< Uruyan Yuhana 1 >

1 Ulelere upunu mbeleng Yesu Kristi na Kutelle wa nighe, a duro achin me imon ncin dak nan nya nayiri baat. A taa iyinno inin nan nyan ntuu ngono kadura me udu nkiti kuchin mye Yohanna.
Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika, zvino azvituma nemutumwa wake wakaratidza muranda wake Johwani,
2 Yohanna belle uliru ulele vat nin likara imon ile na awa yene ubeleng nliru Kutelle nin nimon inyenu idya na iwa belin kitenen Yesu Kristi.
iye wakapupura shoko raMwari uye uchapupu hwaJesu Kristu, nezvese zvaakaona.
3 Unan mmariari ame na adin bellu inyerti nin liwui li kang nin vat nalenge na idin lanzu tigwulan nlenge na adin su uliru nin nuu Kutelle a yinna nimon ile na ina nyertin nan nye, bara kuben daa susut.
Wakaropafadzwa anoverenga, nevanonzwa mashoko echiporofita ichi vachichengeta zvakanyorwa machiri; nokuti nguva yava pedo.
4 Yohanna, udu ni anan dortu Kutelle kuzor nan nyan Asiya: Ubolu Kutelle udu anun nin nmang unuzu ngye na adi, nin awa di, nin le na a din cinu, nin nnuzu kiti nanan kiti ti ruhu kuzor na i di nnbun kutet tigo me,
Johwani kumakereke manomwe ari muAsia: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna iye aripo uye wakange aripo neachazouya; nekuMweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe;
5 nin nuzu kitin Yesu Kristi, na amere iyizi mba kiden, unan burnu maru, unan burnu nfitu nanya na nan kul, nin na nan tigo kitene nago in yii. U du kitime na adinin su bite, amini na bunku nari nanya nnye na adin suu bite amini nati i suun nari ti nuzu nnanya na lapi bit lar nnmii me,
nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kubva kune vakafa, nemutungamiriri wemadzimambo enyika. Kuna iye wakatida, akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake;
6 amini ntari anan kipin tigo, apriests ucindu kiti Kutelle nin Ncif me, kitime ngongong nin na agang saligang. Usonani. (aiōn g165)
akatiitawo madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake; kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
7 Yenen, a din cinu nin na wut, vat nizi baa yenu nghye, ligowe nin na le na iwa jotugye. Ti lem vat inyi ba su lidurun bar ame. Eh, Usonani.
Tarira, anouya pamwe nemakore, uye ziso rese richamuona, neavo vakamubaya; nemarudzi ese enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni.
8 Cikilari Kutelle inworo, “Mere Ucizune nin Malzine,” “ule na adi, a wa di, nin nghe na a din cinu, ame unan Likalin.”
Ini ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newakange aripo, neachazouya, Wemasimbaose.
9 Meng, Yohanna-gwana mine ule na indi sonu nniu nin teru kibinai urume ligo nan ghinu nan nya kipin tigo Kutelle alenge na idi nanya Yesu na nwadi kitine Fikuru fongo na idin yicu fining Patmos bara uliru Kutelle nin shaida Yesu.
Ini Johwani, ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika nemuushe nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndakange ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nekuda kweshoko raMwari uye nekuda kweuchapupu hwaJesu Kristu.
10 Meng wa di nan Ruhu lirin Cikilari. Nlanza liwui nafo lin kulantung kang kimal nighe.
Ndakange ndiri muMweya nezuva raIshe, zvino ndakanzwa shure kwangu inzwi guru, serehwamanda,
11 Li wuiye woro, “Nyertine nan nya kugbundulung kufa ninyerte imong ile na uyene, utuumung udu nilarin lira kuzor, in Uafisawa, Usamaruna, Upagamus, Utiyatira, Usadis, Ufiladelfiya nin cin du Ulaudikiya.”
richiti: Ndini Arifa naOmega, Wekutanga neWekupedzisira; uye kuti: Zvaunoona, nyora mubhuku, uye tumira kumakereke manomwe ari muAsia, kuEfeso, nekuSimirina, nekuPerigamo, nekuTiatira, nekuSaridhisi, nekuFiradhefia, nekuRaodhikia.
12 Ngitirno nnan yene sa liwui nghaari din liru nin mi, nan gitirno in yene tica nla nizinaria kuzor yisin.
Zvino ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Ndatendeukawo ndakaona zvigadziko zvemwenje zvegoridhe zvinomwe,
13 Kiyitik tica nlee, umong wa diku nafo Usaun Nnit, awa shoon kulutuk ijakaka ku duru abunu me, nin likpa na liwa kilin figiri me.
nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akapfeka nguvo yakasvikira kutsoka, uye akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire regoridhe.
14 Litie nin titi me wadi pau nafo uwulu, nafo nkalkali, a iyizi me nafo lilem nla.
Nemusoro wake nemavhudzi zvakachena semakushe emakwai machena, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto;
15 Afa nabunu me wadi, nafo uwaltu fikoro fishine, nafo fikoro fishine fongo na ijuju ikpelte fining kuwetel, a liwui me nafo uduu mmyen kurawa.
uye tsoka dzake dzakafanana nendarira yakakwenenzverwa, sedzinenge dzakapiswa muvira remoto; neinzwi rake seinzwi remvura zhinji.
16 Awa miin iyini kuzor ncara ulime me, a kusangali kileo nasari aba nucu nnuu me. Umuro me walta nafo uwui ugberere.
Uye wakange ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro.
17 Nan yene ghe, ndeo nabunu me nafo ule na akuu. A tarda ucara ulime me kitene ning a woro, “Na uwa lanza fiu ba. Merie unan cizunu nin ni maline,
Zvino pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; ndokuisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu, achiti kwandiri: Usatya; ndini wekutanga newekupedzisira;
18 nin lenge na adi nin lai. Meng wa ku, vat nani yene, ndi nin lai sa ligang! Mmini di nin nimon nnpun nkul nin nisek. (aiōn g165, Hadēs g86)
uye mupenyu; ndakange ndakafawo, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu. (aiōn g165, Hadēs g86)
19 Barnani nyertine ile imon na uyene, ile na idi, nin nile na iba yitu kimal nilele.
Nyora zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kweizvi.
20 Uyinu nbeleng niyini kuzor ine na unyeshine na uwa yene nchara ulime nighe, a tica inla nizinariya kuzore: iyini kuzore nono kadura Kutelle ndu nilari nlira kuzorari, a tica nla kuzore nilari nlira kuzorari.
Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona paruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe.

< Uruyan Yuhana 1 >