< Luka 9 >

1 Ayicila nono katwa mye likure nin wabe, ana nani likara kitene nagbergenu nin shizhinu nin tikonu.
Zvino wakadanira pamwe vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemadhimoni ese, nekuporesa zvirwere.
2 Ato nani, idi bellin uliru kiti kipin tigo mye, nin shizinu nanan tikonu.
Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nekuporesa varwere.
3 A woro nani na iwa yiru imon bara ucine ba, sa uca, imon inyi, imonlii, ukurfung, sa alutuk abba.
Zvino akati kwavari: Musatakura chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; uye musava nenguvo refu mbiri umwe neumwe.
4 Vat kilari ka na ipira soo kinin, udu liyiri lo na iba cinu kipine.
Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugobvamo.
5 Inung alle na inari munu, asa iba nuzu nanya kipin, kotinon lidau we nabune mine, liba so ushaida nati mine.”
Uye ani nani asingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, zuzai kunyange guruva patsoka dzenyu, huve uchapupu hunopikisana navo.
6 Itunna iwatuna, ipira nigbire itina nbellin nliru umang, nin shizinu nanit niti niti.
Zvino vakabva vakaenda vachigura nemumisha yese, vachiparidza evhangeri, nekuporesa pese-pese.
7 Hirdus ugo na alanza ile imon na idinsu, au Yohanna unan shintu nanit infita.
Zvino Herodhe, umwe wevatongi vana, wakanzwa zvese zvakaitwa naye; akakanganisika, nokuti zvairehwa nevamwe kuti Johwani wakange amuka kubva kuvakafa;
8 Kiti namong idin su Iliya nsah, among woro umon unan nburnari, in fita nanya na nan nlai.
nevamwe kuti Eria waonekwa; nevamwe kuti umwe muporofita wevekare wamuka.
9 Hiridus woro, “Ina malu ukalu liti Yohanna, ani ghari ndi nlanzu kiti mee nene.” Hiridus do npiziru ayene Yesu ku.
Asi Herodhe wakati: Johwani ndakagura musoro ini; asi ndiani uyu, ini wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akatsvaka kumuona.
10 Alenge na iwa tuu nani issah, ibellinghe vat nile imon na isu, anya nanghinu ligowe nanghe, udu kipin Batsaida.
Zvino vaapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvese zvavakange vaita. Akavatora, akaenda navo vari vega kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.
11 Inung ligoze lanza nani Idofinghe, atah nani mahadi, abelle nani ubellen kipin tigo na idinin su inshinue.
Zvino zvaunga zvakati zvazviziva, zvikamutevera; akavagamuchira, akataura kwavari zveushe hwaMwari, akaporesa vakange vachida kuporeswa.
12 Nin ndu kulelen, inung likure nin wabe, woroghee suuna ligoze idoo nigbir nkilinue, idi piziru kiti linanin nin nimonli, bara kikane na tidi ku kushori.
Zuva raiva rotanga kuvira; vanegumi nevaviri vakaswedera vakati kwaari: Regai chaunga chiende, kuti vaende kumisha nekuruwa rwakapoteredza, vagare, vawane kudya; nokuti pano patiri panzvimbo yerenje.
13 Aworo nani, “Nan nani imonli ili.” Inug woro, “na tidi nin nimomon na ikatin nfungul utaun nin niboo ibba ba, sse tido tidi seru nani imonli bara ligozi vat.
Asi wakati kwavari: Vapei imwi ivo kuti vadye. Vakati: Hatina zvinopfuura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kwekuti isu taenda kunotengera vanhu ava vese kudya.
14 Iwadi annit amui alaun. A woro nono kadura mye, “Taan nani iso acuri akut ataun taun.
Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, rimwe nerimwe makumi mashanu.
15 Isu nani anite so vat kutyin.
Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vese pasi.
16 A yauna ufungul utaune nin niboo ibe, ato iyiizi kitene atah nmari ku, a pucu agir anaa nono katuwa mye, inin koso nani.
Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.
17 Inung vat leo ishito, kagisin nbubun nimole nazza, ipitirno ita nakuzun likure nin nabba.
Vakadya, vakaguta vese; kukanongwa zvimedu zvakasara kwavari, matengu gumi nemaviri.
18 Idoo nkon kubi adin nti nliran usame, nono katuwa mye nanghe anin tirino nani, “Ligozi din su meng ghari?”
Zvino zvakaitika ari ega achinyengetera, vadzidzi vakange vanaye; akavabvunza, achiti: Zvaunga zvinoti ndini ani?
19 Ikauwa ghe iworo, “Yohanna unan shintu nmyen (Baptisma) amon woro Iliya, amon woro nkon kunan nburnuari in fita.”
Ivo vakapindura vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; nevamwe vakati: Umwe muporofita wevekare wamuka.
