< Luka 21 >

1 Yesu fiya iyizi ayene kitene kani anin yene anan nikurfunghe din nizun usadaka mine nanya kukuzenghe.
Zvino wakati atarira kumusoro akaona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chezvipo.
2 A yene umon uwani na ulese wa ku adin ti nikubu iba nanya kukuzunghe.
Uye wakaonawo imwe chirikadzi murombo ichikandamo tumari twemhangura tuviri.
3 Anin woro, “Kidegene mbelen minu, ule uwanin derun lese inta vat a kata anit ane.
Ndokuti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda kupfuura vese;
4 Vat mene wani nanya nigbardan ile na idimun. Bara nani ule uwanin salin lese, wani nanya likimun me, vat nikurfun mere a wanutun.
nokuti avo vese vakanda muzvipo zvaMwari pamuraudziro wavo, asi iye, paurombo hwake wakanda chese chaaiva nacho chaairarama nacho.
5 Nafo na amon waliru kutii nlira, nafo na ma kye nin natala acine nin sadaka, a woro,
Zvino vamwe vachiri kutaura pamusoro petembere, kuti yakange yakashongedzwa nemabwe akanaka nezvipo, wakati:
6 “Bara ile imune na idin yenju, ayiri ba dak na ima sunu nlon litala kitene nlong na ima sali sa uturne ba.”
Zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika okuti ibwe harizosiiwi pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.
7 Bara nani itiringhe, I woro, “Kumallami, nin shiyari ile imone ba ti?”
Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ko zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii, kana izvozvi zvoitika?
8 Yesu kawa, “Yenjen umon wada rusuzu minu Bara anit gbardan ba dak nin lisa ning, I din belu, 'Mere ame,' 'Kuben ndaa susut.' Na i wa dufin nani ba.
Iye ndokuti: Chenjerai kuti musatsauswa; nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye: Nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.
9 I wa lanza ubelen likum nin fizu nayi, na I wa lanza fiu ba, bara na ile imone ma dak nin burne, nara nani na liganghe nsa da ba.”
Zvino kana muchinzwa zvehondo nenyonga-nyonga, musavhunduswa; nokuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga kuitika; asi kuguma hakuvipo pakarepo.
10 Akuru a woro nani, “Nmgiin ma su likum nin umong nmgiin, kipin tigoo nin kan kipin tigoo.
Ipapo wakati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe.
11 Kutyene ma zullunu kang, nin nite gbardan kukpan ma yitu nin nijase tekanu tididya. Adadu fiyu ma yitu nin nalap adidya kitene kani.
Uye kudengenyeka kwenyika kukuru kuchava kunzvimbo dzakasiyana-siyana, nenzara nematenda, uye zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.
12 Bara nani makin ile imoone vat, ima ti minu acara iti minu ayiasirne, ima du nin ghinu nanya ni larin nlira nin nilari licin, I ma du nin ghinu ubun tigoo nin nbun na gumna bara lisa ning.
Asi mberi kwaizvozvi zvese vachaisa maoko avo pamuri, nekushusha, vachikukumikidzai kumasinagoge nemumatirongo, muchiiswa pamberi pemadzimambo nevabati, nekuda kwezita rangu.
13 Uba soo kube na iba belu imoon icine ile na Kutelle nsuu minu.
Uye izvi zvichashandukira kwamuri kuva uchapupu.
14 Bara nani keleng nibinai mine na ima kesuzu ati mine udu kuni kube ba.
Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofunganya zvamuchazvidavirira.
15 Bara na nba ni minu tigbulan nin kujinjin, na vat anan nari mine wasa ita mayardan ku sa I kpiliya umon uleru ba.
Nokuti ini ndichakupai muromo nenjere, vavengi venyu vese zvavachakonewa kupikisa kana kuramba.
16 Bara nani acef, nwana, adondon nin nakura ma nakpu minu, ima ti among mine ikuzu.
Zvino muchatengeswa kunyange nevabereki, nevanakomana vamai venyu, nehama, neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
17 Ima nari minu bara lisa ning.
Uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu.
18 Bara nani na liti titi mine lirum ma wulu ba.
Asi hakungatongoparari ruvhudzi rwemusoro wenyu.
19 Nenyan nteru nibinai mine I ba se imon kitene tilai mine.
Mukutsungirira kwenyu wanai mweya yenyu.
20 I wa yene ikilino Urshalima nin nasoja, yinnong unanzwe nda susut.
Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nemauto, zivai ipapo kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.
