< 1 Nyakati 15 >

1 Daudi akajingea nyumba zake katika mji wa Daudi. Akaanda sehemu kwa ajili ya sanduku la Mungu na hema lake.
Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende.
2 Kisha Daudi akasema, “Walawi pekee ndio watabeba sanduku la Mungu, kwa kuwa walichaguliwa na Yahweh kubeba sanduku la Yahweh, na kumtumikia milele.”
Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.”
3 Kisha Daudi akakusanya Israeli yote Yerusalemu, kuleta sanduku la Yahweh sehemu aliyo iandaa.
Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira.
4 Daudi akakusanya uzao wa Aruni na Walawi pamoja.
Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi:
5 Kutoka uzao wa Kohathi, palikuwa na Urieli kiongozi na ndugu zake, wanaume 120.
kubva kuzvizvarwa zvaKohati, Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri;
6 Kutoka uzao wa Merari, palikuwa na Asaia kiongozi na ndugu zake, wanaume 220.
kubva kuzvizvarwa zvaMerari, Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri;
7 Kutoka uzao wa Gerishomu, palikuwa na Yoeli kiongozi na ndugu zake, wanaume 130.
kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni, Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu;
8 Kutoka uzao wa Elizafani, palikuwa na Shemaia kiongozi na ndugu zake, wanaume 200.
kubva kuzvizvarwa zvaErizafani, Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri;
9 Kutoka uzao wa Hebroni, palikuwa na Elieli kiongozi na ndugu zake, wanaume themanini.
kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni, Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere;
10 Kutoka uzao wa Uzieli, palikuwa na Aminadabu kiongozi na ndugu zake, wanaume 112.
kubva kuzvizvarwa zvaUzieri, Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri.
11 Daudi akaagiza Zadoki kuitwa na Abiathari kuhuani, na Walawi Urieli, Asaia, Yoeli, Shemaia, Elieli, na Aminadabu.
Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi.
12 Akasema, “Nyinyi ni viongozi wa familia za Kilawi. Jiwekeni wakfu, nyie na ndugu zenu, ilikwamba mlete sanduku la Yahweh, Mungu wa Israeli, kwenye sehemu niliyo iandaa.
Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzavaRevhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira.
13 Mara ya kwanza hamkubeba. Ndio maana Yahweh Mungu wetu akawa na hasira kwetu, kwa kuwa hatuku mtafuta wala kutii amri yake.”
Izvi zvakaitika nokuti imi vaRevhi hamuna kukwira neareka pakutanga paya Jehovha Mwari wedu paakatiratidza kutsamwa kukuru. Hatina kunge tabvunza kwaari kuti tingazviite sei nenzira yakarayirwa.”
14 Hivyo makuhani na Walawi waka jiweka wakfu iliwaweze kuleta sanduku la Yahweh, Mungu wa Israeli.
Saka vaprista navaRevhi vakazvinatsa kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsraeri.
15 Walawi wakabeba sanduku la Mungu katika mabega yao na nguzo, kama Musa alivyo amuru-kwa kufuata sheria zilizo tolewa na Yahweh.
Uye vaRevhi vakatakura areka yaMwari namatanda pamapfudzi avo, sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha.
16 Daudi akazungumza na viongozi wa Walawi kuwapangia ndugu zao kuwa wana muziki wenye vyombo vya muziki, vyombo vya uzi, vinubi na upatu, kwa kupiga kwa sauti na furaha wakipaza sauti zao.
Dhavhidhi akataurira vatungamiri vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo kuti vave vaimbi kuti vazonoimba dzimbo dzomufaro nezviridzwa zvaiti: mitengeranwa, mbira, namakandira.
17 Hivyo Walawi wakamchagua Hemani mwana wa Yoeli na mmoja wa kaka zake, Asafu mwana wa Berekia. Pia walimchagua ndugu wa uzao wa Merari na Ethani mwana wa Kushaia.
Saka vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoere; kubva kuhama dzake Asafi mwanakomana waBherekia; uye kubva kuhama dzavo vaMerari, Etani mwanakomana waKushaya;
18 Pamoja nao walikuwa ndugu wa daraja la pili: Zekarai, Yaazieli, Shemiramothi, Yehieli, Uni, Eliabu, Benaia, Maasaeia, Matithia, Elifelehu, Mikineaia, Obedi Edomu, na Yeieli, mlinzi wa lango.
uye pamwe chete navo hama dzavo dzaitevera paukuru dzaiti: Zekaria, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri varindi vemikova.
19 Wanamuziki Hemani, Asafu, na Ethani walichaguliwa kupiga upatu wa shaba.
Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira.
20 Zekaria, Azieli, Shemiramothi, Yehieli, Uni Eliabu, Maaseia, na Benaia walicheza vyombo vya uzi.
Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti,
21 Matithia, Elifelehu, Mikineia, Obedi Edomu, Yeieli, na Azazia waliongoza njia na vinubi.
uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti.
22 Kenania, kiongozi wa Walawi, aliongoza uimbaji sababu alikuwa mwalimu wa muziki.
Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri.
23 Berekia na Elikana walikuwa walinzi wa sanduku.
Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka.
24 Shebania, Yoshafati, Nethanieli, Amasai, Zekaria, Benaia, na Eliezeri, makuhani, walikuwa wa kupuliza matarumbeta mbele ya sanduku la Mungu. Obedi Edomu na Yehia walikuwa walinzi wa sanduku.
Shebhania, Joshafati, Netaneri, Amasai, Zekaria, Bhenaya naErieza vaprista vaizoridza hwamanda pamberi peareka yaMwari. Obhedhi-Edhomu naJehia vaizovawo vatariri vomusuo weareka.
25 Hivyo Daudi, wazee wa Israeli, na wakuu wa maelfu wakaenda kuchukua sanduku la agano la Yahweh kutoka nyumba ya Obedi Edomu kwa shangwe.
Dhavhidhi navakuru veIsraeri navakuru vamapoka ane chiuru vakaenda kundotora areka yesungano yaMwari kubva kumba kwaObhedhi-Edhomu, vachifara.
26 Wakati Mungu alipo wasaidia Walawi kubeba sanduku la agano la Yahweh, walitoa ng'ombe saba na mbuzi
Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondobwe manomwe.
27 Daudi alivishwa joho safi la maridadi, pamoja na Walawi walio beba sanduku, waimbaji, na Kenania, kiongozi wa nyimbo na waimbaji. Daudi alivaa juu ya joho lake naivera.
Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka.
28 Hivyo Israeli yote wakaleta sanduku la agano la Yahweh na kelele za shangwe, na sauti za tarumbeta, ngoma za saani, na vyombo vya uzi na vinubi.
Saizvozvo vaIsraeri vose vakakwidza neareka yesungano yaJehovha vachidanidzira, uye vachiridza mimhanzi yenyanga dzamakondobwe nehwamanda namakandira, uye vachiridza mitengeranwa nembira.
29 Lakini sanduku la Yahweh lilivyokuja kwa mji wa Daudi, Mikali binti wa Sauli, alitazama nje ya dirisha, Akamuona Mfalme Daudi akicheza na kusherehekea. Kisha akamdharau moyoni mwake.
Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye akaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba, akamushora mumwoyo make.

< 1 Nyakati 15 >