20 Anin woro nani, “Anung dinsu meng ghari?” Bitrus kauwa aworo kristi unuzu Kutelle.”
Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati: Kristu waMwari.
21 A wunno nani atuf, Yesu woro nani na iwa bellin umon ba.
Akavayambirisa, akaraira kuti varege kuudza munhu izvi;
22 Nworu gono nnit ba niu nin nimon gbardang, iba nari ghe, akune nin uso napirist a anan ninyerte, iba mollughe ayiri atat a ba fitu nin lai.
achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvikuru, nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa zuva retatu.
23 A woro nani vat, “Asa ule na adinin nsu adak kiti nigh, aba nari liti mye, aba diru, ule na anari litime bara meng aba se utucu.
Zvino wakati kune vese: Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
24 Ulenge na idinin su a tucu liti mye, aba diru, ule na anari litime bara meng aba se utucu.
Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu, iye achahuponesa.
25 Iyaghari ncaute unit se imon inye vat, anin dira ulai mye?
Nokuti munhu angabatsirwa nei, kana akawana nyika yese, asi iye pachake azvitadzire kana kurasikirwa?
26 Vat nle na adi nlanzu ncin nigh nin ligbulang nigh, gono nnit ba lanzu ncin mye nwui une na aba dak nanya ngongon Ncif mye nin nono kadura Kutelle.
Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu, Mwanakomana wemunhu achanyara pamusoro pake paanouya mukubwinya kwake nekwaBaba nekwevatumwa vatsvene.
27 Nworo munu kidegenere indi bellu munu, among yisin kikane, na ukul ba dudu nani ba, se idoo kipin tigo Kutelle.”
Asi ndinokuudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vevamire pano vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari.
28 Na ayiri kulir nkata na Yesu nbelle nani tigbulang tone, ayira Bitrus, Yohanna, a Yakubu, ighana kitene kupara ati nlirag.
Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure memashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kunonyengetera.
29 Na adi nliraghe, umuro mye saka, imon mye tunna ipo pau nwaltu.
Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, uye nguvo yake ikachena, ikapenya.
30 Itunna ise amon naba ida idin nliru nanghe, ashe Musa nin Iliya.
Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria.
31 Ale na iwa yenje nani gongon, idin nliru kitene nnyiu mye, ule na iba kullu nanya Urushelima.
Vakaonekwa mukubwinya, vakataura zvekubva kwake kwaakange achinopedzisa paJerusarema.
32 Kubi, Bitrus nan nale na iwa di nanghe nmoro wadi nani kang, na izinto, iyene ngongon mye nin nale iwa yisin nanghe.
Asi Petro nevaiva naye vakange varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakaona kubwinya kwake, nevarume vaviri vaiva vamire naye.
33 Uso nani, na inya ligowe nan Yesu, Bitrus woroghe, “Cikilari ucaun na tidi kikane, tiba ke adanga atat, ti ke kurum kun Iliya.” Na ayinno ile imon na adin belle ba.
Zvino zvakaitika pakubva kwavo paari, Petro akati kuna Jesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngatiite matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.
34 Kube na adin belle nleli imone, kuwut tolo ku tursu nani, fiu da nani, na kuwute nkilino nani.
Wakati achitaura izvi, kwakauya gore rikavadzikatira; vakatya pakupinda kwavo mugore.
35 Liwui nuzu nanya kuwute liworo, “Gono nighari kane na ina fere lanzan ghe.”
Zvino kwakabuda inzwi mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa; inzwai iye.
36 Na imala ulanzu liwuiye, Yesu yita usame, inung so tik, nanya nayiri ane na iwa bellin umong ba, ile imon na iyene.
Zvino inzwi rakati raitika, Jesu akawanikwa ari ega. Asi ivo vakanyarara, vakasaudza munhu mumazuva iwayo chimwe chezvinhu zvavakange vaona.
37 Ukurtunu nkuiye, na isa unuzu kupara, ligozi nanit da zuro nanghe.
Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.
38 Umon nanya ligozi gilla a woro, “Unan yiru ndin fofi nacara yene usaun nighe, amere gono nighe cas.
Zvino tarira, murume muchaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirisai, tarirai mwanakomana wangu nokuti ndiye wakaberekwa umwe wega wangu;
39 Yene Uruhu sa uyaunghe, amalzino, aketize, anutuzuno kupunget nnuwe, na asa usunghe ba, se ushalaghe.
zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomugwinhisa achipupuma furo, unorema kubva paari, asi uchimusvuura.
40 Asa nfo nono katwa fa acara, nshin ninghe na isa iyinno ba.”
Zvino ndakakumbirisa vadzidzi venyu kuti vaubudise, asi vakasagona.
41 Yesu kauwa a woro, “Anung anan salin nyinnu nin kuji kugbas, udu kishiyari nba yinu uso nanghinu danin nsaun fe kikane.”
