< Ruka 17 >

1 Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvigoneki kuti zvigumbuso zvisauya; asi ane nhamo wazvinouya kubudikidza naye.
Then He said to the disciples: “Things that cause people to fall are bound to come, but woe to him through whom they do come!
2 Zvaiva nani kwaari kuti guyo rinorema risungirirwe kupoteredza mutsipa wake, ndokukandirwa mugungwa, pakuti agumbuse umwe wevadiki ava.
It would be better for him if a millstone were hung around his neck and he were thrown into the sea, than that he should cause one of these little ones to fall.
3 Muzvichenjerere imwi. Zvino kana umwe wako akakutadzira, mutsiure; uye kana akatendeuka, mukanganwire.
Watch out for yourselves: if your brother sins against you, rebuke him; and if he repents, forgive him.
4 Uye kana akutadzira kanomwe pazuva, akadzoka kwauri kanomwe pazuva, achiti: Ndatendeuka; uchamukanganwira.
Even if he sins against you seven times in a day, and seven times in that day returns, saying, ‘I repent,’ you must forgive him.”
5 Zvino vaapositori vakati kuna Ishe: Wedzerai kwatiri rutendo.
The apostles said to the Lord, “Increase our faith.”
6 Ishe ndokuti: Kana maiva nerutendo rwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa; uye waikuteererai.
So the Lord said: “If you had faith like a mustard seed has, you could say to this mulberry tree, ‘Be uprooted, and be planted in the sea,’ and it would obey you.
7 Asi ndeupi kwamuri ane muranda anorima kana kufudza, achati pakarepo achipinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya?
“And which of you, having a slave plowing or tending sheep, will say to him when he comes in from the field, ‘Come at once and recline to eat’?
8 Asi angarega here kuti kwaari: Gadzira zvandingaraira, uye uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ndadya, ndikanwa; zvino mushure meizvozvi iwe udye nekunwa?
Will he not rather say to him, ‘Prepare something for me to eat, and gird yourself and serve me until I eat and drink, and afterward you will eat and drink’?
9 Anotenda muranda uyo nokuti wakaita zvarairwa here? Handifungi.
Does he thank that slave because he did the things commanded? I guess not!
10 Saizvozvo nemwi, kana maita zvese zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, nokuti taita zvataifanira kuita.
So likewise you, whenever you have done everything you were told to do, say, ‘We are unworthy slaves, because we have only done what we were supposed to.’”
11 Zvino zvakaitika pakuenda kwake kuJerusarema, kuti iye wakapfuura nepakati peSamaria neGarirea.
Now as He was traveling toward Jerusalem, He went along between Samaria and Galilee.
12 Zvino wakati achipinda mune umwe musha, varume gumi vaiva nemaperembudzi vakasangana naye, vamire kure.
And as He entered a certain village, ten men met Him—being lepers they stood at a distance.
13 Zvino ivo vakasimudza inzwi, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei tsitsi!
They called out, saying, “Jesus, Master, have mercy on us!”
14 Zvino wakati achivaona, akati kwavari: Endai munozviratidza kuvapristi. Zvino zvakaitika kuti vachienda, vakanatswa.
And paying attention He said to them, “Go and show yourselves to the priests.” It happened that as they went they were cleansed!
15 Zvino umwe wavo paakaona kuti aporeswa, wakadzoka achikudza Mwari nenzwi guru;
Well one of them, when he saw that he was healed, returned, glorifying God with a loud voice;
16 ndokuwira pasi nechiso patsoka dzake, achimuvonga; zvino iye wakange ari muSamaria.
then he fell on his face at His feet, thanking Him—and he was a Samaritan!
17 Asi Jesu wakapindura akati: Vanga vasiri gumi here vanatswa? Ko vapfumbamwe varipi?
So Jesus reacted by saying: “Were not all ten cleansed? So where are the nine?
18 Hapana kuwanikwa vadzokera kuzopa Mwari rukudzo, kunze kweuyu mutorwa.
None were found to return and give glory to God except this foreigner!”
19 Zvino akati kwaari: Simuka, enda; rutendo rwako rwakuponesa.
Then He said to him, “Get up and go; your faith has made you well.”
20 Zvino wakati achibvunzwa neVaFarisi, kuti ushe hwaMwari hunosvika rinhi, akavapindura akati: Ushe hwaMwari hahuuyi nekuonekwa;
Now when He was asked by the Pharisees when the Kingdom of God would come, He answered them and said: “The Kingdom of God does not come with observation;
21 uye havangati: Tarirai pano; kana: Tarira uko. Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.
nor will they say, ‘Look, here!’ or ‘Look, there!’ because indeed the Kingdom of God is within you.”
22 Zvino wakati kuvadzidzi: Mazuva achasvika amuchashuva kuona rimwe ramazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamungarioni.
Then He said to the disciples: “Days are coming when you will long to see one of the days of the Son of the Man, and you will not see it.
23 Zvino vachati kwamuri: Tarirai pano; kana: Tarirai uko; regai kuenda, kana kutevera.
And they will say to you, ‘Look, here!’ or ‘Look, there!’ Do not go along or follow.
24 Nokuti semheni inopenya ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga, saizvozvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu nezuva rake.
Because just like the lightning that lights the whole sky when it flashes, so also will the Son of the Man be in His day.
25 Asi kutanga anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nekurambwa nezera iri.
But first He must suffer many things and be rejected by this generation.
26 Uye sezvazvakange zvakaita mumazuva aNowa, ndizvo zvazvichavawo mumazuva eMwanakomana wemunhu.
Also, just as it was in the days of Noah, so will it also be in the days of the Son of the Man.
27 Vaidya, vainwa, vaiwana, vachiwaniswa, kusvikira zuva iro Nowa raakapinda naro muareka, mafashame akasvika, ndokuvaparadza vese.
They were eating, drinking, marrying and being given in marriage, until the day that Noah entered the ark, and the flood came and destroyed them all.
28 Saizvozvowo sezvazvakange zvakaita mumazuva aRoti; vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vaivaka;
Likewise also as it was in the days of Lot; they were eating, drinking, buying, selling, planting, building—
29 asi nemusi Roti waakabuda muSodhoma, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga, zvikaparadza vese.
but on the day Lot went out from Sodom, fire and brimstone rained down from heaven and destroyed them all.
30 Zvichava seizvi nezuva Mwanakomana wemunhu raachabudiswa pachena naro.
Even so will it be in the day when the Son of the Man is revealed.
31 Muzuva iro, uyo achava pamusoro pedenga reimba, nenhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; neari kumunda saizvozvo ngaarege kudzokera zvinhu zviri shure.
“In that day, he who is on the housetop, and his goods in the house, let him not go down to get them; and likewise he who is in the field, let him not turn back.
32 Yeukai mukadzi waRoti.
Remember Lot's wife!
33 Ani nani anotsvaka kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani nani anorasikirwa nahwo achahuraramisa.
Whoever seeks to save his life will lose it, and whoever ‘wastes’ it will preserve it.
34 Ndinoti kwamuri: Muusiku uhwo kuchava nevaviri pamubhedha umwe; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
I tell you: on that night there will be two men in one bed; one will be taken and the other left.
35 Vaviri vachava vachikuya pamwe, umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
Two women will be grinding together; one will be taken and the other left.”
36 Vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe asiiwe.
37 Zvino vakapindura vakati kwaari: Kupi Ishe? Ndokuti kwavari: Pane mutumbi, ndipo pachaunganidzwa magora.
They reacted by saying to Him, “Where, Lord?” He said to them, “Where there is a carcass, there will the vultures also be gathered.”

< Ruka 17 >