< 1 Utasalonika 4 >

1 Ukutulne, linwana, ti din niminu akara nya Chikilari Yesu, nafo na ina seru uliru kiti bite, ukifo isu uchin nin pozu Kutelleh abiri nafo idin chinu, dirtinong isu gbardang.
Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera.
2 Bara nyiru tiliru to na tina niminu nya Chilari Yesu.
Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu.
3 Ulelere usu Kutelle nlau mine ichin akmulet ndinon,
Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene:
4 bara vat mine iyinin usen wani nyan lau nin zazinu.
kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa,
5 Na nya su kibinai ndinon ba (nafo anan nyan nsirti alenge na iyiru Kutelleh ba).
asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;
6 Tutung umon wa patilin anin nanza gbane liburi nilemone ba, bara Chikilari unan tunju nile imonere vat, nafo natina min wunu minu atuf tinin kuru belle.
uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai.
7 Na Kutelle na yichila nari udu nyan dino gnari ba, udu nlau war.
Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene.
8 Bara nene ulengena ari ilelena anit ari anari ba, Kutelleh ari ulenge na adin nizu Ufunu Ulau udu kitimine.
Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene.
9 Ubelen nsu linwana, na umon ba yertinu minu imon ba, bara anun atimine Kutelleh na dursuzo minu usu linwana.
Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane.
10 Nyan na dadu, anun udu linwana alenge na idi vat Makaduniya, arik din niminu akara linwana, nworu is gbardng.
Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera.
11 Ti din niminu akara tutung itenizin nya kutik, lmin upiziru nimon yi, inin su kataah nin na chara mine, nafo na tiwa kpada minu
Shingairirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai,
12 Sun nene bara inan china dert udu alenge naidi ndas kidegene, baratutung iwa dira imon.
kuitira kuti upenyu hwamazuva ose huwane kukudzwa navari kunze uye kuitira kuti murege kusendamira kuno mumwe munhu.
13 Na tidii suu itan uyinu nari ba, linuana mbelen na lenge na idinnmmoro, yenju iwa so nin na buri asirne nafo alengena na isali nin kidegen bun ba.
Hama, hatidi kuti muve vasingazivi pamusoro paavo vavete, kana kuchema savamwe vavo, vasina tariro.
14 Asa ti yinna Yesu wa ku afita tutung, nanere Kutelleh ba dak nin Yesu nin na lenge na ina dieu nya mmoro nin gne.
Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari.
15 Bara nene ti belin minuu nya ligbulang Chikilari, nworu arik ale na ti di a chine, na i chino nari udu kubi dak Chikilari, kidegen na tiba yarnu na ina dieu nyan nmoro bara.
Samashoko aShe pachake, tinokuudzai kuti isu vachiri vapenyu, vachasara kusvikira pakuuya kwaShe, zvirokwazvo hatizotangiri avo vakavata.
16 Kutelle litime ba tolu unuzu kitene kani. Nin teit, nin liwui ngo nnono Kutelle, nin kulantung Kutelle, alenge na ina iku nya Kristi ba fita nfunu.
Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.
17 Arik alenge na tidi a chine, na ichino nari, ligozine iba fieu ghantunu nari nya na wut tizuro nin Cikilari nyan funu. Na nere tiba so ligowe nin Cikilari.
Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi.
18 Bara nene, tan linuana akara nin nagbulan alole.
Naizvozvo kurudziranai namashoko aya.

< 1 Utasalonika 4 >