< Ugalantiyawa 5 >

1 Bara lisosin liwosarinKristi na bunku nari. Bara nani yissinan nin nakara na iwa yinnin tutung ikuru i pira tikanci ba.
Naizvozvo mirai makasimba murusununguko Kristu rwaakatisunungura narwo, uye musasungwazve nejoko reuranda.
2 Yeneng, Meng, Bulus, nworo minu asa ina kalza minu acuru cas, na Kristi ma so imon imon kitimine ba.
Tarirai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haakubatsirii chinhu.
3 Tutung ndin bellu udu kitin ko uyeme unit ulenge na ina kala ghe kucuru usoghe gbas adofin uduke vat.
Uye ndinopupurirazve kumunhu wese anodzingiswa, kuti ane ngava rekuita murairo wese.
4 Na nmyen mine duku nin Kristi ba, vat na lenge na idinin sü ise utuchu kitin nduka, anun wulu kitin ballu Kutellẹ.
Makasunungurwa kuna Kristu, imwi munonzi makarurama kumurairo; makawa panyasha.
5 Bara kitin Ruhu nan nya yinnu sa uyenu ti din cha nayi akone nan nya lissosin lilau.
Nokuti isu paMweya tinomirira nerutendo tariro yekururama.
6 Nan nyan Kristi Yisa sa ukalu kucuru, sa usalin kaue na unare imon imong ba. Nani nan nya katuwa in yinnu sa uyenuari cas unare imon.
Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa chero chinhu hazvina maturo; asi rutendo rwunobata nerudo.
7 Ina su ucume gegeme. Ghari nin na wantin minu ulanzun liru kidegen?
Manga muchimhanya zvakanaka; ndiani wakakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi?
8 Ukpilliu nibinayi mine nani na kitin nlenge na a yicila minuari ba.
Uku kukwezva hakubvi kune anokudanai.
9 Uyist cingiling asa umala kiti nan nya likalan vat.
Mbiriso shoma inovirisa bundu rese.
10 Idi nin nayi akone litime nan nyan Cikilari nin woru na iba su umong ukpilizu ugang ba. Ulenge na ata minu inani ta shogolok a yaunu ushara litime, ko ame ghari.
Ini ndine chivimbo nemwi muna Ishe, kuti hamuchazorangariri chimwe chinhu; asi uyo anokutambudzai achatakura mutongo, angava ani.
11 Linuana asa har idin su uwazin kalu kucuru, in yaghari ta nmini din niu uda duru ko kubẹ? uma nin so ikala imon ntizu ntiruzue kuca nkotine.
Asi ini, hama, kana ndichiri kuparidza dzingiso, ndichiri kushushirwei? Naizvozvo chigumbuso chemuchinjikwa chabviswa.
12 Meng dinin su alenge na idin wultuzunu minu tassa ati mine kiti mine.
Ndingati avo vanokutambudzai vazvichekewo.
13 Bara Kutellẹ na yicila minu linuana, wos se dei na iwa katwa nin yitu wos mine bara kidowo ba, ama nan nya nsü buzunon ati.
Nokuti imwi makadanirwa kurusununguko, hama; chete kwete kuti rusununguko rwuve mukana panyama, asi nerudo shandiranai.
14 Bara na uduke vat pitirin nan nya duka urum, nan nya nin ''uma yitu nin sü nnan kuponfe nafo litife.''
Nokuti murairo wese unozadziswa pashoko rimwe, pane ichi: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.
15 Asa idin kifizu nu ileo inawa nati, sun esn bara iwa molusu ati mine.
Asi kana muchirumana nekudyana, chenjerai kuti murege kupedzwa umwe neumwe wenyu.
16 Uliru nin ule, cinan nan nyan Ruhu bara iwa ni kidowo imon nsü me.
Zvino ndinoti: Fambai muMweya, zvino hamungatongozadzisi kuchiva kwenyama.
17 Bara na kidowe din cinu ugang nin Ruhu, a unin u Ruhu cina ugang nin kidowo inughe naba din su ivira nin nati. Bara iwa su imon ilenge na idi nin sun sue.
Nokuti nyama inochiva zvinopesana neMweya, neMweya zvinopesana nenyama; uye izvi zvinopesana; kuti musaita zvinhu zvamunoda.
18 Andi u Ruhu di ligowe nan ghinu, na idi nan nyan duka ba.
Asi kana muchitungamirirwa neMweya, hamusi pasi pemurairo.
19 Nene adadu kidowo di kanang. Annare unozu nin na wani, lidu lizemzem,
Zvino mabasa enyama ari pachena, ndiwo awa: Upombwe, ufeve, tsvina, unzenza,
20 licin ncil, usu niyiu, ivira nati, ufirun liru, liyarin, tinana nayi, usalin munu nati, umatu kiti, uwutuzunu, kibinai kisirne,
kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, makakava, godo, kutsamwa, kupokana, kupatsanurana, kutsauka,
21 umolu ntoro, idogwoi, nin nimuse ni le imone na ina wunun minu atuf mun, nafo na uwa malu uwunun atufe mun, alenge na idin su imus ni le imone na iba piru kipin tigoh Kutellẹ ba.
shanje, umhondi, uraradzi, makaro, nezvakadai; zvandinogara ndakuudzai sezvandakagarawo ndareva, kuti vanoita zvakadai havazodyi nhaka yeushe hwaMwari.
22 Kumatin Ruhu tutung kunanare usü, ayi abo, lisosin lisheu, ayi asheu, usali tinanayi, lisosin licine, uyinnu sa uyenu,
Asi chibereko cheMweya rudo, mufaro, rugare, moyo murefu, moyo munyoro, kunaka, rutendo,
23 usalin bardada, nin kifu liti. Imus nalele na ushara di nati mine ba.
unyoro, kuzvidzora; hakuna murairo unopikisa zvakadai.
24 Inung tutung alenge na idi anitin Kristi Yisa ina bana kidowo nin tok kinin a imon inanzang nsü kinin.
Asi avo vari vaKristu vakaroverera pamuchinjikwa nyama pamwe nehavi neruchiva.
25 Adi tisosin nin Ruhu na ti cinu ligowe tutun nin Ruhu.
Kana tichirarama muMweya, ngatifambewo muMweya,
26 Na tiwa so anan karusuzo ba, tifiza ati ayi, sa tiso in shina nati.
tirege kuzvikudza kusina maturo, tichidenhana, tichiitirana shanje.

< Ugalantiyawa 5 >