< 1 Ukorintiyawa 6 >

1 Assa umon mine di nin nung nin mong, a ba yiru gwane a do mun kuti nshariya nyih? Ado ninghe kitin nan salin nyiru Kutellẹ. Na mbara a do mun kiti nibinai nilau.
Kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, angatsunga here kumukwirira kumatare avasakarurama pano kumukwirira kuvatsvene?
2 Na ayiru anan nibinai nilau nyiru Kutellẹ ima su uyẹ ushara ba? Andi anung iba sharantu uyii, na iwanya ikelle imon inanzan ba?
Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana muchazotonga nyika, ko, hamungagoni kutonga mhosva duku duku here?
3 Na iyiru tibasu nono kadura Kutellẹ ushara ba? Andi nanere iyaghari ba wantinari tisu ushara nimon natibit ba?
Ko, hamuzivi here kuti muchatonga vatumwa? Ko, kuzoti zvinhu zvoupenyu huno!
4 Andi ibassu ushariya nimon ushafa kolomeliri, bara iyanghari iba yiru ille imone idomun kiti nale na idimun liyisin licine nanya nono Kutellẹ ba?
Naizvozvo, kana mukapokana pamusoro pezvinhu zvakadai, gadzai savatongi kunyange vanhu vano kutenda kuduku vari mukereke.
5 Imon ncighari kiti mine. Na umon unang nyiru duku nan nya mine ulle na awanya a kelle nnung me kitik mine linana nanilime nan nishono ba?
Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko, pangashayikwa munhu akachenjera pakati penyu here anogona kutonga mhosva pakati pavatendi?
6 Nafo na ulire di, ulle na ayinna nin Kutellẹ asa ado nin gwana unan yinni nin Kutellẹ kutii nshariya, i do mun kiti nnan nshara ulenghe na ayiru Kutellẹ ba!
Asi panzvimbo yokuti mudaro, hama inokwirira hama kumatare avasingatendi!
7 Kidene andi nnung di nan nya mine anun anan nbi imal diu. Iyaghari ba wantin minu useru kulape, iyari bati na iba yinnu fi ba? Vat nin nani fe nari usunu icuce muna ba?
Izvi zvokuti makatokwidzana kumatare pakati penyu zvinoreva kuti makatokundwa kare. Munoregereiko kubvuma kukanganisirwa? Munoregereiko kubvuma kubirwa?
8 Anung nati alapi icuce among nuwana mine, nilime nan nishono!
Asi imi, pachenyu munoba uye munoita zvisakarurama, muchizviitira kuhama dzenyu.
9 Na anun yiru ba anan nsu lidu linanzang iba diru ugadu kilari tigoh Kutellẹ ba? Yenje iwa yinin nin kinu. Anan nnozu nin na nawani buu, anan nchil, anan nzina, ukaruwa gankilime nin nani lime anan nozu nan nanilime,
Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume,
10 alikiri, anan nsu nimon nyi, anan nsontoro, unan minu nimon nanit- na umon mine ba se ugadu tigoh Kutellẹ ba.
kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
11 Among mine nadi nanere. Ina ni kussu munu, inani na lente lau, inani natimunu iso dert nan Kutellẹ nanyan Lisa Nchikilari Yesu Kristi nin nfip milau Kutellẹ bite.
Uye izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe venyu. Asi makashambidzwa, mukaitwa vatsvene, mukaruramisirwa muzita raIshe Jesu Kristu, uye noMweya waMwari.
12 “Ko iyene imon icineari kitinigh,” bara na ni ko iyaghari imon icine ba. “Ko iyeme imone icineari kitinigh,” na mbaso kucin nimon imon nyẹ ba.
Ndinotenderwa zvinhu zvose, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Kwandiri zvinhu zvose zvinotenderwa, asi handidi kutongwa kana nechimwe.
13 “Imonli libburiari, libburi tutun bara imonliari,” amma Kutellẹ ba narri inin vat. Na kidowo ina ke kin bara usuzun uzinari ba, ina ke kidowo bara Chikilari, ame ba pizuru kidowo imonle Chikilari.
Zvokudya ndezvedumbu uye dumbu nderezvokudya, asi Mwari achaparadza zvose zviri zviviri. Muviri hauzi woupombwe, asi ndowaShe, uye naShe ndewomuviri.
14 Kutellẹ wa fya Chikilare aba kuru a fya arik ku nan nya likari me.
Mwari akamutsa Ishe kubva kuvakafa nesimba rake uye achatimutsawo.
15 Na iyiru anung abiri nidowo nin Kristie? Ba na mba yaunu abiri kidowa Kristi mmunu nin kilakia? na uwa so nani ba!
Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndingatora here mitezo yaKristu ndigoiita mitezo youpombwe? Kwete napaduku pose!
16 Na iyuru ba ulle na amunu kidowo nin nkilaki iso kidowo kirum ninghe ba? Nafo na inyerte na bellin, “Awanbe ba so kidowo kirum.”
Hamuzivi here kuti uyo anosangana nechifeve naiye ava muviri mumwe naye? Nokuti zvinonzi, “Vaviri ava vachava nyama imwe.”
17 Nanere ulle na amunu Chikilari iso fisudu wurume ninghe.
Asi uyo akasanganiswa naShe ava mumwe naye mumweya.
18 Choon piit kitin kulapin nzina! “Ko kome kulapi na unit din nsu kudii mamal kidowari,” unan su kulapin nzina adinsu nan nya kidowo mere.
Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.
19 Na anung nyiru nidowo mine Kuti Lisosin Nfip milau ulle na assosin nan nya mine ba, ulle na ina seru kiti Kutelle? Na anung anan natiminere ba?
Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu;
20 Bara ina seru munu nin nimon ilau. Bara ikatin ikurfung nani sun liru Kutellẹ nan nya nidowo mine.
makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.

< 1 Ukorintiyawa 6 >