< Roma 9 >

1 Ndin bellu kidegen nan nya Kirsti, na in bellẹ kinuba, ulamiri nighe in tayi iyizi nba nan nya Nruhu Kutellẹ ulau.
Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichipupurirana neni muMweya Mutsvene,
2 Indi nin liburi lisire kang nin konu in salin shizunu nan nya kibinayi nighe.
kuti ndinoshushikana kwazvo, neshungu dzisingaperi mumoyo mangu.
3 Nafo meng litinighe in yita nin su in ti litini unu in nana kitin kirsti bara nuana ning, likura ning nya kidowo.
Nokuti ndaishuva kuti ini ndomene nditukwe kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, verudzi rwangu panyama;
4 Inun na idi Israila. Idi nin seru, nin zazunu, nin nisilin, nin liru Kutellẹ, a likawali.
vari VaIsraeri, vane kuitwa vana, nekubwinya, nesungano, nekupiwa kwemurairo, neushumiri hwaMwari, nezvivimbiso,
5 Inighari nin na chiff nburnu minere Kirsti na dak nin toltinu nan nya kidowo- Kirsti na amerẹ kitenen vat nimon, unan nmari Kutellẹ sa lingan. Usonani. (aiōn g165)
madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, ari pamusoro pezvese, Mwari anokudzwa narinhi. Ameni. (aiōn g165)
6 Na uwaso nafo likawali Kutellẹ nso hem. Bara na kogha na adi in Israila kidegen nere kunan Israila.
Asi kwete shoko raMwari serakakundikana. Nokuti havasi vese vakabva kuna Israeri, vari VaIsraeri;
7 Na tutung vat kuwunun Ibrahimari di nonọ me ba. Kiti litin Ishaku timaso likura.
kwete nokuti imbeu yaAbhurahama, vese vana; asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchadanwa mbeu yako.
8 Usọ, nonọ na kidowo na nonọ Kutellẹri ba. Uso nonọ likawali inugherẹ idin batuzani nonọ likure.
Ndiko kuti, havasi vana venyama, ivo vari vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu.
9 Bara ulẹ ulirẹ unalikawali ari: '' Nin ko kubẹ nma dak, nmani Saratu ku gọnọ.''
Nokuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara achava nemwanakomana.
10 Na ulelẹ chas ba, kimalin Rabika wanin nit uwasamme, uchiff bite Ishakuw-
Handizvo chete, asi naRibheka wakati ava nemimba neumwe, Isaka baba vedu;
11 na iwadi isa mara nonọ ba, ana isa ta imoimon i, hine sa inanzang ba, inan woro ukpilizu kibinayi Kutellẹ inbelen nferu me nan so nani, na bara kata kidowo ba, unuzu kitin nlẹ na ana yichila.
nokuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa, kuti zano raMwari maererano nesananguro rigare, kwete kubva pamabasa, asi kubva kune anodana,
12 Iwa taba ubelinghe, ''Ukune mani ubenẹ tikunẹ.''
zvakataurwa kwaari kuti: Mukuru achashumira mudiki,
13 Udi nafo na iyerte di, ''Yakub adi kibinayi nin Isuwa inari amẹ.''
sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
14 Iyari timabellu? Kutellẹ dini dinongha? Na nani wa yitaba. Bara awa bellin Musa ku au,
Ko zvino tichatii? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro!
15 “Nma dursu ujinkai kitilẹ na indi nin jinkai, Nkunekune kitilẹ na indi nin nkunekune”.
Nokuti anoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandine tsitsi naye, ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni.
16 Bara nani, na ule na ana kibinayi ariba, a na ulẹ na asu uchumari ba, bara Kutellẹ ari ulẹ na adurso ujinkai.
Naizvozvo zvakadaro hazvisi zveanoda, kana zveanomhanya, asi zvaMwari anonzwira tsitsi.
17 Uliru Kutellẹ w bellin Firauna ku, Bara ma manufẹ rẹ ina fiyafi, innanse indurso likara nighe litife, Lisa nighe nan se upiru kowe nan nya inyẹ.
Nokuti rugwaro rwunoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yese.
