< Zvakazarurwa 18 >

1 Zvino shure kwezvinhu izvi ndakaona umwe mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane simba guru, nyika ndokuvhenekerwa nokubwinya kwake.
Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake.
2 Akadanidzira nesimba nenzwi guru, achiti: Rawa, rawa Bhabhironi guru, uye rava ugaro hwemadhimoni, nejere remweya yese yetsvina, nedendere reshiri dzese dzetsvina dzinovengwa.
Akadanidzira nenzwi guru achiti: “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru! Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa, ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.
3 Nokuti marudzi ese akanwa zvewaini yehasha dzeupombwe hwaro, nemadzimambo enyika akaita upombwe naro, nevashambadzi venyika vakafuma nesimba reumbozha hwaro.
Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro. Madzimambo enyika akaita upombwe naro, uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pazvinofadza zvaro zvizhinji.”
4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi kubva kudenga richiti: Budai kubva mariri vanhu vangu, kuti murege kuva vagovani vezvivi zvaro, uye kuti murege kugamuchira zvematambudziko aro;
Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro, kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;
5 nokuti zvivi zvaro zvasungana kusvika kudenga, naMwari warangarira zvisakarurama zvaro.
nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga, uye Mwari arangarira mhosva dzaro.
6 Muritsive sezvarakakutsivaiwo imwi, muchiripamhidzira kupamhidzira kunoenderana nemabasa aro; mumukombe iwoyo marakasanganisa iro, murisanganisire kakapamhidzirwa.
Ritsivei semabasa arakaita; ritsivei kaviri pane zvarakaita. Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.
7 Separakazvikudza kudai napo nekurarama muumbozha, murirwadzise nekurishungurudza saizvozvo; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara ndiri mambokadzi, uye handisi chirikadzi, uye handingatongooni kuchema.
Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita. Rinozvikudza mumwoyo maro richiti, ‘Ndigere samambokadzi; handisi chirikadzi, uye handingatongochemi.’
8 Naizvozvo achasvika nezuva rimwe matambudziko aro, rufu nekuchema nenzara; uye richapiswa kwazvo nemoto; nokuti ane simba Ishe Mwari anoritonga.
Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti: rufu, kuchema, nenzara. Achaparadzwa nomoto, nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru.
9 Nemadzimambo enyika akaita upombwe nekurarama paumbozha naro acharira pamusoro paro nekuchema pamusoro paro, pavachaona utsi hwekupiswa kwaro;
“Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema uye achaungudza pamusoro paro.
10 vamire kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru Bhabhironi, guta rakasimba, nokuti kutongwa kwako kwasvika neawa rimwe.
Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure vagochema vachiti: “‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru, Iwe Bhabhironi, guta resimba! Kuparara kwako kwasvika muawa imwe chete!’
11 Uye vashambadzi venyika vacharira nekuchema pamusoro paro, nokuti hakuchina munhu achatenga zvitengeswa zvavozve;
“Vashambadziri venyika vachachema uye vachaungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu achatenga nhumbi dzavozve,
12 zvitengeswa zvegoridhe, nezvesirivheri, nezveibwe rinokosha, nezvemaparera nezvemucheka wakaisvonaka, nezvine ruvara rwehute, nezvesiriki, nezvezvitsvuku, nemuti umwe neumwe unonhuhwira, nemarudzi ese emidziyo yenyanga dzenzou, nemarudzi ese emidziyo yematanda anokoshesesa, nezvendarira, nezvedare, nezvemabwe machena;
nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuhwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana;
13 nekinamoni, nezvinonhuhwira, namafuta ekuzora, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, newaini, nemafuta, neupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, nemakwai, nezvemabhiza, nengoro, nenhapwa, nemweya yevanhu.
nhumbi dzesinamoni nezvinonhuhwira, mura nezvizoro zvinonhuhwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.
14 Zvino michero yaichiviwa nemoyo wako yakabva kwauri, nezvinhu zvese zvinobwinya nezvinopenya zvabva kwauri, haungatongozviwanizve.
“Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’
15 Vashambadzi vezvinhu izvi, vakafumiswa naro, vachamira kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachichema nekurira,
Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema uye vachaungudza
16 uye vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, rakange rakapfeka mucheka wakaisvonaka nezvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye rakashongedzwa negoridhe nebwe rinokosha nemaparera!
uye vachadanidzira vachiti: “‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru, wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku, uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!
17 Nokuti neawa rimwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Uye mufambisi wezvikepe umwe neumwe, nevese vanofamba pamwe muzvikepe, nevafambi vemuchikepe, nevabati vese vepagungwa vakamira kure,
Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’ “Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure.
18 ndokudanidzira vachiona utsi hwekutsva kwaro, vachiti: Nderipi rakafanana naro guta guru?
Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’
19 Zvino vakadira guruva pamisoro yavo, ndokudanidzira vachirira nekuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, maifumiswa nezvinokosha zvaro vese vaiva nezvikepe pagungwa; nokuti rakaparadzwa neawa rimwe.
Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti: “‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru, vose vaiva nezvikepe pagungwa vakapfuma noupfumi hwaro! Muawa imwe chete, raparara!
20 Fara pamusoro paro, iwe denga, nemwi vaapositori vatsvene, nevaporofita, nokuti Mwari wakatonga mutongo wenyu kwariri.
Farai pamusoro paro, imi denga! Farai, vatsvene navapostori navaprofita! Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’”
21 Zvino mutumwa umwe ane simba wakasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akaposhera mugungwa, achiti: Saizvozvo nechisimba Bhabhironi guta guru richaposherwa uye harichazotongowanikwizve.
Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati: “Nechisimba chakadai guta guru reBhabhironi richakandwa pasi, risingazombowanikwazve.
22 Nenzwi revaridzi veudimbwa nerevaimbi nerevaridzi venyere nerevaridzi vehwamanda, harichatongonzwikwizve mauri, nemhizha yeumhizha hupi nehupi haichatongowanikwizve mauri, nenzwi reguyo harichatongonzwikwizve mauri;
Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda, hakuchazonzwikwazve mauri. Hakuna munhu webasa ripi zvaro achazowanikwazve mauri. Inzwi reguyo harichazonzwikwizve mauri.
23 uye chiedza chemwenje hachichatongovhenekerizve mauri, nenzwi remuwani neremwenga harichatongonzwikwizve mauri; nokuti vashambadzi vako vaiva vakuru venyika; nokuti neuroyi hwako marudzi ese akatsauswa.
Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri. Inzwi rechikomba neromwenga hazvichazonzwikwazve mauri. Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika. Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa.
24 Zvino mariri makawanikwa ropa revaporofita nerevatsvene, nerevese vakauraiwa panyika.
Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene, neravose vakaurayiwa panyika.”

< Zvakazarurwa 18 >