< Matiyu 26 >

1 Kube na Yesu wa malu ubellu nliru une vat, a woro nono katwa me.
Jesu akati apedza kutaura zvinhu zvose izvi, akati kuvadzidzi vake,
2 “iyiru upaska nlawa ayiri abari cas, ima nakpu Usau Nnit ikotinghe kitene kuca.”
“Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, uye Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.”
3 Ugo na Priest nin nakune nbun nanite wa da pitirin kiti kirum kudaru Ngo na Prieste, ulenge na iwa yirughe nin lissa Kefas.
Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru ainzi Kayafasi,
4 Ligowe ipizira tibau nworu ikifo Yeso ku imolughe likire.
uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya.
5 Iwa din bellu, “Na kubin idi paska, bara iwa fya anite ayi.”
Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.”
6 Kube na Yesu wa di in Baitanya ngan Simon ukutulu,
Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi,
7 na awa sossin kiti nli nimonli, umong uwani da kitime nin libo nnuf kunya kumang min nikurf gbardang, a kpilya minin litime.
mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuhwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura.
8 Na nono katwa me in yene nani, ayi nana nani i woro, “Nyaghari finu nka kimole?
Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko?
9 Iwa lewu mini nin nikurfu gbardaang ikoso nikimon.”
Mafuta anonhuhwira aya angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.”
10 Yesu nin yiru nane, a woro iyaghri nta idin bukuru nwani ulele kibinayi? Bara asuyi katwa kacine.
Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo.
11 Idi ligowe nan nikimone ko kome kubi, na meng ma yitu nan ghinu ko kome kubi ba.
Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuchava neni nguva dzose.
12 Ule ukpilyu nnufe kidowe na asuyi, asu nani a kelei bara ukassu nigha.
Paadira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu.
13 Nbelin minu kidegen, kiti kanga na ima su ulenge uwaze ku nanya lenge uyeh vat, imon ilenge na uwani ulele nsu ima bellu unin inan lizino nighe.
Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.”
14 Umong nanya likure, ulenge na iwa yicughe Yahuda Iskaroti, ado kitin Ngo na Priest
Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru
15 aworo, “Imashinari ima ni meng nakpa minu ame?” Ibataghe azurfa akut atat.
akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha.
16 Atunna ipizuru ndina ule na ama nakpu nani ame.
Kubva ipapo zvichienda mberi Judhasi akamirira mukana wokuti amuise kwavari.
17 Lirin ncizunu nli fungal nsalin muccu, nono katwa me da kitime iworoge, “Weri udi nin su tidi kyele bara uli npaske?”
Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?”
18 Aworo, “Can kitin mon unit nanya kipine iworoghe, 'Cikilari nworo, “kubi nighe nda duru. Meng ba su upaska ngafere ligowe nin nono katwa nighe”
Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’”
19 Nono katwawe su nafo ubellu me, I kyele imonli Npaske.
Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwavakanga vaitwa naJesu vakandogadzira Pasika.
20 Na kubi kuleleng nta, aso ama li ligowe nin nono katwa me likure.
Ava madekwana Jesu akagara patafura navane gumi navaviri.
21 Idi nanya kilewe, aworo, “Ndin bellu minu kidegen umon nanya mine ma lewui.”
Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.”
22 Ita aburi asirne kang, kogha nanya mine tiringhe, sameri Cikilari?”
Vakasuwa zvikuru uye vakatanga, mumwe nomumwe kuti, “Chokwadi, ndini here, Ishe?”
23 Akawa aworo, “ulenge na adin sho ncara kishik kirume nin mi amere ma lewui.
Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira.
24 Usaun Nnit ma nyiu nafo na ina yerti litime. Kash nnit ulenge na ama liwu Usaun Nnit! Uma katinu unit une nin caut na iwa na marughe ba.”
Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.”
25 Yahuda ulenge na amere ma lewughe woro, “Sa menghari unan dursusu niyerti?” Aworoghe, ubelle nin litife.”
Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.”
26 Na iwa di kilewe, Yesu yauna ufungal, ata nlira ku, a pucco unin. Ana nono katwa me unin aworo, “Seren, leon. Kidowo nighari.”
Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.”
27 Ayauna kakkuke ata nlira ku, a nakpa nani aworo, “Sonon, vat mine.
Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose.
28 Mone nmii nalikawali nigharibmongo na ina gutun bara gbardang na se ukusu nalapi.
Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.
29 Ndin bellu minu, na nma kuru nsono nmyen kumat kuce ba, se loli lire na nma sonu minin mipesse nan ghinu nanya kipin tigo Ncif ning.”
Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.”
30 Na ita avu nimalin, inuzu inya ucindu likup in zaitun.
Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.
31 Yesu woro nani, “kyitik kane vat mine ma tiru bara meng, bara ina nyerti,'nma kpui unan libyawe ligo nakame ma malu kiti.'
Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “‘Ndicharova mufudzi, boka ramakwai rigopararira.’
32 Vat nani asa ifyyi, nma nyiu ubun mine udu nanyan Galili.”
Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.”
33 Bitrus woroghe, “Andi vat min ba diu bara fewe, na meng wasa nma tiro nsunfi ba.”
Petro akapindura akati, “Kunyange vamwe vose vakatiza nokuda kwenyu, ini handizoiti izvozvo.”
34 Yesu woroghe, meng din bellufi kidegen, nin kyitik kane kukulok mayitu kusa kolsino ba, uba woru na uyiri ba so titat.”
Jesu akati, “Ndinokuudza chokwadi kuti usiku huno chaihwo, jongwe risati rarira uchandiramba katatu.”
35 Bitrus woroghe, Andi ma mma ku ninfi gbas, na nma narifi ba.” Ngisin nono katwa me vat belle nanare wang.
Asi Petro akati kwaari, “Kunyange ndichifanira kufa nemi, handingatongokurambai.” Vamwe vadzidzi vose vakadarowo.
36 Yesu tunna a nya ligowe nanghinu udu nkan kiti na idin yiccu kinin Ugetsemani a woro nono katwa me, “Son kikane meng do kikani ndi ti nlira.”
Ipapo Jesu akaenda navadzidzi vake kunzvimbo inonzi Getsemani, uye akati kwavari, “Garai pano ini ndichienda apo kundonyengetera.”
37 A yira Bitrus ku nin na saun Zabeden ligowe nanghe atunna a cizina usirzu nayi, ayime nana.
Akatora Petro navanakomana vaZebhedhi vaviri akaenda navo, uye akatanga kusuwa, uye akatambudzika.
38 A tunna a woro nani, “Liburi nin siro bibit, nafo nku. Son kikane i yenje kiti nan mi.”
Ipapo akati kwavari, “Mweya wangu uri kushungurudzika kwazvo kusvika pakufa. Garai pano uye murinde pamwe chete neni.”
39 A cancana udu ubun bat, a deo nin nalung ata nlira, a woro, “Ucif ning, andi uwasa uso nani, na kakukkane kata kiti nighe. “Vat nani, na ubellu nighe ba, ubellu fere.”
Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.”
40 Ada kiti nnono katwa me ada se nani nmoro, a woro, a woro Bitrus ku, “inyaghar, na uwasa uyenje kiti nin mi kutanki kurumba?
Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete?
41 Yenjen kiti isu nlira bara iwa piru nanyan dumuzunu. Uruhe yinna, kidowere dinin likara ba.”
Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta.”
42 Ado tutung unba adi ti nlira, aworo, “Ucif ning, andi na uwasa ukata nani ba se nsono uning, na ubellu fere so.”
Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.”
43 Ada tutung ada se nani idin moro, bara iyizi mine wa ti getek nin moro kang.
Paakadzoka, akavawanazve vavata nokuti meso avo akanga azere nehope.
44 Akuru a nya tutung, adi ti nlira uti un tat a belle uliru urume.
Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo.
45 Yesu da kitin nono katwa me aworo nani, “Idu nmoro nin shinua? Yeneng, kubi mal da duru, imal lewu Usaun nnit nacara nannan nalapi.
Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi.
46 Fitan nari ti nya. Yenen ulenge na aba lewiye nda duru.”
Simukai, ngatichiendai! Anondipandukira uya ouya!”
47 A dutun nlirue, Yahuda, umong nanya mine likure da. Ligozin gbardang wa di ligowe ninghe unuzu kiti ngo na priest nan nakune nanite. Ida nin na sangali nan tica.
Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista vakuru navakuru vavanhu.
48 Nene unit ulenge na amere ma lewu Yeseku wa tinani udursu, aworo, “Ulenge na in nyukkunghe, amere kiffonghe.”
Zvino uya akamupandukira ainge avaudza chiratidzo achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye; mumusunge.”
49 Ata mas ada kitin Yesu aworo, Ndin lissufi una dursuzu ninyerte! A nyukunghe.
Judhasi akaenda pakarepo kuna Jesu akati, “Kwaziwai, Rabhi!” uye akamutsvoda.
50 Yesu woroghe, “Udondong su imong irika na uda nsue.” Inughe tunna ida, i kiffo Yesu ku, i nya ninghe.
Jesu akamupindura achiti, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo varume vakaswedera pedyo vakabata Jesu, vakamusunga.
51 Umong nanya nalenge na iwa di ligowe nan Yesu tunna a nakpa ucara me, a shuku kusangali, a kowo kucin Ngo na Priest, a weringhe kutuf.
Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru.