21 Na ale na idin Yahudiya cum udu kitene natala, ale na idi nanya kipine kitik nuzu, na I wa yining a le na idi tikauye piru ba.
Panguva iyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; nevari mukati maro ngavabude; nevari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.
22 Bara na ale ayire an tunjuari, bara vat ni lee imon na ma yertin kulo.
Nokuti awa mazuva etsividzo, kuti zvinhu zvese zvakanyorwa zvizadziswe.
23 Kash nawani ale na idin nin naburi kumat nin nalee na idin mazinu nono nanya na yiri ane! Bara na ijasi idya ma yitu nmgine, niin tinana nayi udu anite.
Asi vane nhamo vane mimba nevanonwisa mumazuva iwayo! Nokuti kuchavapo kutambudzika kukuru munyika, nehasha pamusoro perudzi urwu.
24 Imanin mulsu nani nin kusangali ima soo alin nanyan nmgene vat, awurmi ma patilu Urshalima udu kubin kulu na wurmi.
Uye vachawa nemuromo wemunondo, nekutapirwa kumarudzi ese; uye Jerusarema richatsikirwa pasi nevechirudzi, kusvikira nguva dzevechirudzi dzazadziswa.
25 Kulap ma yitun nwui, nanyan mpoi, nin nanya niyinin, nin kitene nyii, nin puyu nati nmgen, nany nlazu fiyu ngurzunu na rawa adidya nin fune.
Zvino zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi; nepanyika kutambudzika kwemarudzi nekukanganiswa; gungwa nemafungu zvichitinhira,
26 Anit ma kuzu ifiliza bara fuyu inca nimon ile na idin cinu kitene nyii. Bara na likara kitene kani ma zulunu.
vanhu vachapera simba nekutya nekutarisira zvinhu izvo zvinouya panyika; nokuti masimba ekumatenga achazungunuswa.
27 I ba nin yenu Gono nnit din cinu nanya na wut nin likara nin zazu udya.
Zvino ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mugore ane simba nekubwinya kukuru.
28 Bara nani ile imoone nwa cizin, fitan iyisin, inin ghantin ati mine, bara na utucu mine nda duru susut.”
Zvino kana zvinhu izvi zvichitanga kuitika, itii tasa, uye musimudze misoro yenyu, nokuti rudzikunuro rwenyu rwaswedera.
29 Yesu benle nani tiwankari, “Yenen kuca kupul nin nace vat,
Zvino wakavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muonde nemiti yese;
30 I wa yene kuca kupul ngutuna afa apese din tilu I yino bara ate mine au kubi kusik nda susut.
kana ikozvino yotunga, munozvionera nekuziva kuti zhizha ikozvino rava pedo.
31 Nanere, I wa yene ile imoone din dasu, yinong au kipin tigoo Kutelle nda susut.
Saizvozvo imwiwo, kana moona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedo.
32 Kidegene, mbelinminu, na ko kuje a katu ba, se imoon ilelee nkulo vat.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika.
33 Kitene kane nin nmgen ma katu vat, bara nani na ligbulan lirum nanya nlirunighe ma katu ba.
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
34 Bara nani, dinjan atuf nati mine, bara na nibinai mine wati getek nin na dadu ananzang, inyeu mso na dadu ahem, nin kpilizun nliru nyii, bara na lere wada muu minu,
Zvino zvichenjererei, kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekuraradza nekufunganya zveupenyu huno, zuva iro rikusvikirei musingafungiri.
35 nafo libarda, bara na lima dak liti na nit vat nanan nlai na idi nanya inyii ulele.
Nokuti seriva richasvika pamusoro pevese vagere pachiso chenyika yese.
36 Bara nani, Punon iyizi vat kubi idin tizun nlira bara inan se agan kang inan cuo ile imoone na ima dak, inin yisin mbun Gono nit.”
Naizvozvo rindai panguva yese munyengetere kuti muverengwe makafanira kupukunyuka zvinhu izvi zvese zvichaitika, nekumira pamberi peMwanakomana wemunhu.
37 Kubi ko na awadin dusuzu nanya kutii nlira nin kitwik a nuzu udas, anin moro kiten nlon litala na idin yicu litalan Zaitun.
Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi waibuda achipedzera usiku mugomo rinonzi reMiorivhi.
38 Anite vat da nin koi dindin inan lanzaghe nanya kutii nlira.
Vanhu vese ndokuuya kwaari mangwanani-ngwanani mutembere kuti vamunzwe.

< Luka 21 >