< Mako 15 >

1 Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato. 2 Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe. 3 Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu. 4 Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira! 5 Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika. 6 Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira. 7 Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo. 8 Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira. 9 Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here? 10 Nokuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo. 11 Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi. 12 Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJudha? 13 Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa! 14 Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa! 15 Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa. 16 Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe; 17 vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari. 18 Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha! 19 Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata. 20 Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa. 21 Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake. 22 Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya. 23 Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira. 24 Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei. 25 Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa. 26 Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti: MAMBO WEVAJUDHA. 27 Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake. 28 Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo. 29 Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu, 30 zviponese, uburuke pamuchinjikwa! 31 Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa. 32 Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba. 33 Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe. 34 Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei? 35 Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria. 36 Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa. 37 Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya. 38 Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. 39 Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari. 40 Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki naJose, naSarome, 41 (avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye. 42 Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata, 43 Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu. 44 Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa. 45 Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha. 46 Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva. 47 Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.

< Mako 15 >