< Yuhana 16 >

1 Nbelin minu ile imone bara iwa ti minu itiro.
“Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka.
2 ima nutuzun minu nanya nilari nlira; kube din cinu kongo na alenge na ima molusu minu ma cissu idi su Kutelle katwa kacine.
Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari.
3 Ima su ileli imone bara na isa yinno Ucife sa menku ba.
Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini.
4 Ndin belu minu ile imone bara asa kube nda na ima se, ima lizinu inin nin woru iyiziari nna belin minu. Na nna belinminu ubellenghe nin cizunue ba bara nwa di ligowe na ghinu.
Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi.
5 Nene nba du kiti nlenge na ana tuyi; vat nani, na umong mine ntirini ba. 'Udin cinu udu weri'?
“Zvino ndava kuenda kune akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’
6 Bara na nna bellin minu ile imone, liburi lisirne nmal kulu nibinayi mine.
Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu.
7 Vat nani, nbeling minu kidegene; uma caunu minu meng nya; bara asa na nya ba, na unan bunue ma dak kitimine ba; ama nwan nya nma tughe kiti mine.
Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai kuti ini ndiende. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8 Asa ada, unan bunue ma kpashulu uye nbeleng kulapi, nbeleng katwa kacine, nin beleng nshara.
Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:
9 Nbeleng kulapi bara na ina yinnin nimi ba,
pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;
10 nbeleng katwa kacine. Ndin cinu ucin du kitin Cif, na ima kuru iyene tutung ba.
pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve;
11 a ubeleng nshara, ina malu usu ugo nyii ulele ushara.
uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa.
12 Ndin nin nimon gbardang na nma belin minu, na ima yinnu inin nene ba.
“Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino.
13 Vat nani, asa ame Uruhu kidegene nda, ama dofunu ninghinu nanya kidegene vat; bara na ama su uliru unlitime ba, ama vat nimon ile na alanza, nanere ama belu, amaa nin pun minu imon ile na idin cinu.
Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.
14 Ama tii gongong, ama yiru imon ning a pun minu inin.
Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri.
15 Vat ligang nimon ile na Uci dumun. inaghari, unnare nbelle, Uruhu ma yiru imon ning ada pun minu inin.
Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.
16 Nin kubiri bat, ima kuru iyene ba; nin kubiri bat tutung, ima kuru iyenei.”
“Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.”
17 Among nono katwa me woro nadon mine, “Uyapin uliruari ulele na aworo nari, 'nin kubiri bat, na ima kuru iyenei ba; aminin woro tutung nin kubiri bat tutung, ima yenei,' tutung, 'Bara nma du kitin Ncifa?'
Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?”
18 Inin woro, “Iyaghari ilele a belle, 'Kubi cingiling'? Na tiyino iyaghari adin belu ba.”
Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.”
19 Yesu yene idin shotu itiringhe, ame woro nani, “Idin tiru atimine ubelen nileli imone, nworu 'Nin kubi bat, na ima kuru iyenei ba; kimal kubi bat tutung, ima yenei'?
Jesu akaona kuti vaida kumubvunza pamusoro pazvo, saka akati kwavari, “Ko, muri kubvunzana pamusoro pezvandanga ndichireva here pandati, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondionizve, uye shure kwechinguva chiduku muchandiona’?
20 Kidegenere, ndin belu minu, ima su kuculu nin lidurun, ama uye masu liburi libo, anung masu liburi lisirne, ama liburi lisirne mine ma kpinlu ayi aboo.
Ndinokuudzai chokwadi, muchachema uye mugoungudza asi nyika ichifara. Muchasuwa, uye kusuwa kwenyu kuchashanduka kukava mufaro.
21 Uwani asa asu liburi lisirne andi adi nin konu liburi kumat bara kubin nlolu me nda; ama asa amara gone, asa a lizino uniu me ba bara ayi aboo nworu imara gono nanya in yii.
Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.
22 Nanere anung wang, idi nin naburi asirne nene, ama meng ma kuru inyene minu tutung, ima ti ayi abo.
Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu.
23 Liri lole, ima sui umon utirinu ba, kidegenere, Ndin belu minu, asa itirino imonmong kitin Cif, ama ni minu inin nanya lissa ning.
Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
24 Udu da duru nene na isa tirrino imonimon nya lissa ning ba; tirinon, tutung ima seru, liburi libo mine manin kulu.
Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.
25 Nsu minu ule ulire nin tinan tigoldo, ama kubi din cinu na nma kuru nsu minu uliru nin tinan tigoldo ba, ama nma na su minu kanang nbeleng Ncife.
“Kunyange ndanga ndichitaura nomufananidzo, nguva inouya yandisingazotauri nemifananidzo, asi ndichakuudzai pachena pamusoro paBaba vangu.
26 Nloli lire, ima tirini nya lissa ning, a na nworo minu nba ti nlira kiti Ncif bara anung ba;
Pazuva iro, muchakumbira muzita rangu. Handisi kuti ndichakumbira Baba panzvimbo yenyu.
27 ame Ucife di nin sumine, bara na anung di nin su nin, inani nyinna nin mi bara na nna dak unuzu kiti Ncife.
Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari.
28 Nna dak unuzu kiti Ncif, nmini na dak nanya yii ulele tutung, Nma sunu uyei nma kpilu ndo kiti Ncife.”
Ndakabva kuna Baba ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika ndichidzokera kuna Baba.”
29 Nono katwa me woro, “Yene nene udin liru kanang; na udin liru nin tinan tigoldo ba.
Ipapo vadzidzi vaJesu vakati, “Zvino mava kutaura pachena musingaiti nemifananidzo.
30 Nene ti yinno uyiru imon vat, ana udin pizuru umong tirifi umong uliru ba. Bara nani ti yinna una dak unuzu kiti Kutelle.
Zvino tava kuona kuti munoziva zvinhu zvose uye kuti hapana achafanira kuti akubvunzei mibvunzo. Izvi zvinoita kuti titende kuti makabva kuna Mwari.”
31 Yesu kawa nani aworo, “Nene iyinna?”
Jesu akapindura akati, “Mava kutenda here zvino?
32 Yenen kubi din cinu, nanere, nene kumal dak, na ima malu kiti, kogha mine udu kiti me, ima nin sunui Ussanii. Vat nani na nma yitu ussanin, bara Ucif ma yittu nin mi.
Asi nguva iri kuuya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe achienda kumusha kwake. Muchandisiya ndiri ndoga. Asi handisi ndoga, nokuti Baba vangu vaneni.
33 Nsu minu ulenge ulire bara nme inan se lissosin lisheu. Nanya nyie idi nin tinanayi, ama sen likara nibinayi, Meng na li likara nyie.”
“Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika.”

< Yuhana 16 >