< Ruka 23 >

1 Zvino chaunga chavo chese chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato.
The whole council rose and took him to Pilate.
2 Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mitero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo.
There they started to accuse him. “We found this man deceiving our nation, telling people not to pay taxes to Caesar, and claiming he is Messiah, a king,” they said.
3 Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe.
“Are you the King of the Jews?” Pilate asked him. “So you say,” replied Jesus.
4 Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.
Then Pilate said to the chief priests and the crowds, “I don't find this man guilty of any crime.”
5 Asi vakasimbisa, vachiti: Unonyonganisa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rese, kutanga paGarirea kusvikira pano.
But they insisted, saying, “He is inciting rebellion all over Judea with his teachings, from Galilee to right here in Jerusalem.”
6 Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
When he heard this, Pilate asked, “Is this man a Galilean?”
7 Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhe, wakamutumira kuna Herodhe, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo.
When he discovered that Jesus came under Herod's jurisdiction, he sent him to Herod who was also in Jerusalem at the time.
8 Zvino Herodhe paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nokuti waishuva kumuona kwenguva refu, nokuti wakange anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye.
Herod was very pleased to see Jesus since he had wanted to meet him for a long time. He had heard about Jesus and was hoping to see him perform a miracle.
9 Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
He asked Jesus many questions, but Jesus did not answer him at all.
10 Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba.
The chief priests and religious teachers stood there, angrily accusing him.
11 NaHerodhe nemauto ake wakamuzvidza, nekuseka akamupfekedza nguvo refu inobwinya, akamudzosera kuna Pirato.
Herod and his soldiers treated Jesus with contempt and mocked him. Then they placed a royal robe on him and sent him back to Pilate.
12 Nemusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari neshamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo.
From that day on Herod and Pilate were friends—before that they had been enemies.
13 Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu,
Pilate called together the chief priests, rulers, and the people,
14 akati kwavari: Mauisa munhu uyu kwandiri seanotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera;
and told them, “You brought this man before me, accusing him of inciting the people to rebellion. I've carefully examined him in your presence, and do not find him guilty of the charges you have brought against him.
15 kwete, kunyange Herodhe; nokuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.
Neither did Herod, for he sent him back to us. He has done nothing that demands he should be put to death.
16 Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
So I will have him flogged and then release him.”
17 Nokuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo.
18 Asi vese vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi.
But they all shouted together, “Kill this man, and release Barabbas to us.”
19 Iye wakange akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo rakange raitika muguta uye neumhondi.
(Barabbas had been put in prison for taking part in a rebellion in the city, and for murder.)
20 Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari.
Pilate wanted to release Jesus, so spoke to them again.
21 Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa!
But they kept on shouting, “Crucify him! Crucify him!”
22 Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.
Pilate asked them for the third time, “But why? What crime has he committed? I don't find any reason for executing him. So I will have him flogged and then release him.”
23 Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira.
But they continued insisting with loud shouts, demanding that he be crucified. Their shouting succeeded,
24 Zvino Pirato wakatema kuti chikumbiro chavo chiitike.
and Pilate gave the sentence they demanded.
25 Akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakange akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo.
He released the man imprisoned for rebellion and murder, but he sent Jesus to be put to death in accordance with their demands.
26 Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu.
As the soldiers led him away, they seized a man called Simon of Cyrene, who had come in from the countryside. They put the cross on him and made him carry it behind Jesus.
27 Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema.
A large crowd followed him, along with women who were mourning and lamenting him.
28 Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu;
Jesus turned to them and said, “Daughters of Jerusalem, don't weep for me. Weep for yourselves and your children.
29 nokuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kunwisa.
For the time is coming when they'll say, ‘Happy are those who are childless, and those who never had babies, and those who never nursed them.’
30 Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei.
They'll say to the mountains, ‘Fall down on us,’ and to the hills, ‘Cover us.’
31 Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma?
For if they do this to wood that is green, what will happen when it's dried out?”
32 Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye.
They also took two others who were criminals to be executed with him.
33 Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe.
When they reached the place called the Skull they crucified him together with the criminals, one on his right, and the other on his left.
34 Jesu ndokuti: Baba, vakanganwirei; nokuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya.
Jesus said, “Father, please forgive them, for they don't know what they're doing.” They divided up his clothes by throwing dice for them.
35 Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamuseka, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari.
The people stood and watched and the leaders sneered at Jesus. “He saved others, let him save himself, if he is really God's Messiah, the Chosen One,” they said.
36 Nemautowo akamuseka, achimuvigira vhiniga,
The soldiers also mocked him, coming up to him and offering him wine vinegar, saying,
37 uye vachiti: Kana iwe uri Mambo weVaJudha, zviponese.
“If you're the King of the Jews, then save yourself.”
38 Zvino kwakange kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA.
Above Jesus was a sign on which it was written, “This is the King of the Jews.”
39 Uye umwe wevaiti vezvakaipa vakange vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu.
One of the criminals hanging there joined in the insults against Jesus. “Aren't you the Messiah?” he asked. “Then save yourself—and us too!”
40 Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?
But the other criminal disagreed and argued with him, “Don't you fear God even when you're suffering the same punishment?” he asked.
41 Isu zvirokwazvo zvakarurama, nokuti tinogamuchira zvakafanira zvatakaita; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
“For us the sentence is right since we're being punished for what we did, but this man didn't do anything wrong.”
42 Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu.
Then he said, “Jesus, please remember me when you come into your kingdom.”
43 Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.
Jesus replied, “I promise you today you will be with me in paradise.”
44 Zvino rakange rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yese, kusvikira paawa repfumbamwe.
By this time it was around noon and darkness fell over the whole land until three in the afternoon.
45 Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati.
The sun's light was shut out, and the Temple veil was torn in two.
46 Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya.
Jesus called out in a loud voice, “Father, I place myself in your hands.” Having said this he breathed his last.
47 Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu wakange akarurama.
When the centurion saw what had happened he praised God and said, “Surely this man was innocent.”
48 Nezvaunga zvese zvakange zvakaungana kuzoona izvozvi, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva.
When all the crowds that had come to watch saw what happened they went home beating their chests in grief.
49 Nevazikanwi vake vese, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi.
But all those who knew Jesus, including the women who'd followed him from Galilee, watched from a distance.
50 Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama;
There was a man called Joseph who was good and honest. He was a member of the council,
51 iye wakange asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta reVaJudha, naiyewo wakange achimirira ushe hwaMwari.
but he hadn't agreed with its decisions and actions. He came from the Jewish town of Arimathea, and was waiting expectantly for the kingdom of God.
52 Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu.
Joseph went to Pilate and asked for Jesus' body.
53 Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva rakange rakacherwa pabwe, makange musina kumboradzikwa munhu.
Once he'd taken it down, he wrapped it in a linen cloth. He laid Jesus in an unused tomb cut into the rock.
54 Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera.
It was preparation day and the Sabbath would soon begin.
55 Nevakadziwo, vakange vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, nokuti mutumbi wake waradzikwa sei.
The women who had come with Jesus from Galilee had followed Joseph and had seen the tomb where Jesus' body had been laid.
56 Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo.
They returned home and prepared spices and ointments. But on the Sabbath they rested, observing the commandment.

< Ruka 23 >