< VaFiripi 2 >

1 Naizvozvo kana kune imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nemukunzwira tsitsi, 2 zadzisai mufaro wangu, kuti muve nefungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe; 3 musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka; 4 umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo. 5 Nokuti fungwa iyi ngaive mamuri, yakange iri muna Kristu Jesuwo; 6 iye ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba; 7 asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu; 8 akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa. 9 Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura zita rimwe nerimwe; 10 kuti muzita raJesu ibvi rese rifugame, revekudenga nevepanyika, nevepasi penyika, 11 uye rurimi rwega-rwega rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba. 12 Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzese, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera; 13 nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvese kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka. 14 Itai zvinhu zvese musinganyunyuti nekupikisana; 15 kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika, 16 muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina. 17 Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinodururwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mese. 18 Nekuda kweizvozvi imwiwo mufare uye mufare pamwe neni. 19 Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi. 20 Nokuti handina munhu ane fungwa yakadaro, achava nehanya zvirokwazvo nezvenyu. 21 Nokuti vese vanozvitsvakira zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu. 22 Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri. 23 Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni; 24 asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya. 25 Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu; 26 sezvo akange achikushuvai mese, uye akatambudzika, nokuti makange manzwa kuti wakange achirwara. 27 Nokuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye ega, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu. 28 Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere zvikuru. 29 Naizvozvo mugamuchirei muna Ishe nemufaro wese, uye mubate vakadai neruremekedzo; 30 nokuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, kuti akwanise kushaiwa kundishumira kwenyu.

< VaFiripi 2 >