Jesu achipindura akati: Haiwa zera risina rutendo rakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhi, ndichikuitirai moyo murefu? Uisa mwanakomana wako pano.
42 Na gone din cinu uduwe agbergenu yaunghe ilina kutyin atunna nketizu. Yesu kpada Uruhu unanzang, ashino nin gone, anin nakpa ucife.
Zvino wakati achaswedera, dhimoni rikamudambura, rikamugwinhisa zvikuru; asi Jesu akatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.
43 Vat mine yene nziziki ngbardang Kutelle, na vat mine nkiffo tunu nile imon asu, ani woro nono katuwa mye,
Vese ndokushamiswa zvikuru neukuru hwaMwari. Zvino vese vachakashamisika nezvese Jesu zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:
44 “Na to tigbulanghe do piit nnit nacara nanit.”
Imwi isai mashoko awa munzeve dzenyu: Nokuti Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu.
45 Na inin wa yinin ule idiru ba, Bara na uwa nyeshin kiti mine na iyinno liti nlire ba. Vat nani nlanza fiu nworu itiringhe uliru une.
Asi havana kuziva chirevo ichi, uye chakange chakavanzika kwavari, kuti vasachinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pechirevo ichi.
46 Manyardang fita nanya mine, nbelleng nworu ghari ba so udiya mine.
Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti ndiani angava mukurusa kwavari.
47 Yesu nin yiru nkpilizu nibinai mine, a yicila kagone kabene a yisa likot me,
Asi Jesu wakati achiona kufunga kwemoyo wavo, akatora mucheche, akamuisa parutivi rwake,
48 Anin woro nani, ulenge na asere gono kane, asere menku. Ulenge na asere menku, asere ulenge na ana tuuyi, ulenge na aceo liti me nafo gono kibene amere ba so udya nanya mine.
akati kwavari: Ani nani anogamuchira mucheche uyu muzita rangu, anogamuchira ini, uye ani nani anogamuchira ini anogamuchira wakandituma; nokuti mudikisa pakati penyu mese, ndiye achava mukuru.
49 Yohanna kauwa, “Cikilari tiyene umong nutuzunu nagbergenu nin lisafe, tinanin wantinghe, bara na adi ndortu nari ba.”
Johwani akapindura akati: Tenzi, taona umwe achibudisa madhimoni muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateverani nesu.
50 Na iwa wantinghe ba, “Ubellun Yesu, vat nlenge na adi nivira nan ghinu ba unminere.”
Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa, nokuti uyo asingatipikisi, ndewedu.
51 Na ayiri nyiu me nda susut aceo umuro me udu Urushelima.
Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva ekukwidzwa kwake, kuti iye akarinzira chiso chake kuenda kuJerusarema,
52 Ato anan kadura nbun me, inya ipira kagbir Nsamariya, ikeleghe imone.
akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; vakaenda, vakapinda mumusha weVaSamaria, kunomugadzirira.
53 Anite kikane wa tighe mahabi ba, bara amal ciu umuro me udu Urushelima.
Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chaienda kuJerusarema.
54 Na nono katuwa me, Yakubu nin Yohanna inyene nani, iworo, “Cikilari titi ulah tolu umolu nani?”
Zvino vadzidzi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachizviona vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvapedze, Eria sezvaakaitawo here?
55 A gitirino a kpada nani.
Asi wakatendeuka akavatsiura akati: Hamuzivi kuti imwi muri vemweya wakadii.
56 Itunna inya udu nkan kagbir.
Nokuti Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuhuponesa. Ndokuenda kune umwe musha.
57 Na idin cine libau we, umon woroghe, “Meng ba dofin fi udu kika na uba duu.”
Zvino zvakaitika vachifamba munzira, umwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.
58 Yesu kauwa a woroghe, “Ninyan yau dinin tiyyi, Anyin yita nin nado, meng gono nnit dinin kiti nciu liti ba.
Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paanotsamhidza musoro.
59 Anin woro nmong, “Dofini.” Ame woroghe, “Cikilari ucizine na ndo ndi kassu ucif nigh.”
Akati kune umwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei ndiende kunoviga baba vangu pakutanga.
60 Ame atimine anan nkul, fe can udi belle piit nin npash uliru kipin tigo Kutelle.”
Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda unoparidza ushe hwaMwari.
61 Umong ugang woroghe, “Meng ba dofinfi Cikilari, na ntuu ndi bellin anan kilari nighe meng nya.”
Umwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei kutanga kuti ndinovawoneka ivo vari mumba mangu.
62 Yesu kauwa a woroghe, “Na umong duku alenge na ata ucara me nkeke nikawa, asa a gitirno, na abase upiri kipin tigo Kutelle ba.”
Asi Jesu akati kwaari: Hakuna ungati kana aisa ruoko rwake pagejo, akacheukira kuzvinhu zviri shure, wakafanira ushe hwaMwari.

< Luka 9 >