cin yoten yambo,
Rimwe zuva Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei mhiri kwegungwa.” Naizvozvo vakapinda mugwa vakatanga kufamba.
23 la ciyakentiri, co dam dum yuwa kibi kwama kwennuncayi, mwembo yoten dim na bire mwenge ciyeuti, ciki no nyi kware.
Pavakanga vachifamba, akavata. Dutu guru rakauya mugungwa, zvokuti igwa rakanga rava kunyura, uye vakanga vava munjodzi huru.
24 la bi bei tomange Yeecu bou cinen cin yunco, ciki “teluwe, nyo nyi bware con kweni, yuwako kange mwelanka mwemek ko, wori cin tim
Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi, tava kunyura!” Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo.
25 la con yi ci ki fe ke kimeu? cin nuwa tai ci myimam dike woti ci me buti citi we nii wuro werang yuwati kange mwembo ki nyial neco dure?
Akabvunza vadzidzi vake akati, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Mukutya kwavo nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”
26 la cin yaken Garacinawa wo kino dinge caji Galili
Vakasvika kunyika yavaGerase, iri mhiri kwegungwa reGarirea.
27 fiya cuwo Yeecu doken bitene, cowari, con wabkan nii kange cerum cinar loreu ki ninga kwutangi cinen la wormangum kulen cero. mani dã lo ki dã tiber tuwetini
Jesu akati ayambuka gungwa, akasangana nomurume akanga akabatwa nedhimoni achibva muguta. Murume uyu akanga asingapfeki nguo kwenguva refu kana kugara mumba, asi aigara kumakuva.
28 la con Yeecu ri con kwa dir yarkan ka Yeecu, cin tok ker kwang ka, ki mo Yeecu bi bwe kwama nii duktonka, mi kennenti neyere dotange
Akati aona Jesu, akadanidzira akawira pamakumbo ake, akati nenzwi guru, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!”
29 wori Yeecu cokkan yuwakeliko ki nyial nii cuwo nin kiritti ducce ki ta core bwentano cin bwam cori cin yoti nii atocotiri, kiyangum diker bwakaro, ningau ywa co yaken ciko yera
Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani obva aendeswa nedhimoni kurenje.
30 la Yeecu me co, “we den mwero? ki dencero muri, wori kelkelibo ducce do bwiciye
Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Regioni,” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari.
31 ci ken Yeecu ti a ywa cire ki nyial mor buwoke (Abyssos g12)
Uye akaramba achimunyengetedza kuti arege kuarayira kuti aende kugomba rakadzika. (Abyssos g12)
32 na wen, ngiyere ducce ca cariti fir banger ninga buro ken co ca dob ci ciya doken bwi ceru la cin ne ci nure
Pakanga pane boka guru renguruve raifura mujinga mechikomo. Madhimoni akakumbirisa Jesu kuti aabvumire kupinda madziri, akaatendera.
33 nyori ninga buro ceru bwi nii wuro doranken bwi ngiyere tini cin cwakkangi yaranken mor mweme cin bwiyarangum
Madhimoni akati abuda mumunhu uyo akandopinda munguruve, uye boka renguruve rakamhanyira kumawere kugungwa rikanyuramo.
34 la nubo to ngiyere buro tiye, dike wo mane ri, cin cwakkan ken mor cinar lor cin yi nubo dikewo bwiyeu
Vaifudza nguruve vakati vaona zvakanga zvaitika, vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomuruwa,
35 la nubo cecu naci to dikero maneu, cin bou Yeecu nin, cin fiya nii wo cokten ningau yim bi dom na Yeecu, dumki kulen, wo kwamer tak. lacin cwa tai
uye vanhu vakabuda kunoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu vakawana murume akanga abuda madhimoni maari, agere patsoka dzaJesu, apfeka uye ava munhu kwaye, vakatya.
36 la nubo to dikero maneu, yi dike maneu, yuwa kelkelibo wo cerum bwi nii we
Vaya vakanga vazviona vakaudza vanhu kuti murume akanga ane dhimoni ainge aporeswa sei.
37 la nubo gwam biten Garacinawau yi Yeecu a dobom bitine ciyeu wori taito dur tamci nyori cin doken nabire mwenge naci yilaken bwi.
Ipapo vanhu vose vomunyika yeGerase vakakumbira Jesu kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya. Saka akapinda mugwa akaenda.
38 nii woci cokten ningau ken Yeecu na cin ya wari, la Yeecu yi co,
Murume akanga abuda madhimoni maari akamukumbirisa kuti aende naye, asi Jesu akamuendesa achiti,
39 yilaken lo na yii nubo dike kwama ma cineneu nii woro kentangum cinar loro gwam, tok dike Yeecu ma cinenu
“Dzokera kumba kwako undotaura kuti Mwari akuitira zvinhu zvakaita sei.” Saka murume uyu akaenda akandotaura muguta rose zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu.
