< Псалтирь 34 >

1 Псалом Давиду, внегда измени лице свое пред Авимелехом: и отпусти его, и отиде. Благословлю Господа на всякое время, выну хвала Его во устех моих.
Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake. Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.
2 О Господе похвалится душа моя: да услышат кротцыи и возвеселятся.
Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare.
3 Возвеличите Господа со мною, и вознесем имя Его вкупе.
Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.
4 Взысках Господа, и услыша мя и от всех скорбей моих избави мя.
Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.
5 Приступите к Нему и просветитеся, и лица ваша не постыдятся.
Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.
6 Сей нищий воззва, и Господь услыша и, и от всех скорбей его спасе и.
Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.
7 Ополчится Ангел Господень окрест боящихся Его и избавит их.
Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura.
8 Вкусите и видите, яко благ Господь: блажен муж, иже уповает Нань.
Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.
9 Бойтеся Господа, вси святии Его, яко несть лишения боящымся Его.
Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.
10 Богатии обнищаша и взалкаша: взыскающии же Господа не лишатся всякаго блага.
Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.
11 Приидите, чада, послушайте мене, страху Господню научу вас.
Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
12 Кто есть человек хотяй живот, любяй дни видети благи?
Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda,
13 Удержи язык твой от зла и устне твои, еже не глаголати льсти.
dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.
14 Уклонися от зла и сотвори благо: взыщи мира и пожени и.
Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere.
15 Очи Господни на праведныя, и уши Его в молитву их.
Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;
16 Лице же Господне на творящыя злая, еже потребити от земли память их.
chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.
17 Воззваша праведнии, и Господь услыша их и от всех скорбей их избави их.
Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.
18 Близ Господь сокрушенных сердцем, и смиренныя духом спасет.
Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
19 Многи скорби праведным, и от всех их избавит я Господь.
Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose;
20 Хранит Господь вся кости их, ни едина от них сокрушится.
anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.
21 Смерть грешников люта, и ненавидящии праведнаго прегрешат.
Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.
22 Избавит Господь душы раб Своих, и не прегрешат вси уповающии на Него.
Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.

< Псалтирь 34 >