< 2 Ukorintiyawa 1 >

1 Bulus unan kadura Yesu Kristi nin su Kutelle, nin Timintawus gwana bit, udu kutii kulau korintiyawe, nin vat nanit alau nigbirin na ikilin acaiya.
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose:
2 Ubolu Kutelle na uda kiti mine kibinayi kisheu unuzu KutelleUcif bite nin Cikilari Yesu Kristi.
Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichibva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
3 Na mmari Kutelle nin Cif ncikilari Yesu Kristi soo, ule na amereUcif ukunekune nin Kutelle nonko nibinayi,
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose,
4 Ulena adin nonkuzu nibinaiyi bite nanya piwu nibinaiyi bite arik nonko among ale na nibinaiyi mine piya nin nonku nibinai na Kutelle na ma nonku nari mun nibinaibit.
ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.
5 Bara nafo uniyu Kristi karin bara arik nenere ununkuzu nibinayi bite karin nanya Kristi.
Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu.
6 Bara nanin tiwa se upiwu nibinaiyi usuu utucunin nin nonku nibinayi nenere. Sa i wa nonku nibinayi bite unfe unon ku nibinayari, ulena udi na uwa da lanza uniuwe nannarik.
Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo.
7 Nin nayi akone bite kitife nyisina nin yiru nafo na una neu nan narik tutung nenere unonku nibinaye.
Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu.
8 Bara na ti dinin su tiso sa uyiru ba linwana mbeleng na tiwase nanya Asiya; iwa naulin nari nafo na ti wasa ti tere nibinai ba kan har tiwa nutun nibinai sa tim ati ulai.
Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatakagona kutsungirira, zvokuti takati takanga tofa.
9 Nin nene iwa tinari tishot inkul nati bite bara nanin i wadin yenju nati mase likara kibinai nati bite ba inmaimako kiti Kutelle ulena ana fiya abi.
Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa.
10 Awa tucu nari nanyang kul nijas, ama kuru atucu nari tutun. Ti kotina ayibit kitene me tutung ama nutu nari
Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura,
11 Ama su nari nani i wa bun nari nanya nlira anit gbardan ba daduru liburi liboo iyisunu bite bara ubolsu Kutelle na ana ninari nanya nlira na nit gbardan.
imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji.
12 Nene ilelere ti din fo figiri mung ushaida yiru bite ule na arik wa su nin nati bite nanya yi. Tiwa su nanin bara kata yinu nin lau nin kidegere na wa nuzu kiti Kutelle na nafo kujinjin yii ulele bara nanin inuzu ballu Kutelle.
Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari.
13 Na tidin yarti minu imonile na iwa sa ibele sa uyinin ba indi nin likara kibinai tutung.
Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti,
14 Nafo na ina malin yinu nari likot, lirum au lirin Cilkilari bite Yesu tina yite udalilin fizu nabanda mine nafo na anung ba yitu unbit.
sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu.
15 Bara nan wadi nin likara kibinai nilele iwa din nin su indak kitefe nin burnu, au unan sere mbang inse na mara aba.
Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri.
16 Iwa di woru inlasin kit fe cindu Umakidaniya inkueu mda yene fi cin sa Unuzu Makidoniya nani fe nin tiyi ndina udu Ujudia.
Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea.
17 Kubi kona iwa din kpilzu nan, iwa belin kibinai fe? sa uwa yinan miu nin kibinai unitan, bara in woro fi ''ee ee” nin “babu babu”kube kurume?
Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.”
18 Bara nanin nafo na Kutelle unan yinnu sa uyenu nati wasa ti woro “ee” nin “babu” ba.
Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.”
19 Bara gono Kutelle Yesu Kirst, ule na Silvanus Timitawus nin mi na beling naya min, na ame “ee “nin ''babu” ba bara nani ame ee wari vat kubi.
Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.”
20 Bara vat nalikawali Kutelle ''ee' wari nanya me baranani nanya me asa ti wuru uso nani udu uzazu Kutelle.
Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe.
21 Nene Kutelleri munu nari nanya Kristi nin narik.
Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza,
22 Ana tursu nari nin na gilet me na ni nari Ifip nanya nibinai bite minin so kulap ni mele na ama da ninari nin dandaunu.
akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya.
23 Nin nanin ina yicila Kutelle aso unan nizi iba ning bara imele na inati nan daa u Kurintiya ba bara inan unan tucu fiari.
Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi.
24 Na bara ti di nin su wuru timiin uyenu sa uyenu b, bara na tidi katwa nin yenu sa uyenu miner, bara mmag min, nayinsin nanya yinnu sa uyenu
Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda.

< 2 Ukorintiyawa 1 >