< Ibraniyawa 3 >

1 Bara nani nuwana nilau, anan munu nati nanya nyicillu kitene, yenen Yisa ku, unan kadura nin pirist ule na tiba diu nghe kutyin.
Naizvozvo, hama tsvene, vagovani vekudanwa kwekudenga, rangarirai muapositori nemupristi mukuru wekupupura kwedu, iye Kristu Jesu,
2 A wandi nin kirki, kiti Kutelle, ulenge na awa ferenghe, Musa wandi nin kirki kilari Kutelle vat,
wakatendeka kuna iye wakamugadza, saMozisiwo muimba yake yese.
3 bara iwa yene Yisa katin Musa ku nin ngongon, bara ulengye na ke kilari, akatin kilaree litime.
Nokuti uyu wakanzi wakafanira rukudzo kupfuura Mozisi, sezvo anovaka imba ane rukudzo kuipfuura.
4 Ko kiyeme kilari unitari na ke kinin, vat ulengye na ana ke imon Kutelle ari.
Nokuti imba imwe neimwe inovakwa neumwe; asi anovaka zvese ndiMwari.
5 Musa fa wadinin kirki nafo kucin kilari Kutelle, vat, a niza uluru umang nimon ulle na iba bellu nin du nbun.
Zvino Mozisi zvirokwazvo wakanga akatendeka muimba yake yese semuranda, kuti huve uchapupu hwezvinhu zvaizotaurwa;
6 Bara Kristi ari udina wari kilari Kutelle, assa timono nin likara uciu kibinayi nin nfo figiri bite kitime.
asi Kristu seMwanakomana pamusoro peimba yake; imba yake yatiri isu, kana chete tikabatisisa kushinga nekuzvirumbidza kwetariro kusvika pakuguma.
7 Bara nani, una so nafo na uruhu ulau na bellin “kitimone asa ulanza liwui me,
Naizvozvo sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,
8 na uwa ti gbas nin nibinayi mine ba, nafo na an Isiraila nanyan kugbas mine, kubi na iwa dumun nani nanya kusho”.
musaomesa moyo yenyu, sepakumukira, nezuva rekuedzwa murenje,
9 Nanere wandi, kubi na ankah mine wa dumuni kubi na kus akut anas, iwa yene adadu ni nghe,
madzibaba enyu paakandiedza, vachindinzvera, ndokuona mabasa angu makore makumi mana.
10 Bara nani na nwa lanza nmang kuji kone ba, 'nmini wa bellin, ko kome kubi idin lasuzunu nanya ibinai mine, na inug yiru tibau nighe ba.
Naizvozvo ndakatsamwiswa nezera iro, ndokuti: Vanogara vachitsauka pamoyo; uye ava havana kuziva nzira dzangu;
11 Udi nafo na nwansu isilin nanya tinana nayi nighe, na iba piru nanya nshinu nighe ba”.
naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangatongopindi pazororo rangu.
12 Sun seng, linuana, bara iwa lawa nin nayi ananzang an salin yinnu nanya mine, kibinayi ka naki ba kpilliu minu kiti Kuttele nlai.
Chenjererai, hama, kuti kusava nemoyo wakashata wekusatenda pakati peumwe neumwe wenyu, pakutsauka kubva kuna Mwari mupenyu;
13 Nin nani tan atimine agang nibinayi ko lome liri, nin ndandaunu nafo na idin yicu kitimone, bara na warum mine was yita gbas bara karusuzo kulapi.
asi kurudziranai pazuva nezuva, kuchanzi nhasi; kuti kurege kuva neumwe wenyu anoomeswa nekunyengera kwechivi;
14 Bara arike tiso anan munu nati in Kristi, tiwa min uciu nibinayi bite gangang. kiti me unuzun nburne udu imalline.
nokuti tava vagovani vaKristu, kana chete tichibatisisa kuvamba kwechivimbo kusvikira pakuguma;
15 Kitene nilele, ina bellin, “kitimone, assa ulatisa liwui me yenje uwati kugbas nin kibinayi fe, nafo na an Isirala was nanya kugbullu”.
kuchanzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu, sepakumukira.
16 Ame ghari ule na awa latiza Kutelle asu Kugbullu? na inughere alenge na Musa wa nutun nani nanya Masare?
Nokuti vamwe vakati vanzwa vakamukira, asi havasi vese vakabva Egipita kubudikidza naMozisi.
17 Nin naya ghari Kutelle wa nana ayi udu akus akut anase? Na nin nalelere na iwa su alapi, inughe na abi mine wa nnon nanya kushoe?
Asi wakatsamwiswa nani makore makumi mana? Havasi ivo vakatadza here, vane mitumbi yakawira murenje?
18 Udu kiti naya ghari Kutelle wa sillo, na inghe ba piru nanya nnshinu me ba, andi na alenge na isalin ndortu nghe ba?
Uye ndivana ani vaakapikira kuti havangapindi pazororo rake, kunze kweavo vasina kutenda?
19 Tina yene nworu na iwase upiru nanya nshinu me bara usalin nyinnu mine.
Zvino tinoona kuti vakange vasingagoni kupinda nekuda kwekusatenda.

< Ibraniyawa 3 >