52 Yesu tunna aworoghe, kpilla ushon kusangali fe kuparinme, bara vat nalenge na idin molsu nin na sangali iba molsu nani nin na sangali.
Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo.
53 Udin yenju na meng wasa in yicila Ucif ning, a toyi nin nono kadura me a lenge na ima katunu amui akut atat nin kutocin ba?
Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makuru gumi namaviri?
54 Ani iba ti iyizari uliru Kutelle kulo, nworu unan so nani gbas?”
Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?”
55 Kubi kone, Yesu woro ligo nanite, “I da nin na sangiali nan tica ida kifoi nafo ukirya? Ndin sozu ndursuzo anit nanya kutii nlira kolome liri, ana i kiffoi ba.
Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga.
56 Vat ilenge imone so nani iyerte nanan liru nin nu Kutelle nan kulo.” Nono katwa me tunna isunghe ico.
Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza.
57 Alenge na i kiffo Yesue ku nya nighe udumun kiti Kefas ugo na Priest kikanga na anan niyerte nin nakune wa pitin ku ligowe.
Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru.
58 Bitirusa cas wa dortughe kidun piit udu kudaru nwuccu nliru ndya kutii nlirie. A wa piru nanya a so ligowe nin nan ca ayene inyaghari iba su ninghe.
Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo.
59 Nene udya kutii nlirie nin nanan kpilzu me vat pizira uliru bellu litime na ise Yesu ku nin kulapi, bara inan se finu nliru imolughe.
Vaprista vakuru nedare rose ramakurukota vakanga vachitsvaka zvapupu zvenhema kuti zvipomere Jesu mhosva kuti vamuuraye.
60 Na iwa se uliru ba, vat nin nan liru kinuwe na iwa da ida su. kimal nani among naba da
Asi havana zvavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvenhema zvakauya pamberi. Pakupedzisira, vaviri vakauya
61 I woro, “Unit ulele wor, meng wasa npuco kutii nlira Kutelle nkpila nke kunin nanya nayiri atat.”
vakati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari ndigoivakazve namazuva matatu.’”
62 Udya kutii nlire fita ayisina, aworoghe, “na udin liru ule na uma kpanu ba? Inyaghari ilele idin bellu litife?”
Ipapo muprista mukuru akasimuka akati kuna Jesu, “Ko, haupinduri here? Uchapupu uhu hunorehwa navarume ava pamusoro pako ndohwei?”
63 A Yesu yita nin kutike. Udya kilari nlira woroghe, “Ndifi kucukusu nin Kutellen lai, belle nari sa fere Kriste, Gono Kutelle.”
Asi Jesu akaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’”
64 Yesu kawaghe, “Ubelle nani litife. Meng bellinfi nene, udu ubun uma yenu Usaun nnit sossin ncara ulime un likara, adin cinu kitene nawut kitene kani.”
Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.”
65 Udya kilari nlire marya kulutuk me aworo, “A zogo Kutelle. Iyaghari nta tutung ti kuru ti du nin su nmon uliru? Yeneng nene anung lanza tizogoe.
Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake.
66 Iyaghari idin kpilizue?” Ikawaghe i woro, “Abatina ukul.”
Munofungei nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!”
67 Itufuzunghe ataf nmoro, ikuru iruzoghe, ifoghe tutung nin nacara mine,
Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama
68 I woro, “Sunari anabci fe Kristi. Ame ghari ulenge na a riofi?”
uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?”
69 Kubi kone, Bitrus wa sossin ndas nbun kutii nwuccu nlirue, nkan kabura kucin da kitime a woro. “Fewang di ligowe nin Yesu Ngalili.”
Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.”
70 Ata amusu kun nbun mine vat, aworo, “Na meng yiru imon ilenge na udin liru kitene ba.”
Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.”
71 Na anuzu udu kibulung, nkon kubura kucin ugan tutung yeneghe a woro alenge na iwa di kitene, “Unit ulele wang wa di ligowe nin Yesu Nnazaret.”
Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Murume uyu akanga ari pamwe chete naJesu weNazareta.”
72 Akuru ata amusu ku tutun nin nisiling, “Na in yiru unite ba.”
Akarambazve, akapika achiti, “Murume uyu handimuzivi!”
73 Nin kubiri bat, alenge na iwa yissin kitene da ida woro Bitrus ku, “Kidegenere, fe wang umong nanya minere, bara lilemfe ndursofi.”
Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.”
74 Atunna a cizina izogo nin nisiling, “Na in yiru unitte ba.” Na nin dandaunu ba, kukulok kolsuno.
Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Pakarepo jongwe rakarira.
75 Bitrus lizino ulire na Yesu nin bellinghe. “Kukulok mayitu kusa kolsuno ba, uma ti umusun yiru nin titat.” A nuzu ado udas adi gilu kang.
Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.

< Matiyu 26 >