< Mateo 27 >

1 Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vese nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye. 2 Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri. 3 Zvino Judhasi wakange amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, akazvidya moyo akadzosera makobiri esirivheri makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru, 4 achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risina mhosva. Vakati: Zvinei nesu? Zvionere iwe. 5 Akakanda makobiri esirivheri mutembere, akabva akaenda akanozvisungirira. 6 Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nokuti mutengo weropa. 7 Vakarangana, vakatenga nawo munda wemuumbi wehari, uve wekuviga vatorwa. 8 Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira nhasi. 9 Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivheri makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vana vaIsraeri wavakatarira mutengo; 10 vakaaripira munda wemuumbi wehari, saShe zvaakandiraira. 11 Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo weVaJudha here? Jesu akati kwaari: Unoreva iwe. 12 Asi wakati achipomerwa mhosva nevapristi vakuru nevakuru, haana kupindura chinhu. 13 Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvavanopupura kupokana newe here? 14 Asi haana kumupindura kunyange pashoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru. 15 Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada. 16 Uye nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakurumbira wainzi Bharabhasi. 17 Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana Jesu anonzi Kristu? 18 Nokuti wakange achiziva kuti vakange vamukumikidza negodo. 19 Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake. 20 Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu. 21 Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi. 22 Pirato akati kwavari: Ko ndichamuitei Jesu anonzi Kristu? Vese vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa. 23 Zvino mutungamiriri akati: Nokuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa! 24 Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; muchazvionera imwi. 25 Vanhu vese ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu. 26 Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa. 27 Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, hondo yese ikaunganira kwaari. 28 Vakamukurura, vakamupfekedza nguvo tsvuku. 29 Vakati varuka korona yeminzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha! 30 Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova mumusoro wake. 31 Vakati vamuseka, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa. 32 Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Vakamumanikidza uyu kuti atakure muchinjikwa wake. 33 Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndiko kuti, Nzvimbo yedehenya, 34 vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti anwe; asi wakati aravira akasada kunwa. 35 Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pechekupfeka changu. 36 Uye vakagara pasi, vakamurindapo. 37 Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA. 38 Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe. 39 Vakange vachipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, 40 vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa. 41 Saizvozvowo vapristi vakuru vachimuseka nevanyori nevakuru vachiti: 42 Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda. 43 Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nokuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari. 44 Makororowo akarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, akamuseka saizvozvo. 45 Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe. 46 Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri rama sabakitani?" Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei? 47 Vamwe vevakange vamirepo vakati vanzwa vakati: Uyu anodana Eria. 48 Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, akamupa kuti anwe. 49 Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa. 50 Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akapa mweya. 51 Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka. 52 Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vakange varere ikamutswa. 53 Vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji. 54 Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu wakange ari Mwanakomana waMwari. 55 Nevakadzi vazhinji vakange varipo, vakatarira vari kure, vakange vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira. 56 Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi. 57 Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu. 58 Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe. 59 Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nemucheka werineni wakachena. 60 Akauradzika muguva rake idzva, raakange achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva. 61 Uye ipapo paiva naMaria Magidharini neumwe Maria, vagere pakatarisana neguva. 62 Nezuva raitevera, raitevera zuva rekugadzirira, vapristi vakuru neVaFarisi vakaungana kuna Pirato, 63 vachiti: Ishe, tinorangarira kuti munyepedzeri uyo wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka. 64 Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvikira zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurasika kwekupedzisira kukazova kwakanyanya pane kwekutanga. 65 Pirato akati kwavari: Mune varindi; endai murichengete sezvamunoziva. 66 Vakaenda, vakanochengeta guva, vakaisa mucherechedzo pabwe, vane varindi.

< Mateo 27 >