< 1 Ukorintiyawa 11 >

1 Sun lisosin limang nafo men, nafo na men din su lisosin nafo Kristi.
Ivai vatevedzeri vangu, seniwo ndiri waKristu.
2 Nene in di liru mine bara na idin lizunu nin mi nan nya nimon vat tutun inin yisin gangang nan nya nadadu alenge na inani munu.
Zvino ndinokurumbidzai, hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvese, muchibatirira patsika sezvandakakumikidza kwamuri.
3 Nene ndinin su iyinin Kristiari unan nbu nko kame gankilime, a gakilime ubun nwani, a Kutellẹ amere unan bun nKristi.
Asi ndinoda kuti muzive, kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.
4 Gakilime ka na ata nlira sa ayene ubun a litime kirno na ana litime ngongon ba.
Murume umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita, musoro wakafukidzwa, unozvidza musoro wake.
5 Nani vat uwani ule na ata nlira sa a yene ubun sa ukirrunu litime na nà litime ngongon ba. Bara usosin imon irumere nin woru apele titime.
Asi mukadzi umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita nemusoro usina kufukidzwa, anozvidza musoro wake; nokuti ndizvo zvimwezvo nekuveurwa.
6 Asa na uwani ma kiru litime ba, na awarin titime cot. Andi imon cingharib uwani werin sa apelu titime, nbara a kiru litime.
Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kumukadzi kugerwa kana kuveurwa, ngaazvifukidze.
7 Naneri na gankilime wa kiru litime ba, bara na ame kuyeleri nin gongon Kutellẹ. Ame uwani ngogon ngankilimeri.
Nokuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.
8 Bara na iwa ke gankilime unuzu kitin nwani ba, uwaneri iwa keghe unuzu kitin gankilime.
Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume;
9 Na iwa ke gankilime bara uwani ba, iwana ke uwani bara gankilimeri.
nokuti nemurume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;
10 Unere nta uwani cau ayita nin litappa tigo litime, bara nono kadura Kutellẹ.
nekuda kweizvozvi mukadzi anofanira kuva nesimba pamusoro wake nekuda kwevatumwa.
11 Vat nin nani, kitin Cikilari, uwani sosin lisosin litime ugan nin gankilime ba, a na gankilime wang sosin lisosin litime ugan nin wani ba.
Asi murume haasi kunze kwemukadzi, kana mukadzi kunze kwemurume, muna Ishe.
12 Nafo na uwani na dak unuzu kitin gankilime, nanare gankilime na dak unuzu kitin nwani. A imon vat unuzu kiti Kutellẹ.
Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo uripo nemukadzi, asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari.
13 Sun asarawe ikosu ulire nin natimine, udi dert uwani ti nlira udu kiti Kutellẹ. nin litime fwangha?
Zvionerei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?
14 Ani na makeke litime ndurso minu nenge, asa gankilime di nin titi jakaka imon ncighari kitime,
Kana kunyange chisikirwo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?
15 Ani na makeke ndurso minu nwo asa uwani di nin titi ti jakaka na imon ngogon mere ba?
Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari. Nokuti vhudzi refu rakapiwa kwaari chive chifukidzo.
16 Asa umon di nin mong uliru ugang nin lele, na arik dinin namong al ada ugang ba, sa nan nya niti nlira Kutellẹ wang.
Asi kana umwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange makereke aMwari.
17 Nan nya nale adue, na ndin liru mine ba, bara asa izuro ligowe, na idin dazu nin nimon icine ba sai inanzan.
Zvino mukuraira uku handikurumbidzii, nokuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi muzvakapfuura kuipa.
18 Nin cizune, nna lanza au asa izuro ligowe kuti nlira, usali munu nati din nan nya mine, na nyina nin lirumine vat ba.
Nokuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; muchidimbu ndinozvitenda.
19 Uso gwas na ise naissin nan nya mine, bara alenge na iyinna nin liyissin mine inan se useru nan nya mine.
Nokuti kutsauka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.
20 Bara iwa zuro ligowe na idin li ujibin NCikilare ba.
Naizvozvo kana muchiungana pamwe, uku hakusi kudya chirairo chaIshe;
21 Asa idin le, kogha mine dirtinu nli ninme imonli, a amon dutu nin kukpon, a umon na yita nin kushiton ntoro.
nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza.
22 Na idi nin nilari na imali iso nan nye ba? din yassu kilari Kutellẹ ini tizza anan likimon ilanza ncingha? Nyaghari nba bellin minu? Meng nrù munua? Na nma zazun minu kitene lile imone ba!
Ko hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidzii.
23 Bara nna seru kitin Ncikilari ilenge imon na meng wang nani minu, Cikilari Yisa, nin kitike na iwa nari ame, ayauna ufungule.
Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe, icho chandakagamuchidzawo kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,
24 Kimal ntin lira, apuco uni aworo, “ilele kidowo nigharidi, ka naki di bara anung, man suzun nani ilizizin ninmi”
zvino wakati avonga akamedura, ndokuti: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai kundirangarira.
25 Nanere tutung awa yaun kakukke kimal jibe, aworo, “kakkuk kane kan ciu nliru upese ari nannya nmī ning. Suzun nani kubi kongo na idin sonē nin kakukke inan lizino nin me.''
Saizvozvo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzese kana muchinwa, mukundirangarira.
26 Bara vat kubi ko na ileo ufungal ulele nin kakkuk kane, idin girzunu nkul Ncikilarere udu lirin same.
Nokuti nguva dzese kana muchidya chingwa ichi, nekunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika.
27 Vat nlege na adin li ufungalle sa adin so kakkuk Ncikilare a ayita likara linanzang ama yitu nin kulapi kiti kidowo nin mī Ncikilare.
Naizvozvo ani nani anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe zvisakafanira, achava nemhosva yemuviri neropa raIshe.
28 Na unit tu adumun litime, ma anin li ufungal ani sono kakukke.
Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvowo ngaadye zvechingwa nekunwa zvemukombe.
29 Vat ulenge na adin li aso sa uyenun ngongong kidowo Ncikilare adin li aso usharawari litime.
Nokuti anodya nekunwa zvisakafanira, anozvidyira nekunwira kutongwa, zvaasingatsauri muviri waIshe.
30 Unnare nta among mine gbardan di nin sali nakara a tikonu, among mine wang nkuzu.
Nemhaka iyi vazhinji kwamuri indonda nevarwere, nevazhinji varere.
31 Bara asa ti dumuzuna atibite, iba sunari ushara ba.
Nokuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa;
32 Nani asa idin su nari ushara, ti dinse ugwaru kitin Ncikilare, bara iwa da walin nari ligowe nin yih.
asi kana tichitongwa, tinodzorwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.
33 Bara nani nuana ning, asa ida zuro ligowe kiti kileowe son ncà nati.
Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.
34 Asa umon din lanzu kukpon, na ali kilari, bara iwa da zuro ligowe nan da so ushara kubi ko nan nda nma bellun minu imn ilenge na idin nbun.
Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Asi zvasara, ndichazvironga kana ndichisvika.

< 1 Ukorintiyawa 11 >