< Firimoni 1 >

1 Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu, 2 nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako: 3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. 4 Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzese paminyengetero yangu, 5 ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vese, 6 kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu. 7 Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama. 8 Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira, 9 asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu. 10 Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo, 11 wakange asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri, 12 wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu; 13 wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri; 14 asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido. 15 Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi; (aiōnios g166) 16 arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe. 17 Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire se unogamuchira ini. 18 Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri; 19 ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako. 20 Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe. 21 Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva. 22 Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri. 23 Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu, 24 Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni. 25 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni.

< Firimoni 1 >