+ Mateo 1 >

1 Bhuku redzinza raJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama. 2 Abhurahama wakabereka Isaka; Isaka ndokubereka Jakobho; Jakobho ndokubereka Judha nevanakomana vababa vake; 3 Judha ndokubereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi ndokubereka Esiromi; Esiromi ndokubereka Arami; 4 Arami ndokubereka Aminadhabhi; Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni; 5 Sarimoni ndokubereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi ndokubereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi ndokubereka Jese; 6 Jese ndokubereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo ndokubereka Soromoni kumukadziwaiva waUria; 7 Soromoni ndokubereka Robhoami; Robhoami ndokubereka Abhiya; Abhiya ndokubereka Asa; 8 Asa ndokubereka Josafati; Josafati ndokubereka Joramu; Joramu ndokubereka Oziasi; 9 Oziasi ndokubereka Jotamu; Jotamu ndokubereka Akazi; Akazi ndokubereka Hezekia; 10 Hezekia ndokubereka Manase; Manase ndokubereka Amoni; Amoni ndokubereka Josiyasi; 11 Josiyasi ndokubereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi. 12 Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi wakabereka Saratieri; Saratieri ndokubereka Zerubhabheri; 13 Zerubhabheri ndokubereka Abhiudhi; Abhiudhi ndokubereka Eriakimi; Eriakimi ndokubereka Azori; 14 Azori ndokubereka Sadhoki; Sadhoki ndokubereka Akimi; Akimi ndokubereka Eriyudhi; 15 Eriyudhi ndokubereka Eriazari; Eriazari ndokubereka Matani; Matani ndokubereka Jakobho; 16 Jakobho ndokubereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu. 17 Naizvozvo mazera ese kubva kuna Abhurahama kusvikira kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; nekubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; nekubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Kristu mazera gumi nemana. 18 Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nokuti mai vake Maria vakati vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba kubva kuMweya Mutsvene. 19 Zvino Josefa murume wavo zvaakange ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande. 20 Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nokuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene. 21 Uye achabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Jesu, nokuti iye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo. 22 Zvino zvese izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe kubudikidza nemuporofita achiti: 23 Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari anesu. 24 Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakaraira mutumwa waIshe kwaari, akazvitorera mukadzi wake; 25 uye haana kumuziva kusvikira azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU.

+ Mateo 1 >