40 na weu Yeecu yilaken neu nubo duccu nawo yuwoce, no ci nintang coti
Zvino Jesu akati adzoka, akagamuchirwa navanhu vazhinji, nokuti vakanga vakamutarisira.
41 la nikange wi dendo ki Yariyu, ciki no mor nubo durer kwamaro Urcalima, bou bidom kange Yeecu cungen naa Yeecu, con ken co ca ya loco,
Ipapo murume ainzi Jairosi, mubati wesinagoge, akauya akawira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti auye kumba kwake
42 wori, bi bwece bwebubya, coro kwob culombo yob, kan co wiin cineneu ki no nyi kware laYeecu yaken tiri nubo ducce tunkanti bwiti ciye kentangum co
nokuti mwanasikana wake akanga achingova mumwe oga, musikana aiva namakore anenge gumi namaviri, akanga ava kufa. Jesu akati achiendako, vanhu vazhinji vakange vachamutsikirira.
43 la nawiye kange wo cor gwam dike ci cikeu bwiyale ti coro kwob culomo yobe, twalum gwam dike ci cikeu, co fiyabo twaka nii kange nin
Uye paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri, asi kusina munhu aigona kumuporesa.
44 co bou bwi Yeecu con tei nyii belliceu, wii dancan kwiyele ceu tim.
Akauya neshure kwaJesu akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kweropa kukabva kwaguma.
45 la Yeecu yiki we kece? la nii wo ciya cinen wii more ciye gwam di, bituru yi co, nii merangka, nubo duccu kantangum mo, tunkanti bwimi
Jesu akati, “Ndianiko andibata?” Vose vakati varamba kubvuma, Petro akati, “Tenzi, vanhu vari kukumomoterai nokukutsimbirirai.”
46 Yeecu yi co “kange nii ke ye, min yimom, bikwan ceri minen.
Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata; ndinoziva nokuti simba rabuda mandiri.”
47 na wiye wo to nyo ma ca fiye cerka ti ri con bou fiye Yeecu wiye, cungi kaco, nuwe nube gwan, con tok ca fiya dikero gwam wo dok co ca ke ce, la nyoro, ca kfiya twaka
Ipapo mukadzi akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera akasvikowira patsoka dzake. Pamberi pavanhu vose akamuudza kuti sei akanga amubata, uye kuti akanga apora sei pakarepo.
48 la con yi co, “bwe, bilenke mwam nen, yaa ki for nerek
Ipapo akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.”
49 con wi co tok ker ti duwal di kange bou bi kur kwama nubo dure, ki bi bwe mwe bwiyam, ki nere ni meranka dotange tak
Jesu achiri kutaura, mumwe aibva kumba kwaJairosi, mubati wesinagoge, akasvika akati, “Mwanasikana wenyu afa. Chiregai henyu kuramba muchinetsa mudzidzisi.”
50 Yeecu nuwa wori, con ciya yariyu nin nuwari tai neka bilenke, bi bwemwe atwam
Jesu akati anzwa izvi, akati kuna Jairosi, “Usatya; tenda chete, achaporeswa.”
51 la ca ya luwe cori ca dobbo nii a do mor kange co kange Bitru kange Yuwana kange Yakubu te kange ne bweu
Akati asvika kumba kwaJairosi, haana kutendera ani zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro, Johani naJakobho, uye nababa namai vomwana.
52 nubo wiye ci ti wori bweu bwiyami la con yi ci kom cire wiye co bwiyabo, ki dadum
Panguva iyi, vanhu vose vainge vachiungudza uye vachimuchema. Jesu akati, “Nyararai kuchema. Haana kufa asi avete.”
53 la cin mung co, wori cin nyimom bwiyam
Vakamuseka, nokuti vaiziva kuti akanga afa.
54 co tu bwe kang cer, cin cuwo ki bi kwang bwenu yi ci ciya fiya cinen dike ca catiye
Asi akamubata ruoko akati, “Mwanangu, muka!”
55 dume ce yilaken, dancan con kwenu con yi ci ciya fiya cinen dike ca catiye
Mweya wake wakadzokera maari, pakarepo akasimuka. Ipapo Jesu akavarayira kuti vamupe zvokudya.
56 teekange nece nyimangi, con yici ciya yi re nii dike wo maneu.
Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti vasaudze munhu zvakanga zvaitika.

< Luka 8 >