< Matiyu 3 >

1 Na yiri ane Yohanna unan Shitizinu nanit nmyen wa dak adin bellu nliru ntucu nan nya ntene in Yahudiya a woro,
Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya,
2 “Sunan alapi, bara kipin tigo Kutellẹ nda duru.”
uye achiti: Tendeukai; nokuti ushe hwematenga hwaswedera.
3 Bara amere ulele ulenge na iwa bellin ubelen me nnu Ishaya unan liru nin nuu Kutellẹ, a woro, “Liwui umong din yiccu nan nya ntene, 'Kelen libau ncikilari, kelen ulin mine nan-ghe.'”
Nokuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake.
4 Imon kidowo in Yohanna wa di kukpa kuron komiari a likpa na liwa terin kutino me. Imonli me wa di acin ni titong.
Uyuwo Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nekudya kwake kwaiva mhashu neuchi hwedondo.
5 Anan Urushalima, nin Yahudiya a vat nigbiri nkilinu kurawan urdun wa nuzu idọ kitime.
Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rese nedunhu rese rakapoteredza Joridhani;
6 Awa shintu nani nan nyan nmyen kurawan urdun, a icin bele alapi mine.
ndokubhabhatidzwa naye muna Joridhani vachireurura zvivi zvavo.
7 Kube na awa yene liigo na Farisawa nin na Saddukiyawa ucinfak kitime a shintu nani nmyen, a woro nani, “Anung kumat niyii timung, gharin wunung minu atuf ina ni din cum kiti tinana nayi na ti din ciinu?
Asi wakati achiona vazhinji veVaFarisi neVaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakuratidzirai kuti mutize hasha dzinouya?
8 Nutunong kumat ko na ku batiina usunuu na lapi.
Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.
9 Ana iwa kpiliza i woro nan nya mine, 'Tidi nin Ibrahim ucif bit.' Bara ndin belu minu Kutellẹ wasa ana Ibrahim ku nnan nono ko kiti na tala alele.
Uye musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe aya kumutsira Abhurahama vana.
10 Nene imali ciu gidowo litino naca. Vat kuca kongo na ku mara kumat kucine ba ima kowu kunin iti kunin nan nya nla.
Uye ikozvinowo sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, naizvozvo muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto.
11 Meng din shintu minu nmyen i sun alapi mine. Ame ulenge na adin cinu kidun nighe a di nin likara a katini, na meng wang batin in yaun akpatak me ba. Ame ma shintu minuu nin Ruhu Ulau a ula.
Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto.
12 Ku puruk me di nacara me, ama shintulu a nutun alkama nan nya kusheri lan, ama nin ciu alkame nan nya filai. Nani ama nin juju kusheri nin la ule na uma so ubico ba.”
Ane rusero rwuri muruoko rwake, uye achachenesa buriro rake kwazvo, ndokuunganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki.
13 Yisa tunna a fita a da kurawan urdun unuzun in Galili kitin Yohanna ada shintin ghe nmyen.
Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye.
14 Ame Yohanna ta usu nworo a nantinghe, a woro, “Meng din piziru fe shintini nmyen, fe uni nna da kiti nigha?”
Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikanwa kuti ndibhabhatidzwe nemwi, asi imwi mouya kwandiri?
15 Yisa kpana a woro ghe, “Yinna nani nene, bara udi gegeme kiti bite tikulo katwa kacine vat.” Yohanna yinnin ghe mun.
Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nokuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kwese. Ipapo akamutendera.
16 Kimal nshintin ghe kule, Yisa nuzu nan nyan nmyene mas, na nin molu kubi ba, i punghe kitene kani. A yene Uruhu Kutellẹ utolu kadas nafo kuwullung udak kitime.
Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, ndokuona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake.
17 Itunna liwui nuzu kitene Kutellẹ liworo, “Ggono nsu kibinai Nighari kane. Ndin lanzu mmang me kang.”
Zvino tarira, inzwi richibva kumatenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo.

< Matiyu 3 >