< 1 Ukorintiyawa 16 >

1 Nene nbelen mapitiru pitiru nanit alau, nafo na nna bellin anan dortu Kutellẹ nati nlira in Galantiya, nanere anung wang sun.
Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratia, imwiwo itai saizvozvo.
2 Liri lin cizinu nayiri kuzor, na kogha mine rafa imoimon likot ligan kayiri me. Asa nda na mapitiru pitire ma yituku ba.
Nemusi wekutanga wega-wega wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.
3 Asa nda duru, alenge na anung yinna mung, mba tu nani nin niyerti idi ni mapitiru pitiru mine in Urshalima.
Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa zvipo zvenyu kuJerusarema.
4 Andi uma caunu meng wang do, ima du nan mi.
Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.
5 Mba dak kitime, asa nda kata in Makidoniya-bara nma katun Makidoniya.
Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia;
6 Nmoti nanghinuere mbaso udu kubin pitiru kiti, bara inan buni ncinnighe, vat kiti kanga na nma du.
uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pese pandinoenda.
7 Bara na ndi nin su in yene munu nene nan nya kubiri bat ba, ndi cissu kibinayi ntinayiri gbardang nan ghinu, andi Cikilare in yinna.
Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera.
8 Vat nani meng ba so in Afisos nduru kubin pentecost,
Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita.
9 Vat nin woru katwa puni pash, a anan shina yita ku gbardang.
Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye unesimba; nevanopikisa vazhinji varipo.
10 Nene asa Timitawus nda, na aso nan ghinu sa fiu, bara adin su katwa in Cikilari nafo menghe.
Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo.
11 Na umong wa yasighe ba. Buno ghe nya shewu anan da kiti ning, bara ndin cissu iyizi in yene ghe ada ligowe nan nya linuana.
Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama.
12 Nengene ubelen Apolos gwana bit: Nna ghe likara kibinayi a dak kitimine nin linuana, na a yinna udake nene ba; ama dak asa ase kubi.
Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chakange chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira.
13 Sun lissosi nca, yisinan nin nakara nan nya yinu sa uyenu mine, sun nafo nanilime, yitan nin nakara.
Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe.
14 Vat nimon ile na ima su sun nan nya kauna.
Zvinhu zvenyu zvese ngazviitwe nerudo.
15 Iyiru anan kilarin Istifanas, inughere anan cizinun seru nlirun tucu Akaya, inughe na ni atimine kiti katwa nanit alau. Nene ndi minu kucukusu, nuana nilime nan nishono,
Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;
16 nakpan atimine kiti inmusu nanit ane, nin vat lenge na adin bunu nan nya katwa a anontizo ligowe nan ghirik.
kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vese vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira.
17 Ndi su liburi libo nin dakin Istifanas, Furtunatus, a Akaikus; inun kulo kika na anun duku ba.
Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForichunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.
18 Bara ina da ghantini uruhu nighe nin na lele. Bara nani cau iyinni nin nimus nanit nafo alengene.
Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro.
19 Anan dortu Kutellẹ in Asiya din lissu minu. Akila nin Briskila din lissu nan nya NCikilari, nin nanan dortu Kutellẹ nan nya ngamine.
Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.
20 Vat nuana nilime nan nishono din lissu minu. Lisson atimine nin ni lip icine.
Hama dzese dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
21 Meng, Bulus, nsu ile iyerte nin nilip ncara ning.
Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro.
22 Andi ko uyeme unit na adi nsu usun Cikalari ba, na utin nu kifo ghe. Na Cikilari bite dak!
Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe!
23 Na ubolu Ncikilari Yisa so nan ghinu.
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nemwi.
24 Usu ning so nan ghinu vat nan nya Kristi Yisa. Uso nani.
Rudo rwangu ngaruve nemwi mese muna Kristu Jesu. Ameni.

< 1 Ukorintiyawa 16 >