< 2 Utasalonika 1 >

1 Bulus, Silvanus, nin Timoti udu kutii kulau nTassulinika nya Kutelle Uchif nin Cikilari Yesu kristi.
Pauro, Sirasi naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu:
2 Na nshew nin mang se kiti kutellle uchif bit nin cikilari n isa kristi.
Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu.
3 Ti ba godo kutelle ko kishii bara anun, linuana, uchaun. Bara kidegen mine din kunju kang, tutung usuu mine bara linuana karin kan.
Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura.
4 Arik din fo nigiri nin nanun nya natii alau Kutelle bara unonku nibinei nin kidegen mine nyan nieu we na itere nibinei mine.
Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri.
5 Ilele udursun sharaa Kutelle ulau, nin nilee imon na iba dak lbata minu nya na iba piru kilari Kutelle na idin nieu bara kinin.
Zvose izvi ndizvo zvinoratidza kuti kutonga kwaMwari kwakarurama, uye nokuda kwaizvozvi muchanzi makafanirwa noumambo hwaMwari, ihwo hwamunotamburira.
6 Udi lau Kutelle kurtun unieu udu alenge na ita minu uniew,
Mwari anoruramisira: Achatsiva nokutambudza avo vanokutambudzai,
7 nin fi-nu alenge na ina nieu nan nari, asa Cikilari ta dak nin nono ka taah me nya na kara.
uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba.
8 Nya la aba kurtunu alenge na iwa yiru Kutelle kuba, nin na lenge na iwa seru kadura kamang Cikilari Yesu ba.
Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.
9 Iba nieu ukpizu nin kul sa ligan nbun Cikilari nin zazinu na kara me. (aiōnios g166)
Vacharangwa nokuparadzwa kusingaperi, uye vachapfigirwa kunze pamberi paIshe, uye napaukuru hwesimba rake, (aiōnios g166)
10 Asa adaa nloli liri na alau ba zazin gne, alenge na iwa yinin nin gne iba punu tinuu vat bara ile inom na tiwa belin iwa yinin.
pazuva raanouya kuzokudzwa muvanhu vake vatsvene uye sechishamiso pakati paavo vose vakatenda. Izvi zvinosanganisira imi, nokuti makatenda uchapupu hwedu kwamuri.
11 Bara nene ti di minu nlira ko kishii, Kutelle bite seru uyi chilu mine, a nin kulo imon ichine na idin piziru nya kataah kidegen nin na kara.
Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka nebasa rose rakamutswa nokutenda kwenyu.
12 Bara lisan Cikilari bite isa se uzazinu mine, bara ame, bara nshew Kutelle bite nin Cikilari Yesu Kristi.
Tinonyengeterera izvi kuitira kuti zita raIshe wedu Jesu rikudzwe mamuri, uye imi maari, maererano nenyasha dzaMwari wedu naIshe Jesu Kristu.

< 2 Utasalonika 1 >