18 Bara nani, a dinij jinkai kitile na ata usu, kitin le na ata usu tutun ataghe gbas.
Naizvozvo zvino anonzwira tsitsi iye waanoda; uye anowomesa moyo wewaanoda.
19 Uma belli nenge, ''Iyarin ta udin pizuru anit nin kulapi? Ghari wasa asu umusu nighe?
Zvino iwe uchati kwandiri: Iye achiri kuwanirei mhosva? Nokuti ndiani angapikisa kuda kwake?
20 Kai unit, saka uyenu, fe ghari na uma kpanu Kutellẹ? Tiwin to na ina ke ma bellu unan kewe, ''Iyari ta una keyi nenẹ?''
Haiwa, iwe munhu ndiwe ani anokakavadza Mwari? Chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wakandiitirei sezvizvi?
21 Ani na unan ke na melenghe wasa akoso tiwin ti shife to ake kumeleng kuchine mun, to tutun a ke nkon 'mun nanzang?
Kana muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa?
22 Andi Kutellẹ, dinin su adurso tinanayi me, akuru ati iyene likarame, awunno kubi nin shew kibinayi me, bara anan da wese anan mizunu tinanayi nibinayi mine.
Uye kana Mwari achida kuratidza hasha, nekuzivisa simba rake, wakatakura nemoyo murefu kwazvo midziyo yehasha yakagadzirirwa kuparadzwa;
23 Bara tinan yinnọ mgbardang nkune kune kibinayime liti nalẹ na inin dinin kune kune, ale nawa achiu bara a ghanti nani.
uye kuti azivise fuma yekubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya,
24 umunu arikẹ wang, nya nalẹ na ana yichila, na nan nya nayahudawa chasba, umunu ingisin tilem tileme vat.
nesu, vaakadana, yatiri isu, kusiri kuVaJudha chete, asi nekuvahedheni?
25 Tutun nafo ubellu me in Hosea: “Nma yichilu anit nin alẹ na iwadi anit nin ba, nin nalẹ na indi kauna, bara na inwadi kauna mine uworsuba.
Sezvaanorevawo muna Hosiya achiti: Ndichavaidza vanhu vangu ivo vasiri vanhu vangu; naiye wakange asingadikanwi mudikanwi;
26 Tutun umanin so nenge, kiti ka na iwa yertin na anu anit nighari ba, nene ima yichimunu nọnọ Kutellẹ lai.''
zvino zvichaitika kuti, panzvimbo pazvakanzi kwavari: Hamusi vanhu vangu imwi, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu.
27 Ishaya wa su kuchulu bara nonọn Israila, ''Andi ingbardang in nonọ Israila masin licicin kurawa, ingisinghari mase utuchu.
Isaya anodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
28 Bara Chikilari ma su kata nin lirume nan nya iyi ulelẹ vat na nin molu kubiba.
nokuti achapedza basa nekurigurisira mukururama; nokuti Ishe achagurisira basa panyika.
29 Nafo ubellu Ishaya na awa bellin mun. “lndafo na Ugo Kutellẹ wa sun nari ingisin nisudu ba, tiwaso nafo Usodom, tutun tiwa lawu masin Ugomorah
Uye Isaya sezvaakagara areva achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye takaitwa takafanana neGomora.
30 Iyari tiba ku tibellin? Awurmi na iwadi anan fiu Kutellẹ ba, nene iso anan fiu Kutellẹ bara uyinnu sa uyenu.
Ko tichatii? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, vakabata kururama, iko kururama kunobva parutendo;
31 Inun Israila na iwa dofin ushara nin fiu Kutellẹ, na iwa duru igan i. nin ba.
asi Israeri, achitsvaka murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama.
32 Iyang wantin? Bara na iwa pizuru nin yinnu sa uyenuba, iwa piziru nin kata kidowo inani wa tirọ litala intirzu.
Nekuda kwei? Nokuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo; nokuti vakagumburwa pabwe rekugumbura.
33 Nafo na ina yertin, ''yenen in na nonko kutala in tirzu nan nyan Zion a kupara kulapi. Ule na ayinna mun na ama lanzu inchin ba.''
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rekugumbura nedombo rechipinganidzo; uye ani nani anotenda kwaari haanganyadziswi.

< Roma 9 >